Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 11

RWIYO 57 Kuparidzira Vanhu Vemarudzi Ese

Shingaira Pakuparidza Sezvaiita Jesu

Shingaira Pakuparidza Sezvaiita Jesu

“Ishe . . . akavatuma mberi kwake vari vaviri vaviri mumaguta ese nenzvimbo kwaaizoenda.”RUKA 10:1.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza zvinhu 4 zvatingaita kuti titevedzere kushingaira kwaiita Jesu muushumiri.

1. Chii chinosiyanisa vanhu vaJehovha nevanhu vari munyika?

 KUSHINGAIRA a kunoita vashumiri vaJehovha muushumiri kunovasiyanisa nevaKristu vekunyepedzera. (Tito 2:14) Asi dzimwe nguva, unogona kunzwa usina chido chekuenda kunoparidza. Pamwe unogona kunzwa sezvinomboita mumwe mukuru anoshanda nesimba uyo akati, “Dzimwe nguva, ndinenge ndisina chido chacho chekuenda kunoparidza.”

2. Chii chinogona kuita kuti zviome kuti tigare tichishingaira muushumiri?

2 Tinogona kunge tichinakidzwa nekuita mamwe mabasa musangano raJehovha kupfuura kunakidzwa nebasa rekuparidza. Nei zvakadaro? Patinenge tichiita mabasa akadai sekuvaka, kugadzirisa zvivakwa zvesangano, kuyamura panoitika njodzi, kana kuti kukurudzira hama, tinogona kunyatsoona kubatsira kwezvatinenge tichiita. Tinonakidzwa nekushanda pamwe chete nehama dzedu tiine rugare, tichidanana uye tinoziva kuti vanokoshesa zvatinenge tichivaitira. Asi zvinogona kutiomera kuti tinakidzwe neushumiri nekuti tinogona kunge tava nemakore akawanda tichiparidza mundima imwe chete ine vazhinji vasingateereri mashoko edu. Kana kuti tinogona kusangana nevanhu vanoramba mashoko edu. Uye tinozivawo kuti mugumo zvaunoswedera pedyo, vanhu vasingafariri mashoko edu vacharamba vachiwedzera. (Mat. 10:22) Saka chii chinogona kutibatsira kuti tirambe tichishingaira kana kuti titowedzera kushingaira kwatinoita pabasa rekuparidza?

3. Tinodzidzei nezvaJesu kubva pamufananidzo uri pana Ruka 13:​6-9?

3 Tine zvatinogona kudzidza nezvekushingaira pakuparidza kubva pane zvakaitwa naJesu. Jesu akaramba achishingaira paaiita ushumiri hwake. Nguva zvayaifamba, aitowedzera kushanda nesimba. (Verenga Ruka 13:​6-9.) Kungofanana nemushandi wemumunda uyo akaita makore matatu achiedza kuita kuti muonde ubereke zvibereko, Jesu akaita makore matatu achiparidzira vaJudha kunyange zvazvo vazhinji vacho vasina kumuteerera. Asi kungofanana nemushandi wemumunda uyo asina kurasa tariro yekuti muonde waizobereka zvibereko, Jesu haana kukanda mapfumo pasi kana kudzikira pakuita ushumiri hwake. Akatowedzera kushanda nesimba pakubatsira vaJudha kuti vagamuchire mashoko akanaka.

4. Ndezvipi zvinhu 4 zvatichadzidza kubva kuna Jesu?

4 Munyaya ino, tichakurukura kuti Jesu akaratidza sei kuti aishingaira, kunyanya mumwedzi 6 yekupedzisira yeushumiri hwake. (Ona study note yakanzi “After these things iri pana Ruka 10:1 muBhaibheri reChirungu Rekudzidza.) Kuteerera zvakadzidziswa naJesu uye kutevedzera zvaakaita kuchatibatsira kuti tirambe tichishingaira mazuva ano. Iye zvino tichaongorora zvinhu 4 zvatinogona kudzidza kuna Jesu: (1) Aiisa pfungwa pakuita kuda kwaJehovha, (2) ainzwisisa zvinorehwa neuprofita hweBhaibheri, (3) aivimba naJehovha kuti amutsigire, uye (4) akaramba aine tariro yekuti pane vamwe vaizomuteerera.

