Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Mudzimu Unoongorora . . . Zvinhu Zvakadzama zvaMwari”

“Mudzimu Unoongorora . . . Zvinhu Zvakadzama zvaMwari”

“Mudzimu Unoongorora . . . Zvinhu Zvakadzama zvaMwari”

“Mudzimu unoongorora zvinhu zvose, kunyange zvinhu zvakadzama zvaMwari.”—1 VAK. 2:10.

1. Pana1 VaKorinde 2:10, Pauro akataura achisimbisa basa ripi romudzimu mutsvene, uye mibvunzo ipi yatinobva tava nayo?

CHOKWADI hatizivi kuti Jehovha tingamutenda sei nemashandiro anoita mudzimu wake! Magwaro anotaura nezvemudzimu somubatsiri, sechipo, sechapupu, uye anoti unoteterera uchitimiririra. (Joh. 14:16; Mab. 2:38; VaR. 8:16, 26, 27) Muapostora Pauro akataura achisimbisa nezverimwe basa rinoitwa nomudzimu paakati: “Mudzimu unoongorora zvinhu zvose, kunyange zvinhu zvakadzama zvaMwari.” (1 VaK. 2:10) Zvechokwadi Jehovha anoshandisa mudzimu wake mutsvene kutijekesera chokwadi chake chakadzama. Dai usingatibatsire, chokwadi tingadai tichinzwisisei nezvezvinangwa zvake? (Verenga 1 VaKorinde 2:9-12.) Zvisinei, pane mibvunzo yakati kuti yatinova nayo: ‘Mudzimu unoongorora sei zvinhu zvakadzama zvaMwari’? Jehovha aishandisa vanaani kujekesa zvinhu izvi muzana remakore rokutanga? Ko mazuva ano mudzimu unoongorora zvinhu zvakadzama sei uye uchishandisa vanaani?

2. Mudzimu waizoita zvinhu zvipi zviviri?

2 Jesu akataura zvinhu zviviri zvaizoitwa nomudzimu. Ava pedyo nokufa, akaudza vaapostora kuti: “Mubatsiri, iwo mudzimu mutsvene, uchatumirwa naBaba muzita rangu, iwoyo uchakudzidzisai zvinhu zvose nokukuyeuchidzai zvinhu zvose zvandakakuudzai.” (Joh. 14:26) Saka mudzimu mutsvene waizoshanda somudzidzisi uye somuyeuchidzi. Somudzidzisi waizoita kuti vaKristu vanzwisise zvinhu zvavakanga vambonzwa vakasanzwisisa. Somuyeuchidzi, waizovabatsira kuyeuka uye kushandisa nemazvo zvavakanga vatotsanangurirwa.

Muzana Remakore Rokutanga

3. Jesu akataura mashoko api anoratidza kuti “zvinhu zvakadzama zvaMwari” zvaizojekeswa zvishoma nezvishoma?

3 Jesu pachake akadzidzisa vadzidzi vake zvinhu zvakawanda zvavakanga vasingazivi zvachose. Zvisinei, vakanga vachiine zvakawanda zvavaifanira kudzidza. Jesu akaudza vaapostora vake kuti: “Ndichiine zvinhu zvizhinji zvokutaura nemi, asi hamukwanisi kuzvinzwisisa panguva ino. Zvisinei, panosvika iyeye, iwo mudzimu wechokwadi, achakutungamirirai muchokwadi chose.” (Joh. 16:12, 13) Saka Jesu akaratidza kuti mudzimu waizoita kuti zvinhu zvakadzama zvinzwisiswe zvishoma nezvishoma.

