Enda pane zvauri kuda

MARCH 4, 2019
NDEZVIPI ZVITSVA

Kugadziriswa Kwenhamba Yemitauro Iri Pawebsite Yedu

Kugadziriswa Kwenhamba Yemitauro Iri Pawebsite Yedu

Maverengero atinoita nhamba yemitauro iri pawebsite yedu agadziriswa. Nhamba yemitauro inoratidzwa mubhokisi rakanzi “Sarudza Mutauro Waunoda” inenge yava kungoverenga mutauro kamwe chete kunyange kana uine manyorerwo akasiyana. Semuenzaniso, mutauro weSerbian unonyorwa nemabhii eCyrillic uye unonyorwa nemabhii eRoman unenge wava kuverengwa semutauro mumwe chete, kwete miviri. Nechikonzero ichi, nhamba inoratidzwa pabhokisi rakanzi “Sarudza Mutauro Waunoda” yaderera. Nekufamba kwenguva nhamba yemitauro iri paRAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower uye paJW Library ichagadziriswawo.