AIISA PFUNGWA PAKUITA KUDA KWAJEHOVHA

5. Jesu akaratidza sei kuti akanga akaisa pfungwa pakuita kuda kwaMwari?

5 Jesu akashingaira kuparidza “mashoko akanaka eUmambo” nekuti aiziva kuti ndizvo zvaidiwa naMwari kuti aite. (Ruka 4:43) Jesu ainyanya kukoshesa ushumiri kupfuura zvimwe zvinhu zvese muupenyu hwake. Kunyange paakanga ava kupedza ushumiri hwake, aifamba achidzidzisa ‘muguta rimwe nerimwe uye musha mumwe nemumwe.’ (Ruka 13:22) Akadzidzisawo vamwe vadzidzi kuti vaite basa rekuparidza.—Ruka 10:1.

6. Basa rekuparidza rakabatana sei nemamwe mabasa atinoita musangano? (Onawo mufananidzo.)

6 Mazuva anowo, basa rekuparidza mashoko akanaka ndiro basa guru rinodiwa naJehovha naJesu kuti tiite. (Mat. 24:14; 28:​19, 20) Basa rekuparidza rakabatana nemamwe mabasa atinoita musangano. Semuenzaniso, tinovaka zvivakwa zvesangano kana kuti kushumira paBheteri kuitira kuti titsigire basa rekuparidza. Patinoyamura hama dzedu nehanzvadzi dzinenge dzawirwa nenjodzi, hatingozviitiri chete kuti dzibatsirikane asi tinenge tichiitira kuti vatangezve kuita mabasa avo ekunamata ayo anosanganisira basa rekuparidza. Kana tikaona kukosha kwebasa redu rekuparidza uye toyeuka kuti ndiro basa guru rinodiwa naJehovha kuti tiite, zvichatikurudzira kuti tishingaire muushumiri. Mumwe mukuru wekuHungary anonzi János, anoti: “Ndinogara ndichizviyeuchidza kuti hakuna basa ratinoita musangano rinogona kutsiva basa rekuparidza. Basa rekuparidza ndiro basa rinonyanya kukosha.”

Mifananidzo: 1. Hama iri kushanda pari kuvakwa chivakwa chesangano. 2. Imwe hama iri kushanda basa repaBheteri iri kumba. 3. Pava paya, vava kushanda vese pabasa rekuparidza.

Mazuva ano, basa rekuparidza mashoko akanaka ndiro basa rinonyanya kukosha rinodiwa naJehovha naJesu kuti tiite (Ona ndima 6)


7. Nei Jehovha achida kuti tirambe tichiparidza? (1 Timoti 2:​3, 4)

7 Tinokwanisa kuwedzera kushingaira kwatinoita muushumiri kana tikaona vanhu semaonerwo avanoitwa naJehovha. Anoda kuti vanhu vakawanda vanzwe mashoko akanaka uye vaateerere. (Verenga 1 Timoti 2:​3, 4.) Saka anotidzidzisa kuti tiwedzere unyanzvi hwedu pakuparidza mashoko aya anoponesa upenyu hwevanhu. Semuenzaniso, mubhurocha ralva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi tinoudzwa mazano anotibatsira kuti titange kukurukura nevanhu tiine chinangwa chekuita vadzidzi. Kunyange kana vanhu vakasateerera iye zvino, vanogona kuzova nemukana wekuteerera kutambudzika kukuru kusati kwapera. Zvatinotaura iye zvino zvinogona kuva izvo zvichavabatsira kuti vateerere mune ramangwana. Asi vanokwanisa kuzongoteerera chete kana tikaramba tichiparidza.

AINZWISISA ZVINOREHWA NEUPROFITA HWEBHAIBHERI

8. Kuziva uprofita hweBhaibheri kwakabatsira sei Jesu kuti ashandise nguva yake nekuchenjera?

8 Jesu ainzwisisa kuti uprofita hweBhaibheri hwaizozadziswa sei. Aiziva kuti ushumiri hwake hwaizoita makore matatu nehafu chete. (Dhan. 9:​26, 27) Aizivawo uprofita hwaitaura nezvekuti aizofa riini uye sei. (Ruka 18:​31-34) Nemhaka yekuti aiziva zvakanga zvataurwa nezvake, Jesu akashandisa nguva yake nekuchenjera. Izvi zvakaita kuti aparidze achishingaira kuitira kuti apedze basa raakanga apiwa kuti aite.

