Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 57

Kuparidzira Vanhu Vemarudzi Ese

Kuparidzira Vanhu Vemarudzi Ese

(1 Timoti 2:4)

  1. 1. Tinoda kuva saMwari wedu,

    Asingasaruri tozviziva.

    Kuponesa vese ndozva’noda;

    Kuti vese vave vanhu vake.

    (KORASI)

    Munhu kwete kwa’nobva;

    Mwoyo, kwete kumeso.

    Vese tovapa shoko raMwari.

    Nekuti tinovada,

    Kwese tinoparidza:

    “Vese vangava shamwari dzake.”

  2. 2. Kwaawanika hakuna basa

    Kana zvaangava nechekunze.

    Zvine basa ndozva’ri pamwoyo;

    Ndizvo zvinoonekwa naMwari.

    (KORASI)

    Munhu kwete kwa’nobva;

    Mwoyo, kwete kumeso.

    Vese tovapa shoko raMwari.

    Nekuti tinovada,

    Kwese tinoparidza:

    “Vese vangava shamwari dzake.”

  3. 3. Jehovha anobvuma vanoda

    Kusiya nyika nenzira dzayo.

    Takazvidzidza, dai vazvinzwa;

    Saka tinoparidzira vese.

    (KORASI)

    Munhu kwete kwa’nobva;

    Mwoyo, kwete kumeso.

    Vese tovapa shoko raMwari.

    Nekuti tinovada,

    Kwese tinoparidza:

    “Vese vangava shamwari dzake.”