4. Musi wePendekosti ya33 C.E., mudzimu wakashanda sei somudzidzisi uye muyeuchidzi?

4 Musi wePendekosti ya33 C.E., “mudzimu wechokwadi” wakasvika, uchidururwa pavaKristu vanosvika 120 vakanga vakaungana muJerusarema. Paive nouchapupu hwaioneka uye hwainzwika. (Mab. 1:4, 5, 15; 2:1-4) Vadzidzi vaitaura nendimi dzakasiyana-siyana “pamusoro pezvinhu zvikuru zvaMwari.” (Mab. 2:5-11) Yakanga yava nguva yokuti chimwe chinhu chitsva chibudiswe pachena. Muprofita Joeri akanga agara ataura nezvokudururwa uku kwomudzimu mutsvene. (Joe. 2:28-32) Vanhu vakanga vakatarisa vaiona kuzadziswa kwacho kuchiitwa nenzira yavakanga vasina kumbofungidzira, uye muapostora Petro akatungamirira pakutsanangura kuti chii chaiitika. (Verenga Mabasa 2:14-18.) Saka mudzimu mutsvene wakashanda somudzidzisi kuna Petro uchimujekesera kuti zvaiitika kuvadzidzi zvaizadzisa zvakanga zvaprofitwa kare. Mudzimu wakashandawo somuyeuchidzi nokuti Petro akataura mashoko aive muna Joeri pamwe nemapisarema maviri aDhavhidhi. (Pis. 16:8-11; 110:1; Mab. 2:25-28, 34, 35) Zvinhu zvakanzwika uye zvakaonekwa nevanhu vose vakanga vakaungana ipapo zvaiva zvinhu zvakadzama zvaMwari.

5, 6. (a) Pashure pePendekosti ya33 C.E., mibvunzo ipi inokosha yaifanira kupindurwa pamusoro pesungano itsva? (b) Ndivanaani vakashandiswa kuunza mibvunzo iyi kuti izokurukurwa, uye zvisarudzo zvakaitwa sei?

5 Pakanga pachiine zvakawanda zvaifanira kujekeserwa vaKristu vomuzana remakore rokutanga. Somuenzaniso, paive nemibvunzo nezvesungano itsva yakanga yatanga kushanda pazuva rePendekosti iroro. Sungano yacho yaingova yevaJudha nevanhu vakanga vakatendeukira kuchiJudha chete here? Vanhu vemamwe marudzi vaibvumirwawo kupinda musungano iyi vozodzwa nomudzimu mutsvene here? (Mab. 10:45) Vemamwe marudzi vechirume vaifanira kutanga vadzingiswa uye vazviisa pasi poMutemo waMosesi here? (Mab. 15:1, 5) Iyi yaive mibvunzo inokosha. Mudzimu waJehovha waidiwa kuti uongorore zvinhu izvi zvakadzama. Asi waizoshandisa vanaani?

6 Hama dzaitungamirira ndidzo dzakauya nemibvunzo iyi kuti ikurukurwe. Petro, Pauro, naBhanabhasi vaive pamumwe wemisangano yedare rinodzora uye vakarondedzera zvakanga zvaitwa naJehovha kuvanhu vemamwe marudzi vakanga vasina kudzingiswa. (Mab. 15:7-12) Dare rinodzora parakaongorora uchapupu uhwu richienzanisa nezvaitaurwa neMagwaro echiHebheru uye richibatsirwa nomudzimu mutsvene, rakaita chisarudzo, ndokuzonyorera ungano dzose nezvacho.—Verenga Mabasa 15:25-30; 16:4, 5; VaEf. 3:5, 6.

7. Chokwadi chakadzama chakajekeswa nenzira dzipi?

7 Dzimwe nyaya dzakawanda dzakajekeswa netsamba dzakafuridzirwa dzaJohani, Petro, Jakobho, naPauro. Asi Magwaro echiKristu paakanga apera kunyorwa, zvipo zvokuprofita, nezvokuwana zivo nenzira yezvishamiso zvakaguma. (1 VaK. 13:8) Mudzimu waizoramba uchishanda somudzidzisi uye muyeuchidzi here? Waizoramba uchibatsira vaKristu kuongorora zvinhu zvakadzama zvaMwari here? Uprofita hwakaratidza kuti waizoramba uchidaro.

Munguva Yomugumo

8, 9. Ndivanaani ‘vaizopenya’ nokunzwisisa zvinhu zvokunamata munguva yomugumo?

8 Imwe ngirozi ichitaura nezvenguva yomugumo yakati: “Vane njere vachapenya sechiedza chokudenga; uye vaya vari kuita kuti vazhinji vave vakarurama, vachapenya senyeredzi nokusingagumi, kunyange nokusingaperi. . . . Uye zivo yechokwadi ichawanda.” (Dhan. 12:3, 4) Ndivanaani vaizova nenjere vachipenya? Jesu ane zvaakataura mumuenzaniso wegorosi nemasora zvingatibatsira kuwana mhinduro yacho. Paaitaura nezve“kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva” ino akati: “Panguva iyoyo vachapenya zvakajeka sezuva muumambo hwaBaba vavo.” (Mat. 13:39, 43) Mutsanangudzo yake Jesu akaratidza kuti “vakarurama” ndivo “vanakomana voumambo,” kureva vaKristu vakazodzwa.—Mat. 13:38.

