Kuratidzwa Zvinoitwa paBheteri
Tinokukoka kuti uzoona zvinoitwa pamahofisi edu ayo atinoti Bheteri. Unogona kuona zvinoitwa pane mamwe mahofisi edu usina anokutungamirira.
Moldova
Kubhuka Zuva Raunoda Kushanyira Mahofisi Edu
Munofanira kutanga mabhuka musati mauya kuzoshanyira mahofisi here? Ehe. Kuti pasazove nevanhu vakawandisa, tinokukumbirai kuti pamunouya kuzoshanyira mahofisi edu, mutange mabhuka pasinei nekuti muri kushanya makawanda sei.
Kana musina kubhuka, zvinoita here kuti muzoratidzwa mahofisi edu? Kana musina kubhuka, tinogona kuzotadza kukuratidzai mahofisi. Nzvimbo iripo haitibvumiri kuti tive nevashanyi vakawandisa pazuva rimwe chete.
Munofanira kusvika nguvai? Kuti vanhu vasazowandisa panguva imwe chete, tinokukumbirai kuti musakurumidzisa kusvika, asi munogona kuuya henyu pasara awa imwe chete kuti nguva dzamakabhuka dzikwane.
Munobhuka sei? Bayai pakanzi “Make a Reservation.”
Munogona kukanzura zvamakabhuka here? Ehe. Bayai pakanzi “View or Change Reservations.”
Ko kana musi wamuri kuda kubhuka wakazara? Garai muchitarisa website ino. Vamwe vanogona kukanzura kana kuchinja musi wavakabhuka.
Make a Reservation
Kuratidzwa zvinoitwa pamahofisi edu
Strada Grigore Ureche 75
MD-2005 CHISINAU
REPUBLIC OF MOLDOVA
+373 22-22-86-26
Mafambiro
Muchidimbu
Tinoona nezvebasa rinoitwa neZvapupu zvaJehovha zvinopfuura 18 000 zviri muungano 200. Tinoshandura mabhuku anotsanangura Bhaibheri mumutauro wechiGagauz uye Romany (Moldova).