RWIYO 69
Pamberi Imi Vashumiri veUmambo!
-
1. Urambe uchiparidzira
Vanhu munyika yese.
Ude vavakidzani vako,
Vabatsire vaone,
Kushumira iropafadzo;
Tinofara kuparidza.
Usamboneta kuparidza;
Paridza zita raMwari.
(KORASI)
Rambai muchiparidza
mashoko eUmambo.
Rambai makavimbika
kuna Jehovha Mwari.
-
2. Tirambe tichienda mberi;
Vakazodzwa, nevamwe.
Vakuru, mhandara, majaya;
Tisambosara shure.
Shoko reUmambo hwaMwari
Rinzwike nevanhu vese.
Tinopiwa simba naMwari;
Naye hapana chekutya.
(KORASI)
Rambai muchiparidza
mashoko eUmambo.
Rambai makavimbika
kuna Jehovha Mwari.
(Onawo Pis. 23:4; Mab. 4:29, 31; 1 Pet. 2:21.)