9 VaKristu vose vakazodzwa ‘vaizopenya’ here? Tingati hongu nokuti vaKristu vose vaizoita basa rokuparidza, rokuita kuti vanhu vave vadzidzi, uye vaizovakana pamisangano. Vakazodzwa ndivo vaizova pamberi kuita izvi. (Zek. 8:23) Zvisinei, kuwedzera pane izvozvi, zvinhu zvakadzama zvaizojekeswa munguva yomugumo. Uprofita hwakanyorwa naDhanieri chaihwo ‘hwakanamwa’ kusvikira panguva iyoyo. (Dhan. 12:9) Mudzimu waizoongorora sei zvinhu izvi zvakadzama uye waizoshandisa vanaani?

10. (a) Mumazuva okupedzisira, mudzimu unojekesa chokwadi uchishandisa vanaani? (b) Tsanangura kuti chokwadi nezvetemberi huru yomudzimu yaJehovha chakajekeswa sei.

10 Kana nguva yasvika yokuti imwe nyaya ijekeswe mazuva ano, mudzimu mutsvene unobatsira hama dzinotungamirira dzinomiririra “muranda akatendeka, akangwara” dziri kudzimbahwe renyika yose kuti dzinzwisise chokwadi chakadzama chakanga chisinganzwisiswi kare. (Mat. 24:45; 1 VaK. 2:13) Dare Rinodzora rinoongorora imwe tsanangudzo inenge ichida kugadziridzwa. (Mab. 15:6) Zvavanenge vasarudza zvinozobudiswa kuti vanhu vose vabatsirwe. (Mat. 10:27) Nokufamba kwenguva pangava paine zvinofanira kuwedzera kujekeswa, uye izvozvo vanozviita nokutendeseka.—Ona bhokisi rakanzi  “Kujekesa Kwakaita Mudzimu Zvinorehwa Netemberi Yomudzimu.”

Kubatsirwa Nebasa Romudzimu Mazuva Ano

11. VaKristu vose nhasi vanobatsirwa sei nokushanda kunoita mudzimu mutsvene pakuita kuti zvinhu zvakadzama zvaMwari zvizivikanwe?

11 VaKristu vose vakatendeka vanobatsirwa nebasa romudzimu mutsvene pakuita kuti zvinhu zvakadzama zvaMwari zvizivikanwe. Sezvaingoitawo vaKristu vomuzana remakore rokutanga, tinobatsirwa nomudzimu mutsvene kunzwisisa zvatinenge tadzidza uye kuzozviyeuka tozvishandisa. (Ruka 12:11, 12) Hazvirevi kuti tinofanira kutanga tava vanhu vakadya mabhii kuti tizonzwisisa chokwadi chaMwari chakadzama chinenge chabudiswa. (Mab. 4:13) Tingaite sei kuti tivandudze manzwisisiro atinoita zvinhu zvakadzama zvaMwari? Heanoi mamwe mazano.

12. Ndirini patinofanira kunyengetera tichikumbira mudzimu mutsvene?

12 Nyengeterera mudzimu mutsvene. Kana tava kuda kudzidza Magwaro, tinofanira kutanga tanyengeterera mudzimu mutsvene kuti utitungamirire. Tinofanira kudaro kunyange tiri toga kana kuti nguva yatiri kuda kudzidza iri pfupi. Kukumbira kwakadaro kwokuzvininipisa zvechokwadi kuchafadza mwoyo waBaba vedu vokudenga. Sezvakataurwa naJesu, Jehovha achatipa pachena mudzimu mutsvene kana taukumbira nomwoyo wose.—Ruka 11:13.

13, 14. Kugadzirira misangano kunobatsira sei pakunzwisisa zvinhu zvakadzama zvaMwari?

13 Gadzirira misangano. Boka romuranda ndiro rinoshandiswa kutipa ‘zvokudya panguva yakakodzera.’ “Muranda” anoita basa rake nokutipa mashoko anotsanangura Magwaro uye kuronga mapurogiramu okudzidza nemisangano. Tikaona vachibudisa mamwe mashoko kuti adzidzwe ne“sangano rose rehama” vanenge vanyatsofungisisa zvazvakanakira. (1 Pet. 2:17; VaK. 4:16; Jud. 3) Kana tichiedza nepatinogona napo kuita zvinenge zvataurwa tinenge tichishanda nomudzimu mutsvene.—Zvak. 2:29.

