RWIYO 84
Kuwedzera Basa Redu
-
1. She Jehovha anoziva
Zvinotiita tifare.
Anotipa nzira zhinji
Dzekuti timushumire.
(KORASI)
Tiwedzere basa,
tipe Jehovha.
Kunoda vashandi, tiveko,
zvibve pamwoyo.
-
2. Kune basa m’nyika dzese.
Tiende kune vashoma.
Tawedzera basa redu.
Tinenge tichipa vamwe.
(KORASI)
Tiwedzere basa,
tipe Jehovha.
Kunoda vashandi, tiveko,
zvibve pamwoyo.
-
3. Chero tisina kuenda,
Tinoedza zvinhu zvitsva.
Tinodzidza mitauro
Kuti tizivise vese.
(KORASI)
Tiwedzere basa,
tipe Jehovha.
Kunoda vashandi, tiveko,
zvibve pamwoyo.
(Onawo Joh. 4:35; Mab. 2:8; VaR. 10:14.)