Mhandara Mariya—Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvake?
Mhinduro yeBhaibheri
Bhaibheri rinotaura kuti Mariya akawana chikomborero chekubereka Jesu achiri mhandara. Bhaibheri rakagara rataura nezvechishamiso ichi mubhuku raIsaya uye rakataura kuzadziswa kwacho muEvhangeri yaMateu naRuka.
Isaya akaprofita nezvekuzvarwa kwaMesiya achiti: “Tarirai! Musikana achava nepamuviri, achabereka mwanakomana.” (Isaya 7:14) Mateu akafemerwa nemweya mutsvene achibva ataura nezvekubata pamuviri kwakaita Mariya uye akaratidza kuti zvakanga zvichizadzisa uprofita hwakataurwa naIsaya. Pashure pekutaura kuti Mariya akanga abata pamuviri, Mateu akawedzera kuti: “Chokwadi izvi zvose zvakaitika kuti zviya zvakanga zvataurwa naJehovha achishandisa muprofita wake zvizadzike, achiti: “Tarira! Mhandara a ichava nepamuviri uye ichabereka mwanakomana, vachamutumidza kuti Emanueri,” zvinoreva kuti, “Mwari Anesu,” kana zvashandurwa.’”—Mateu 1:22, 23.
Munyori weEvhangeri, Ruka, akataurawo nezvechishamiso chakaitika kuna Mariya chekubata pamuviri. Akanyora kuti Mwari akatuma ngirozi Gabrieri “kumhandara yakanga yavimbiswa kuroorwa nomurume ainzi Josefa weimba yaDhavhidhi; uye mhandara yacho yainzi Mariya.” (Ruka 1:26, 27) Mariya akatotaurawo pachake kuti aiva mhandara. Paakanzwa kuti aizova amai vaJesu, Mariya akabvunza kuti: “Izvi zvingaitika sei, ini zvandisiri kurara nomurume?”—Ruka 1:34.
Mhandara yaizobereka sei mwana?
Mweya mutsvene waMwari, kureva simba rake, ndiwo wakaita kuti Mariya abate pamuviri. (Mateu 1:18) Mariya akaudzwa kuti: “[Mweya] mutsvene uchaburukira pauri, uye simba roWokumusorosoro richakufukidza. Saka ichochowo chichaberekwa chichanzi chitsvene, Mwanakomana waMwari.” b (Ruka 1:35) Mwari akaita chishamiso chekutamisa Mwanakomana wake kubva kudenga kuti azozvarwa naMariya.
Nemhaka yei Jesu aifanira kuberekwa nemhandara?
Mwari akaita kuti Jesu aberekwe nemhandara kuitira kuti asabata chivi obva akwanisa kuponesa vanhu pachivi nerufu. (Johani 3:16; VaHebheru 10:5) Mwari akatamisira upenyu hwaJesu mudumbu raMariya. Mweya wake mutsvene wakachengetedza mwana wacho ari mudumbu kuti asabata chivi.—Ruka 1:35.
Saka Jesu akaberekwa asina chivi, sezvakanga zvakangoita Adhamu asati atadza. Bhaibheri rinotaura nezvaJesu richiti: “Haana kuita chivi.” (1 Petro 2:22) Semunhu akanga asina chivi, Jesu aikwanisa kubhadhara rudzikinuro kuti anunure vanhu pachivi nerufu.—1 VaKorinde 15:21, 22; 1 Timoti 2:5, 6.
Mariya akaramba ari mhandara here?
Bhaibheri haridzidzisi kuti Mariya akaramba ari mhandara. Rinoratidza kuti Mariya akava nevamwe vana.—Mateu 12:46; Mako 6:3; Ruka 2:7; Johani 7:5.
Mariya akabereka Jesu nekuti iye Mariya wacho akanga asina chivi here?
Aiwa. New Catholic Encyclopedia, inodzidzisa kuti Mhandara Mariya akanga asina chivi kubvira paakanga achiri mudumbu raamai vake. Vanhu vese vakaberekwa vaine chivi . . . Asi Mariya akaitirwa nyasha achibva aberekwa asina chivi.” c
Asi muBhaibheri hapana panotaurwa kuti Mariya akanga asina chivi. (Pisarema 51:5; VaRoma 5:12) Mutemo waMosesi waiti vanaamai vaifanira kupa chibayiro chezvivi kana mwana azvarwa uye ndizvo zvakaitwawo naMariya kuratidza kuti akanga ainewo chivi. (Revhitiko 12:2-8; Ruka 2:21-24) New Catholic Encyclopedia inoti: “Dzidziso yekuti Mariya akanga asina chivi haitaurwi zvakajeka muMagwaro . . . Ingoriwo dzidziso yemuChechi.”
Tinofanira kuona sei Mariya?
Mariya aiva munhu aiva nekutenda, aiteerera, aizvininipisa, uye aida Mwari zvakadzama. Ndemumwe wevanhu vakatendeka vatinofanira kutevedzera.—VaHebheru 6:12.
Pasinei nebasa rinokosha raakaita rekuva amai vaJesu, Bhaibheri haridzidzisi kuti tinofanira kumunamata. Jesu haana kumboti mai vake vaifanira kuzoremekedzwa. Pamabhuku ese 27 einowanzonzi Testamende Itsva, zita raMariya rinongotaurwa mumabhuku eEvhangeri uye kamwe chete muna Mabasa.—Mabasa 1:14.
Bhaibheri harimboratidzi kuti Mariya aibatwa zvakasiyana nevamwe kana kuti ainamatwa nevaKristu vekutanga. Rinodzidzisa vaKristu kuti vanamate Mwari chete.—Mateu 4:10.
a Shoko rechiHebheru rakashandiswa muuprofita hwaIsaya kureva “musikana” ndiʽal·mahʹ, uye rinogona kureva mhandara kana kuti musikana asisiri mhandara. Asi Mateu akashandisa shoko rechiGiriki rekuti par·theʹnos, rinonyatsoreva “mhandara.”
b Vamwe pavanonzwa kuti “Mwanakomana waMwari,” vanobva vafunga kuti Mwari akarara naMariya. Asi handizvo zvinodzidziswa neMagwaro. Bhaibheri rinoti Jesu “Mwanakomana waMwari” uye “dangwe rezvisikwa zvose” nekuti ndiye akatanga kusikwa naMwari. (VaKorose 1:13-15) Bhaibheri rinotiwo Adhamu “mwanakomana waMwari.” (Ruka 3:38) Chinoita kuti anzi mwanakomana waMwari ndechekuti akasikwa naMwari.
c Second Edition, Volume 7, peji 331.