Magazini eNharireyomurindi neMukai!
Magazini edu anotsanangura Bhaibheri anowanikwa mumazana emitauro, kusanganisira mutauro wemasaini. Nharireyomurindi inotaura nezvemashoko akanaka eUmambo hwaMwari uye inokurudzira vanhu kutenda muna Jesu Kristu. Mukai! inoratidza nzira yekukunda nayo matambudziko atinosangana nawo mazuva ano uye inoita kuti munhu avimbe nezvakavimbiswa neMusiki nezvenyika itsva ine rugare uye yakachengeteka.