14 Patinenge tichigadzirira misangano yechiKristu, chinhu chakanaka kuti titarise Magwaro anenge arimo toedza kuona kuti ari kushanda sei panyaya iri kudzidzwa. Tikagara tichidaro kunzwisisa kwatinoita Bhaibheri kuchawedzera. (Mab. 17:11, 12) Kuavhura kwatinenge taita kunoita kuti apinde mumusoro, tozoayeuchidzwa nomudzimu mutsvene. Uyezve kana tikaona rugwaro muBhaibheri, tinoramba tichiita setiri kuona peji yacho mumaziso edu zvokuti izvozvo zvinozotibatsira kana tava kutsvaka rugwaro rwacho pane imwe nguva.

15. Sei tichifanira kuverenga nyaya dzose dzinenge dzabuda, uye iwe unozviita sei?

15 Ibva waverenga zvinenge zvichangobuda. Dzimwe nyaya dzinobuda hadzikurukurwi kumisangano yedu, asi dzakanyorerwa kuti dzitibatsire. Kunyange magazini atinopa vanhu mubasa romumunda akanyorerwa isuwo. Munyika ino yakaoma, pane imwe nguva yokuti tinenge takagara tichimirira mumwe munhu kana kuti chimwe chinhu. Kana tikatakura chokuverenga chatisati taverenga kana kuti chatisati tapedza, tinogona kushandisa mukana iwoyo watinenge takamirira tofanoverenga. Vamwe vanoverenga zvinenge zvichangobuda vachiita zvokuteerera mabhuku edu akarekodhwa pavanenge vachifamba kana kuti vari mumota. Sezvo nyaya idzi dzakanyatsotsvakurudzwa ndokunyorwa kuti dzinakidze munhu wose anodziverenga, dzinodzamisa kunzwisisa kwatinoita zvinhu zvakadzama zvaMwari.—Hab. 2:2.

16. Zvinobatsirei kunyora pasi mibvunzo yatinova nayo patinenge tichidzidza?

16 Fungisisa. Kana uchiverenga Bhaibheri kana kuti mabhuku anoritsanangura, wana nguva yokufunga nezvezvinhu zvauri kuverenga. Paunenge uchifamba nenyaya yauri kudzidza, unogona kuva nemibvunzo. Unogona kunyora mibvunzo yakadaro pasi wozoiongorora pava paya. Kazhinji kana tikatsvakurudza nezvenyaya inowanzotinetsa ndipo patinonyanya kuongorora zvakadzama. Zvatinenge tanzwisisa zvinobva zvava pfuma yedu yatinozochera kana tava kuda kuishandisa.—Mat. 13:52.

17. Purogiramu yako yokudzidza nemhuri kana kuti uri woga yakamira sei?

17 Ivai nenguva yokunamata kwemhuri. Dare Rinodzora rakatikurudzira tose kuva nemanheru kana kuti imwe nguva yokudzidza toga kana kuti semhuri. Misangano yedu yakachinjwa kuti tive nomukana wokushandisa zano iri. Munodzidzei manheru oKunamata Kwemhuri? Vamwe vanoverenga Bhaibheri, votsvakurudza ndima dzavanenge vasara vaine mibvunzo nezvadzo, vonyora muBhaibheri mavo mashoko mashoma anotsanangura. Mhuri dzakawanda dzinoshandisa mukana iwoyo kuona kuti zviri kudzidzwa imomo zvinoshanda sei mumhuri mavo. Vamwe vanababa vanosarudza kudzidza dzimwe nyaya dzavanoona kuti dzakanakira mhuri dzavo kana kuti dzakakumbirwa nemhuri dzavo kuti dzizodzidzwa. Hapana mubvunzo kuti muchafunga nezvidzimwe nyaya dzamungadzidza nokufamba kwenguva. *

