RWIYO 39
Kuita Zita Rakanaka naMwari
-
1. Muupenyu hwedu, zuva nezuva,
Tive nezita rinofadza Mwari.
Patinorwisa kuita zvakanaka,
Tichafadza mwoyo waMwari.
-
2. Kutsvaga mukurumbira munyika,
Kutsvaga kuti isu tionekwe,
Kushamwaridzana nayo hakushandi.
Hatizofarirwi naMwari.
-
3. Toda kuti naMwari tiyeukwe,
Zita reduwo mubhuku rinyorwe.
Tivimbe naye, titsigire chokwadi,
Zita rirambe rakanaka.
(Onawo Gen. 11:4; Zvir. 22:1; Mako 3:16; Zvak. 20:15.)