9. Kunzwisisa uprofita hweBhaibheri kunotibatsira sei kuti tishingaire pakuparidza?

9 Kunzwisisa uprofita hweBhaibheri kunogona kutibatsira kuti tishingaire pakuparidza. Tinoziva kuti nguva yasara kuti nyika ino igume ipfupi. Tinoziva kuti zvinhu zviri kuitika uye unhu hwevanhu mazuva ano zvinoratidza zvakagara zvataurwa neBhaibheri kuti zvaizoratidza kuti tiri mumazuva ekupedzisira. Tinonzwisisawo kuti patinoona umambo hweBritain neAmerica huchinetsana neRussia nenyika dzinoitsigira, zvinenge zvichizadzisa uprofita hunotaura zvaizoitwa namambo wekumaodzanyemba uye mambo wekuchamhembe “munguva yekuguma.” (Dhan. 11:40) Tinonzwisisawo kuti umambo hweBritain neAmerica hunomiririrwa netsoka dzinotsanangurwa mumufananidzo uri pana Dhanieri 2:​43-45. Tinonyatsobvuma kuti sezvinoratidzwa neuprofita uhwu, kwangosara nguva pfupi kuti Umambo hwaMwari huparadze hurumende dzevanhu. Uprofita hwese uhwu, hunoratidza patava uye hunotibatsira kuti tiparidze tichiziva kuti nguva yasara ipfupi.

10. Uprofita hweBhaibheri hunogona kukubatsirawo sei kuti uwedzere kushingaira kwako?

10 Muuprofita hweBhaibheri mune mashoko atinoda chaizvo kuudza vamwe. Imwe hanzvadzi inogara kuDominican Republic inonzi Carrie inoti: “Mashoko anonyaradza anovimbiswa naJehovha nezveramangwana anondikurudzira kuti ndide kuudza vanhu chokwadi ichocho.” Hanzvadzi iyi inotiwo: “Pandinoona matambudziko ari kusangana nevanhu mazuva ano, zvinoita kuti ndione kuti naivowo vanofanira kunzwa mashoko akanaka anovimbiswa naJehovha.” Uprofita hweBhaibheri hunotikurudzira kuti tisadzokere kumashure nekuti tinoziva kuti Jehovha ari kutitsigira pabasa iri. Leila, uyo anogara kuHungary, anoti: “Isaya 11:​6-9 inondikurudzira kuti ndiparidze mashoko akanaka kunyange kune vaya vanoita sekuti vanogona kuaramba. Ndinoziva kuti hakuna munhu asingakwanise kuchinja achibatsirwa naJehovha.” Uyewo Christopher, imwe hama inobva kuZambia, anoti: “Sezvakataurwa pana Mako 13:​10, mashoko akanaka ari kuparidzwa munyika yese, uye iropafadzo kubatsirawo pakuzadzisa uprofita uhwu.” Ndehupi uprofita hweBhaibheri hunoita kuti ude kuramba uchiparidza?

AIVIMBA NAJEHOVHA KUTI AMUTSIGIRE

11. Nei Jesu aifanira kuvimba naJehovha kuti amubatsire kuramba achishingaira pakuparidza? (Ruka 12:​49, 53)

11 Jesu aivimba kuti Jehovha aizomubatsira kuitira kuti akwanise kuramba achishingaira pakuparidza. Kunyange zvazvo aitaura zvakanaka, aiziva kuti mashoko akanaka eUmambo aizoita kuti vamwe vanhu vatsamwe uye vatange kumupikisa. (Verenga Ruka 12:​49, 53.) Nemhaka yebasa rake rekuparidza, vatungamiriri vezvitendero vakaedza kakawanda kumuuraya. (Joh. 8:59; 10:​31, 39) Asi Jesu akaramba achiparidza nekuti aiziva kuti Jehovha aiva naye. Akati: ‘Handisi ndega, asi Baba vakandituma vaneni. Havana kundisiya ndiri ndega, nekuti ndinogara ndichiita zvinhu zvinovafadza.’—Joh. 8:​16, 29.