18. Sei tisingafaniri kuzengurira kudzidza chokwadi chakadzama chiri muShoko raMwari?

18 Jesu akati mudzimu waizoshanda somubatsiri. Saka hatifaniri kuzengurira kudzidza chokwadi chakadzama chiri muShoko raMwari. Chokwadi ichocho chimwe chezvinhu zvinoumba “zivo pamusoro paMwari,” iyo inokosha zvokuti tinokurudzirwa kuitsvakisisa. (Verenga Zvirevo 2:1-5.) Chinozivisa zvakawanda nezve“zvinhu izvo Mwari akagadzirira vaya vanomuda.” Patinoshanda nesimba kuti tidzidze zvakawanda nezveShoko raJehovha, mudzimu mutsvene unotibatsira, nokuti “mudzimu unoongorora zvinhu zvose, kunyange zvinhu zvakadzama zvaMwari.”—1 VaK. 2:9, 10.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 17 Onawo Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober 2008, peji 8.

Ungapindura Sei?

• Zvinhu zvipi zviviri zvinoitwa nomudzimu mutsvene kutibatsira kuongorora “zvinhu zvakadzama zvaMwari”?

• Mudzimu mutsvene wakajekesa chokwadi chakadzama uchishandisa vanaani muzana remakore rokutanga?

• Mudzimu mutsvene unoshanda sei kujekesa zvinenge zvisinganzwisiswi mazuva ano?

• Ungaite sei kuti ubatsirwe nemashandiro anoita mudzimu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi riri papeji 22]

 Kujekesa Kwakaita Mudzimu Zvinorehwa Netemberi Yomudzimu

Chimwe che“zvinhu zvakadzama zvaMwari” chakajekeswa muzana remakore rokutanga chaiva chokuti tebhenekeri uye temberi zvaifananidzira chimwe chinhu chikuru chaizonyatsovapo panyaya dzokunamata. Pauro akadana chinhu ichocho kuti “tende rechokwadi, rakamiswa naJehovha, kwete munhu.” (VaH. 8:2) Apa aireva temberi yomudzimu, iyo inoreva urongwa hwokuti vanhu vakwanise kutaura naMwari hwakaitwa kuti huvepo nechibayiro uye upristi hwaJesu Kristu.

“Tende rechokwadi” rakavapo muna 29 C.E. pakabhabhatidzwa Jesu akabvumwa naJehovha kuti ndiye aizova chibayiro chakakwana. (VaH. 10:5-10) Pashure porufu rwake norumuko, Jesu akapinda muNzvimbo Tsvenetsvene yetemberi yomudzimu “pamberi paiye Mwari” achimuratidza kuti akanga apa chibayiro.—VaH. 9:11, 12, 24.

Mune imwe tsamba, Pauro akanyora nezvevaKristu vakazodzwa achiti vari “kukura kuva temberi tsvene yaJehovha.” (VaEf. 2:20-22) Temberi iyoyo imwe chete here ne“tende rechokwadi” raakazotsanangura mutsamba yake kuvaHebheru? Vashumiri vaJehovha vaifunga saizvozvo kwemakore akawanda. Zvaiita sokuti vaKristu vakazodzwa vaivakwa pasi pano kuti vave “matombo” anovaka temberi yaJehovha yokudenga.—1 Pet. 2:5.

Zvisinei, gore ra1970 rava kunopera, hama dzeboka romuranda dzaitungamirira dzakatanga kunzwisisa kuti temberi iyoyo yaitaurwa naPauro kuvaEfeso yaisagona kuva temberi yaJehovha yomudzimu. Dai “tende rechokwadi” raiumbwa nevaKristu vakazodzwa vakamutswa, raizotanga kuvapo pashure pokumutswa kwavo uko kwakatanga “pakuvapo kwaShe.” (1 VaT. 4:15-17) Asi achitaura nezvetebhenekeri, Pauro akanyora kuti: “Tende irori mufananidzo wenguva yakatarwa yavapo iye zvino.”VaH. 9:9.

Kuenzanisa magwaro aya nemamwewo kwakaita kuti zvive pachena kuti temberi yomudzimu haisi pakati pokuvakwa uye kuti vaKristu vakazodzwa havasi “matombo” ari kugadzirwa pasi pano kuti azoiswa pairi. Panzvimbo paizvozvo, vaKristu vakazodzwa vari kushumira vari muchivanze uye vari munzvimbo Tsvene yetemberi yomudzimu, vachipa Mwari “chibayiro chokurumbidza” zuva nezuva.—VaH. 13:15.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Tingavandudza sei manzwisisiro atinoita “zvinhu zvakadzama zvaMwari”?