Kuratidzwa Zvinoitwa paBheteri
Tinokukoka kuti uzoona zvinoitwa pamahofisi edu ayo atinoti Bheteri. Unogona kuona zvinoitwa pane mamwe mahofisi edu usina anokutungamirira.
Portugal
Kubhuka Zuva Raunoda Kushanyira Mahofisi Edu
Munofanira kutanga mabhuka musati mauya kuzoshanyira mahofisi here? Ehe. Kuti pasazove nevanhu vakawandisa, tinokukumbirai kuti pamunouya kuzoshanyira mahofisi edu, mutange mabhuka pasinei nekuti muri kushanya makawanda sei. Munofanira kubhuka pachiine vhiki kana kudarika. Kana muri kuzoda kushanya panguva yemazororo, tinokukurudzirai kuti mubhuke pachiine nguva yakareba.
Kana musina kubhuka, zvinoita here kuti muzoratidzwa mahofisi edu?
Kana musina kubhuka, tinogona kuzotadza kukuratidzai mahofisi. Nzvimbo iripo haitibvumiri kuti tive nevashanyi vakawandisa pazuva rimwe chete.
Munofanira kusvika nguvai?
Kuti pasazove nevanhu vakawandisa panguva imwe chete, tinokukumbirai kuti pamunouya kuzoshanyira mahofisi edu, musakurumidzisa kusvika, asi munogona kuuya henyu pasara awa imwe chete kuti nguva dzamakabhuka dzikwane.
Munobhuka sei? Bayai pakanzi “Bhuka”
Munogona kukanzura zvamakabhuka here? Ehe. Bayai pakanzi “Chinja Zvawabhuka”
Ko kana musi wamuri kuda kubhuka wakazara? Garai muchitarisa website ino. Vamwe vanogona kukanzura kana kuchinja musi wavakabhuka.
Bhuka
Kuratidzwa Zvinoitwapo
Rua Conde Barão, 511
P-2649-513 ALCABIDECHE
PORTUGAL
+351 214-690-600
Mafambiro
Muchidimbu
Tinotumira mabhuku kuungano dzinopfuura 700 dzinowanika muPortugal, Azores, Madeira, Cape Verde, São Tomé uye Príncipe. Tinorekodha maCD uye mavhidhiyo muEuropean Portuguese uye muMutauro Wemasaini wechiPortuguese.