RWIYO 46
Tinokutendai Jehovha
-
1. Tokutendai Mwari nguva dzese,
M’notivhenekera nechiedza.
Totenda kuti tinonyengetera,
Kuti tikuudzei zvinetso.
-
2. Totenda nekutipa Mwana wenyu,
Akakunda nyika nekutenda.
Totenda kutitungamira kwenyu,
Kuti tizadzise mhiko dzedu.
-
3. Totenda kuti tinoparidzira
Zita renyu pamwe nechokwadi.
Totenda kuti nhamo dzichapera,
Zvikomborero hazvizoperi.
(Onawo Pis. 50:14; 95:2; 147:7; VaK. 3:15.)