12. Jesu akabatsira sei vadzidzi vake kuti varambe vachiparidza pavaizotambudzwa?

12 Jesu akayeuchidza vadzidzi vake kuti vaigona kuvimba naJehovha kuti avatsigire. Aigara achivayeuchidza kuti Jehovha aizovabatsira pavaizopikiswa. (Mat. 10:​18-20; Ruka 12:​11, 12) Asi akavayeuchidza kuti vangwarire. (Mat. 10:16; Ruka 10:3) Akavaudza kuti vaisafanira kumanikidza vanhu kuteerera mashoko avo. (Ruka 10:​10, 11) Uye akavaudzawo kuti vaifanira kutiza pavaizopikiswa. (Mat. 10:23) Kunyange zvazvo Jesu aishingaira uye aivimba naJehovha, aingwarira kuti asazvipinza munjodzi.—Joh. 11:​53, 54.

13. Chii chinoita kuti uve nechivimbo chekuti Jehovha achakubatsira?

13 Tinoda kubatsirwa naJehovha kuti tikwanise kuramba tichishingaira pakuparidza pasinei nekupikiswa mazuva ano. (Zvak. 12:17) Chii chinogona kuita kuti uvimbe kuti Jehovha achakutsigira? Funga nezvemunyengetero waJesu wakanyorwa pana Johani chitsauko 17. Jesu akakumbira Jehovha kuti achengetedze vaapostora, uye Jehovha akapindura munyengetero iwoyo. Bhuku raMabasa rinoratidza kuti Jehovha akabatsira sei vaapostora kuti varambe vachiparidza vachishingaira pasinei nekutambudzwa. Paainyengetera, Jesu akakumbirawo Jehovha kuti achengetedze vaya vaizoratidza kutenda mumashoko anenge aparidzwa nevaapostora. Uye vanhu ivavo vanosanganisirawo iwewe. Nanhasi Jehovha haana kumborega kupindura munyengetero waJesu. Achakubatsira, sezvaakangoita vaapostora.—Joh. 17:​11, 15, 20.

14. Nei tiine chivimbo chekuti tinokwanisa kuramba tichishingaira pakuparidza? (Onawo mufananidzo.)

14 Kunyange kana zvikaramba zvichitiomera kuti tiparidze tichishingaira mugumo zvaunenge uchiswedera pedyo, tinoziva kuti tichawana rubatsiro rwatinoda. (Ruka 21:​12-15) Kungofanana naJesu nevadzidzi vake, hatimanikidzi vanhu kuti vatiteerere uye hatiitisane nharo navo. Kunyange munyika dzinorambidzwa basa redu, hama dzedu dziri kukwanisa kuramba dzichizivisa mashoko akanaka nekuti vanovimba naJehovha, kwete nesimba ravo. Panguva yakatanga chiKristu, Jehovha aipa vashumiri vake simba uye nanhasi achiri kupa vashumiri vake simba kuitira kuti basa ‘rekuparidza rinyatsoitwa’ kusvikira iye agutsikana. (2 Tim. 4:17) Newewo unogona kuva nechivimbo chekuti kana ukavimba naJehovha, unokwanisa kuramba uchishingaira pakuparidza.

Kunyange kana basa redu rikarambidzwa, vaparidzi vanoshingaira vanotsvaga nzira dzekuti vaparidze nekungwarira (Ona ndima 14) b


