RWIYO 29
Kuita Zvinoenderana Nezita Redu
-
1.Jehovha mune simba, hamugumi;
Makarurama munewo rudo.
Tsime rechokwadi neuchenjeri,
Ndimi Changamire wekudenga.
Tinofara kuita basa dzvene,
Kuzivisa chokwadi cheUshe.
(KORASI)
Ropafadzo yedu kuva Zvapupu.
Zvi’to zvienderane nezita!
-
2.Kushanda nevamwe mubasa dzvene
Kunotibatanidza murudo.
Tichiratidzira kubwinya kwenyu,
M’faro unozadza mwoyo yedu.
Kudanwa nezita renyu Jehovha,
Kwowedzera mbiri yenyu, Baba.
(KORASI)
Ropafadzo yedu kuva Zvapupu.
Zvi’to zvienderane nezita!
(Onawo Dheut. 32:4; Pis. 43:3; Dhan. 2:20, 21.)