RWIYO 23
Jehovha Anotanga Kutonga
-
1. Umambo hwa’kutonga.
Kristu, ngaarumbidzwe.
Ndiye dombo,
Mambo muZiyoni.
Manzwi ngatisimudze.
Jehovha ngatikudze.
Kristu, Muponesi,
ava pachigaro.
(KORASI)
Umambo hwa’kuzounzei?
Kukunda kwekururama.
Huchaunzeizve Umambo?
Upenyu husingaperi.
Rumbidzai Changamire
Nekuti ane rudo.
-
2. Kristu ava kutonga.
Hondo yake yasvika.
Nyika yaSatani ya’kuguma.
Inguva yekuudza
Shoko vasati vanzwa,
Yekuti vanyoro vachimutsigira.
(KORASI)
Umambo hwa’kuzounzei?
Kukunda kwekururama.
Huchaunzeizve Umambo?
Upenyu husingaperi.
Rumbidzai Changamire
Nekuti ane rudo.
-
3. Toda Mambo waMwari.
Tinoshamiswa naye.
Anouya muzita raMwari.
Pindai mutemberi;
Nyasha mukumbirei.
Ava pedyosa kuva
Mambo wezvese.
(KORASI)
Umambo hwa’kuzounzei?
Kukunda kwekururama.
Huchaunzeizve Umambo?
Upenyu husingaperi.
Rumbidzai Changamire
Nekuti ane rudo.
(Onawo 2 Sam. 7:22; Dhan. 2:44; Zvak. 7:15.)