Unoyeuka Here?
Unoyeuka Here?
Wakanakidzwa nokuverenga nyaya dzichangopfuura dzeNharireyomurindi here? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:
• ‘Mano okufunga’ angakuchengetedza sei? (Zvirevo 1:4)
Anogona kutinyevera nezvengozi dzomudzimu oita kuti tifunge kutora nzira yokuchenjera, yakadai sokudzivisa miedzo yokurara nomunhu kubasa. Anotibatsira kuziva kuti vaKristu vatinonamata navo havana kukwana, zvinogona kutiita kuti tirege kukurumidza kurwadziwa kana tavhiringidzwa. Anogonawo kutibatsira kudzivisa muedzo wokudisisa zvinhu zvenyika zvingatibudisa mugwara rokunamata.—8/15, mapeji 21-4.
• Munhu anogona sei kubatsira somuvakidzani akanaka?
Nzira mbiri dzokuva muvakidzani akanaka ndedzokupa uchida uye kuonga paunopiwa chinhu. Zvinokosha kuva muvakidzani akanaka panoitika njodzi. Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kuva vavakidzani vakanaka nokunyevera vamwe zvava kuda kuzoitika, kugumisa kwaMwari uipi.—9/1, mapeji, 4-7.
• Maererano neBhaibheri, ndivanaani vasande vechokwadi, uye vachabatsira sei vanhu?
VaKristu vose vepakutanga vaiva vasande vechokwadi, kana kuti vatsvene, zvakonzerwa naMwari, kwete nevanhu kana nemasangano. (VaRoma 1:7) Vangomutsirwa kuupenyu hwokudenga, vatsvene vachashanda naKristu kukomborera vanhu vakavimbika vanenge vari pasi pano. (VaEfeso 1:18-21)—9/15, mapeji 5-7.
• Kuziva zvimwe zvinhu zvaiitwa mumitambo yeGirisi yekare kungabatsirei vaKristu?
Zvakanyorwa nomuapostora Petro naPauro zvine mienzaniso kana kuti mashoko anoita kuti munhu afunge nezvemitambo yekare. (1 VaKorinde 9:26; 1 Timoti 4:7; 2 Timoti 2:5; 1 Petro 5:10) Kumutambi wekare, zvaikosha kuti ave nomurovedzi akanaka, kuratidza kuzvidzora, onyatsoita zvinhu nechinangwa. Izvi zvinoshandawo kuvaKristu nhasi pane zvavanoedza kuita pakunamata.—10/1, mapeji 28-31.
• Zvinetso zvipi nemibayiro zvinovapo nokurera vana munyika isiri yako?
Vana vakawanda vanodzidza mutauro mutsva nokukurumidza zvikuru kudarika vabereki vavo, avo vangawana zvakaoma kunzwisisa mafungiro nezviito zvevana vavo. Uye vana vangasabata dzidziso dzeBhaibheri nyore nyore mumutauro wevabereki vavo. Nepo, ukama hwemhuri hunogona kusimbiswa apo vabereki vanodzidzisa vana vavo rurimi rwavo, avo vanozoguma voziva mitauro miviri uye tsika mbiri.—10/15, mapeji 22-6.
• Nei kudzidza kukumbira ruregerero kuchikosha?
Kukumbira ruregerero kwepachokwadi kazhinji kacho inzira inogadzirisa ukama hunenge hwakanganisika. Bhaibheri rinopa mienzaniso yesimba rokukumbira ruregerero. (1 Samueri 25:2-35; Mabasa 23:1-5) Kazhinji, kana vanhu vaviri vatadza kuwirirana, vose vane zvavanenge vakanganisa. Saka, vose vanofanira kubvuma kuti vatadza vokumbirana ruregerero.—11/1, mapeji 4-7.
• Nei kubheja, kunyange kwemari shoma, kwakaipa?
Kubheja kunogona kukurudzira kuzvikudza, makwikwi, uye kukara, zvinoshorwa neBhaibheri. (1 VaKorinde 6:9, 10) Vakawanda vakajaira kubheja vakatanga vari vaduku nokubhejera zvinhu zviduku.—11/1, peji 31.
• Sezvo mabhuku akawanda eBhaibheri akanyorwa muchiGiriki, nei zvange zvichidiwa kuti Bhaibheri rishandurirwe muchiGiriki, uye zvakaguma nei?
ChiGiriki chemazuva ano chakanyatsosiyana nechiGiriki cheshanduro yeSeptuagint yeMagwaro echiHebheru uye neyeMagwaro echiKristu echiGiriki. Kwemazana emakore achangobva kupfuura, zvakaedzwa kakawanda kushandurira chikamu cheBhaibheri kana kuti rose zvaro muchiGiriki chinotaurwa. Nhasi, kune shanduro dzinenge 30 dzeBhaibheri, rose zvaro kana kuti chikamu charo, dzinokwanisa kuverengwa nevanhuwo zvavo vomuGreece, inonyanya kuzivikanwa iri Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene, yakabudiswa muna 1997.—11/15, mapeji 26-9.
• Nei vaKristu vasingasungirwi kupa chegumi?
Pasi poMutemo wakapiwa vaIsraeri, kupa chegumi yaiva nzira yokutsigira nayo dzinza raRevhi uye kutarisira vanoshayiwa. (Revhitiko 27:30; Dheuteronomio 14:28, 29) Chibayiro chorufu rwaJesu chakagumisa Mutemo wacho uye murayiro wokupa chegumi. (VaEfeso 2:13-15) Muungano yepakutanga, zvakanga zvoitwa nenzira yokuti muKristu oga oga ape maererano nezvaaiwana uye sokusarudza kwaainge aita mumwoyo wake. (2 VaKorinde 9:5, 7)—12/1, mapeji 4-6.
• Zvakazarurwa 20:8 inoreva here kuti pamuedzo wokupedzisira, Satani achatsausa nhamba yakakura kwazvo?
Rugwaro rwacho runotaura kuti vachatsauswa vachange vakaita se“jecha regungwa.” MuBhaibheri, mashoko iwaya anowanzoreva nhamba isingazivikanwi, asingarevi kuti yakakura. Mbeu yaAbrahamu, iyo yaizova “sejecha riri pamhenderekedzo dzegungwa,” yakazova vanhu 144 000, Jesu Kristu asingaverengwi. (Genesi 22:17; Zvakazarurwa 14:1-4)—12/1, peji 29.