RWIYO 74
Uyai Tiimbe Rwiyo rweUmambo!
-
1. Urwu rwiyo rwem’faro wekukunda;
Rwunokudza Iye mukurusa.
Rwunopa tariro, rwotisimbisa.
Ngatiimbei nezveUmambo:
(KORASI)
‘Ngatinamatei Mwari.
Mwana wake ava Mambo!
Uyai tidzidze rwiyo rweUshe;
Gwadamai, rumbidzai Mwari.’
-
2. Urwu rwiyo rwozivisa Umambo.
Jesu Kristu anotonga nyika.
Rudzi rutsva rwevachatonga naye
Runobvuma Umambo ruchiti:
(KORASI)
‘Ngatinamatei Mwari.
Mwana wake ava Mambo!
Uyai tidzidze rwiyo rweUshe;
Gwadamai, rumbidzai Mwari.’
-
3. Urwu rwiyo vanyoro vorwugona.
Rwakajeka uye rwunofadza.
Nyika yese vazhinji vorwudzidza,
Vari kukoka vamwe vachiti:
(KORASI)
‘Ngatinamatei Mwari.
Mwana wake ava Mambo!
Uyai tidzidze rwiyo rweUshe;
Gwadamai, rumbidzai Mwari.’
(Onawo Pis. 95:6; 1 Pet. 2:9, 10; Zvak. 12:10.)