Tatosvika
Dhaunirodha:
1. Nguva yafamba ndiri kukura.
Kunyange zvaoma, mumwoyo mangu ndinoti:
Oh oh oh, tatosvika.
Ndakarasikirwa nevadiwa,
Handivakanganwe, mupfungwa dzangu ndinoti:
Oh oh oh, tatosvika.
(KORASI)
Pasina nguva, ndichava muParadhiso.
Marwadzo nemisodzi zvese hakusisina.
Umambo, hwatosvika.
Hama neshamwari dzomutswa.
Nyika yozara nemufaro nerudo.
Kuda kwake, kwoitwa.
Pasi rese, tatosvika.
2. Tave kumagumo, nyika yaipa,
Handishamiswe, handivhunduke ndinoti:
Oh oh oh, tatosvika.
Handimboregi kukudza Mwari,
Jehovha ndiye wandoraramira, ndichiti:
Oh oh oh, tatosvika.
(KORASI)
Pasina nguva, ndichava muParadhiso.
Marwadzo nemisodzi zvese hakusisina.
Umambo, hwatosvika.
Hama neshamwari dzomutswa.
Nyika yozara nemufaro nerudo.
Kuda kwake, kwoitwa.
Pasi rese, tatosvika.
(BHIRIJI)
Kunyange ndikasaona nyika ichiguma,
Mwari achadana, uye ndichapindura.
(KORASI)
Pasina nguva, ndichava muParadhiso.
Marwadzo nemisodzi zvese hakusisina.
Umambo, hwatosvika.
Hama neshamwari dzomutswa.
Nyika yozara nemufaro nerudo.
Kuda kwake, kwoitwa.
Pasi rese, towana
Zororo, tatosvika.