ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?
Zvinoitwa Nemahormone Kubatsira Muviri Kuti Unyatsoshanda Zvakanaka
Kuti muviri urambe uchishanda zvakanaka, muropa munofanira kuva neuwandu hwakati kuti hwemaelectrolytes, akadai secalcium. Asi uwandu hwemaelectrolytes anenge ari mumuviri hunosiyana zuva rega rega. Zvinofamba sei kuti muviri wako urambe uine uwandu hwemaelectrolytes anodiwa?
Muviri wemunhu ane utano hwakanaka unogadzira, unochengeta, uye unoisa mahormone muropa kuti mumuviri murambe muine uwandu hwemaelectrolytes anodiwa. Mahormone makemikari anobatsira kudzora mashandiro akasiyana-siyana emuviri. Kunyange chikamu chidiki chaizvo chemakemikari aya chine zvachinoita mumuviri wako. Encyclopedia Britannica inotaura kuti kuburitsa kunoita muviri mahormone “hakungoerekani kwaitika; kwakanyatsorongeka, uye kwakaoma kunzwisisa.”
Semuenzaniso, pahuro pane anonzi maparathyroid glands ayo anokurumidza kubata kuchinja kwese kunoitika pauwandu hwecalcium muropa. Anowanzonge ari 4, uye rimwe nerimwe rakakura setsanga yemupunga.
Kana calcium ikadzikira kupfuura zvainofanira kuva, maparathyroid glands anobva akurumidza kubudisa hormone. Izvi zvinogona kuitika mumasekondi mashoma, uye hormone iroro rinobva raita kuti calcium yakachengetwa mumabhonzo iende muropa. Hormone iri rinobva raudza itsvo dzako kuti dzimire kubvisa calcium muropa uye roita kuti ura hwako huwedzere uwandu hwecalcium yahunotora muchikafu chaunodya.
Asi kana ropa riine calcium yakawandisa, imwe gland inonzi thyroid inobva yabudisa rimwe hormone rakasiyana. Hormone iri rinoita kuti mabhonzo atore calcium yakawanda oichengeta uye rinobva raudza itsvo kuti dzibvise calcium yakawanda kupfuura zvadzagara dzichiita.
Tangotaura nezvemahormone aya maviri chete, asi pane akawanda anopfuura 100 anobatsira muviri wemunhu kuti unyatsoshanda zvakanaka.
Unofungei? Zvakangoitika zvega here kuti muviri wako uve nemahormone anoubatsira kushanda zvakanaka?