Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chidhindo ‘Chajukari’

Chidhindo ‘Chajukari’

Chidhindo ‘Chajukari’

MUZANA remakore rechinomwe B.C.E., mutongi wevaKadheya Nebhukadhinezari akakunda Jerusarema, akapisa guta racho, uye akaputsa masvingo aro. Akabata uye akapofumadza mambo wevaJudha Zedhekiya. Uyezve, “mambo weBhabhironi akauraya vanokudzwa vose vaJudha.”—Jeremiya 39:1-8.

Mumwe wevaikudzwa veJudha, kana kuti muchinda, angangodaro akaurayiwa nevaBhabhironi aiva Jukari, mwanakomana waSheremiya. Nhoroondo yaJukari ine mhedziso yakawanikwa. Zvisinei, tisati tataura nezvayo, ngationei kuti magwaro anoti chii nezvaJukari uye nezvezuva rake.

“Asi Havazokukundi”

Jehovha akapa muprofita Jeremiya basa rokuzivisa mashoko okutonga Judha neJerusarema. Mwari akaudza Jeremiya kuti madzimambo aJudha, machinda, vapristi, uye vanhu vacho ‘vaizorwa’ naye. “Asi havazokukundi, nokuti ‘Ini ndinewe,’” ndizvo zvakataura Jehovha.—Jeremiya 1:17-19.

Nguva yainge yakakombwa Jerusarema, guta reJudha nevaBhabhironi, Mambo Zedhekiya akatuma nhume kaviri kuna Jeremiya kunobvunza kana Nebhukadhinezari aizosiya guta racho uye kunokumbira muprofita wacho kuti anyengeterere kuti izvozvo zviitike. Jukari akanga ari mumwe wevamiririri vamambo, uyewo aizivikanwa saJehukari. Shoko raJeremiya rakabva kuna Mwari rainge riri rokuti vaBhabhironi, kana kuti vaKadheya, vaizoparadza guta racho. Mugari wose womuJerusarema aizoramba arimo aizofa nenzara, denda, uye bakatwa. Asi vaya vaizoenda kuvaKadheya vaizopona. Mashoko aJeremiya akatsamwisa machinda eJudha chaizvo!—Jeremiya 21:1-10; 37:3-10; 38:1-3.

Jukari akanga ari mumwe wemachinda akakurudzira Zedhekiya kuti: “Tapota, murume uyu [Jeremiya] ngaaurayiwe, nokuti ari kunetesa maoko evarume vehondo.” Jukari akaipa ndiye zvekare aiva pakati pevaya vakakanda Jeremiya mumugodhi waiva nematope, umo muprofita akazonunurwa. (Jeremiya 37:15; 38:4-6) Jeremiya akapona pakaparadzwa Jerusarema nokuti akateerera Jehovha, asi Jukari akafa apo hurumende yevaJudha yaaivimba nayo yakaparadzwa.

Mhedziso Inonakidza

Zvingataurwa kuti mhedziso yenyaya yaJukari yakatozo“nyorwa” muJerusarema zvino uno mugore ra2005. Vanochera matongo vakanga vari kuchera panzvimbo iyo vaifungidzira kuti vangawana muzinda waMambo Dhavhidhi. Vakawana chivako chematombo chakakura kwazvo, chavanofungidzira kuti chakaparadzwa vaBhabhironi pavakatora Jerusarema muzuva raJeremiya.

Kuti apa ndipo pamuzinda waDhavhidhi kana kuti kwete hazvizivikanwi. Asi vanochera matongo vakaona chimwe chinhu—ivhu rakafara sendimita imwe chete raratidzwa papeji 14. Raimbenge rakanamira mupumburu wakatoparara zvawo kare kare. Zvakadhindwa ipapo zvinoti: “NdewaJehukari mwanakomana waSheremiyahu mwanakomana waShovhi.” Zvechokwadi mashoko aya akadhindwa nechidhindo chomuvengi waJeremiya Jehukari, kana kuti Jukari, mwanakomana waSheremiya.

Mucheri wematongo Eilat Mazar, akadudzira zvakadhindwa zvacho, anonyora kuti Jukari ndiye “gurukota rechipiri ramambo,” rimwe racho ndiGemariya, mwanakomana waShafani, ane zita rinowanikwa pane chimwe chinhu chakadhindwa chakawanika muGuta raDhavhidhi. *

Kutenda muShoko raMwari hakutsamiri pakuwana zvinocherwa; asi kuzadzika kwouprofita hwakafuridzirwa chikonzero chakanaka chokudavira Bhaibheri. Zvinotaurwa munhau zvinoratidza kuti Jeremiya akafanotaura zvakarurama kuparadzwa kweJerusarema. Kuguma kunonyadzisa kwevavengi vaJeremiya kunofanira kusimbisa chivimbo chedu kuti kana tikatendeka saJeremiya, vavengi vedu ‘havazotikundi nokuti Jehovha anesu.’

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Nokuda kwemamwe mashoko pamusoro paGemariya naShafani, ona nyaya inoti “Unoziva Shafani Nemhuri Yake Here?” iri muNharireyomuridi yaDecember 15, 2002, mapeji 19-22.

[Mufananidzo uri papeji 15]

Jeremiya haana kubvuma kurerutsa shoko raMwari pasinei nokumanikidzwa kwaaiitwa

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 14]

Gabi Laron/Institute of Archaeology/Hebrew University ©Eilat Mazar