RWIYO 30
Baba Vangu, Mwari Wangu, Shamwari Yangu
-
1.Upenyu hungaoma,
Hungandibudisa misodzi.
Asi chero ndichiri
Kushumira Mwari.
(KORASI)
Mwari akarurama,
Anoyeuka rudo rwangu.
Ari pedyosa neni;
Ndinaye, handisi ndega.
Jehovha anondipa
zvese kusvikira kum’gumo.
Baba vangu,
Mwari wangu neShamwari.
-
2. Iye zvino ndakura,
Ndava mumazuva enhamo.
Kunyange zvakadaro,
Tariro ndinayo.
(KORASI)
Mwari akarurama,
Anoyeuka rudo rwangu.
Ari pedyosa neni;
Ndinaye, handisi ndega.
Jehovha anondipa
zvese kusvikira kum’gumo.
Baba vangu,
Mwari wangu neShamwari.
(Onawo Pis. 71:17, 18.)