AKARAMBA AINE TARIRO

15. Chii chinoratidza kuti Jesu haana kumbobvira arasa tariro yekuti pane vanhu vaizoteerera mashoko aaiparidza?

15 Jesu akaramba aine tariro yekuti vanhu vaizoteerera mashoko akanaka. Izvi zvakamubatsira kuti arambe achifara uye achishanda nesimba paaiita ushumiri hwake. Semuenzaniso, gore ra30 C.E rava kunopera, Jesu akaona vanhu vakawanda vaiva nechido chekuteerera mashoko akanaka uye akavafananidza nemunda wakachenera kukohwa. (Joh. 4:35) Pashure perinenge gore, akaudza vadzidzi vake kuti: “Kukohwa kukuru.” (Mat. 9:​37, 38) Uye akazodzokorora pfungwa iyoyo paakati: “Kukohwa kukuru . . . Saka kumbirai Tenzi wekukohwa kuti atumire vashandi vanoita basa rake rekukohwa.” (Ruka 10:2) Jesu haana kumbobvira arasa tariro yekuti pane vanhu vaizoteerera mashoko akanaka, uye aifara pavaiteerera.—Ruka 10:21.

16. Mifananidzo yakashandiswa naJesu inotibatsira sei kuti tive netariro patinoita ushumiri hwedu? (Ruka 13:​18-21) (Onawo mufananidzo.)

16 Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuti varambe vaine tariro pavaizoita basa rekuparidza, izvo zvaizovakurudzira kuti varambe vachishingaira. Semuenzaniso, ngatimbofungai nezvemifananidzo miviri yaakataura. (Verenga Ruka 13:​18-21.) Mune mumwe mufananidzo wacho, Jesu akafananidza shoko reUmambo netsanga yemasitadhi diki yakakura kuva muti muhombe. Izvi zvaireva kuti vanhu vakawanda vaizogamuchira mashoko akanaka uye hapana chaizotadzisa izvozvo kuti zviitike. Uye mune mumwe mufananidzo, akafananidza shoko reUmambo nembiriso nemhaka yekuti shoko reUmambo raizoparidzwa munzvimbo dzakawanda pasi rese uye raizoita kuti vanhu vachinje kunyange zvazvo zvingasakurumidza kuonekwa nevamwe. Saka Jesu akabatsira vadzidzi vake kuti vaone kuti mashoko avaizoparidza aizobatsira vanhu vakawanda.

Hanzvadzi mbiri dziri pachingoro. Vanhu vakawanda vari kupfuura vasingamiri.

Sezvaiita Jesu, tinoramba tiine tariro yekuti vamwe vanhu vachateerera mashoko atinoparidza (Ona ndima 16)


17. Zvii zvinoita kuti tirambe tiine tariro pakuita ushumiri hwedu?

17 Patinofunga nezvekubatsirwa kuri kuitwa vanhu vakawanda pasi rese nebasa redu rekuparidza, zvinobva zvaita kuti tide kuramba tichiparidza. Gore rega rega, mamiriyoni evanhu vanoda chokwadi ari kupinda Chirangaridzo uye tiri kudzidza navo Bhaibheri. Mazana ezviuru zvevanhu ari kubhabhatidzwa uye ari kubatana nesu pakuita basa rekuparidza. Hatizivi kuti kuchiine vanhu vangani vanogona kuteerera mashoko atinoparidza, asi tinoziva kuti Jehovha ari kuunganidza boka guru richapona pakutambudzika kukuru kuri kuuya. (Zvak. 7:​9, 14) Jehovha ndiye Tenzi wekukohwa uye ane chivimbo chekuti kune vanhu vakawanda vanogona kugamuchira mashoko akanaka, saka izvi zvinoita kuti tide kuramba tichiparidza.

18. Tinoda kuti vanhu vaonei patiri?

18 Vateveri vaJesu vagara vachizivikanwa sevanhu vanoshingaira pakuparidza. Vanhu pavakaona vaapostora vachiparidza vasingatyi, “vakabva vaziva kuti vaimbova naJesu.” (Mab. 4:13) Dai vanhu pavachationa tiri muushumiri, vakaona kuti tiri kutevedzera Jesu pakuparidza tichishingaira.

RWIYO 58 Kutsvaga Shamwari Dzerugare

a KUTSANANGURWA KWESHOKO: Munyaya ino shoko rekuti “kushingaira” rinoreva kunamata kwatinoita Jehovha tichifara, tichishanda nesimba uye tiine chido.

b KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama iri kuudza mumwe munhu mashoko akanaka, asi ichizviita nekungwarira vari pagaraji.