Tichaimba Pamwe
Dhaunirodha:
1. Zvinhu zvazooma.
Vazhinji varasika.
Havagari murugare,
Vanhu vazozvitadza.
Mumadutu aya,
Vanhu vachinyeperwa.
Jehovha Mwari, anovimbisa,
Nyika yatamirira:
(KORASI)
Nyika ine
Rugare,
Inzwi rimwe
Nekutenda kumwe.
Tichaimba pamwe.
2. Nyange zvikaoma
Toziva zvichanaka.
Mwari otida uye otipa
Rugare kunge rwizi.
Kutya okubvisa,
Misodzi obvisa.
Tichazogara, murugare,
Tava kuzoona:
(KORASI)
Nyika ine
Rugare,
Inzwi rimwe
Nekutenda kumwe.
Tichaimba pamwe.
(BHIRIJI)
Tava neMuchinda wedu weRugare.
Tasunungurwa, rufu rwabviswa,
Tese topfugama
Pamberi paMwari.
(KORASI)
Nyika ine
Rugare,
Inzwi rimwe
Nekutenda kumwe—
Nyika ine
Rugare,
Inzwi rimwe
Nekutenda kumwe
Tichaimba pamwe.
Azozvizadzisa!