Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ona Zvinhu Semaonero Anoita Mwari

Ona Zvinhu Semaonero Anoita Mwari

Ona Zvinhu Semaonero Anoita Mwari

MUNEW YORK, U.S.A., musi waSeptember 14, 2002, kwaidziya uye kwaiva nezuva. Musi iwoyo, boka guru revanhu vemarudzi akawanda vanosvika 6 521 vakaungana kuPatterson Educational Center uye pane zvimwe zvivako zviviri zveZvapupu zvaJehovha munyika yacho. Boka racho rakaungana kuti ripupurire kupedza kudzidza kwekirasi yechi113 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi. Vadzidzi vacho vaibva kunyika 14 uye vakanga vapedza mwedzi mishanu vachigadzirira kuita basa roumishinari munyika 19 dzavakanzi vaende.

Carey Barber, ari mugore rake rechi98 rokurarama uye nhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha, aiva sachigaro wepurogiramu yacho. Akazivisa kuti Chikoro cheGiriyedhi chagara kwemakore anoda kusvika 60, chakashongedzera zviuru kuenda kunoita basa roumishinari. Hama Barber vakati: “Hakusi kutaura kwokuwedzeredza kuti migumisiro yakaisvonaka iripo nemhaka yokuwedzera kurovedzwa kwavo. Chaizvoizvo mazana ezviuru zvevanyoro pasi pose vatsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha ndokugamuchira kunamata kwake kwechokwadi uye basa dzvene nemhaka yorubatsiro rwavakapiwa nemamishinari akarovedzwa.”

Vasati vapinda chikoro cheGiriyedhi, vadzidzi vakawanda vakaratidza kufarira kuwedzera ushumiri hwavo. Vamwe vaviri vakaroorana vakanga vapedza rinodarika gore vachiita zvidzidzo muMandarin vachida kuti vabatsire dzinza guru revanhu vanotaura chiChinese munharaunda yokumusha kwavo kuCanada. Vamwewo vaviri vakaroorana vakatanga kudzidza mutauro wokuAlbania vari voga uye pakupedzisira vakatamira kuAlbania kuti vanobatsira vanhu vaifarira Bhaibheri vakanga vari kuwedzera ikoko. Vamwe vaiva mukirasi yacho vakauya kuGiriyedhi vachibva kuHungary, Guatemala, neDominican Republic, dziri nyika dzavakanga vatamira kuti vashande vari sezvo kwaidiwa vadzidzisi veShoko raMwari zvikuru.

Zvino, vasati vaenda kunyika dzokuAfrica, Eastern Europe, Central neSouth America, uye Far East, vadzidzi vose vakanga vachipedza kudzidza vakakurudzirwa kuziva kuti Mwari anoziva zvose zvavanoita.

Ona Zvinhu Semaonero Anoita Mwari

Mashoko avo okuzarura apera, Hama Barber vakasuma Maxwell Lloyd, nhengo yeDare Rebazi reUnited States. Akakurukura musoro waiti “Ona Zvinhu Zvose Semaonero Anoita Mwari.” Hama Lloyd vakataura nezvemienzaniso yaDhavhidhi uye Mwanakomana waMwari, Jesu. (1 Samueri 24:6; 26:11; Ruka 22:42) Ayeuchidza vadzidzi kuti kudzidza kwavakaita Bhaibheri kwemwedzi mishanu kwakanga kwavarovedza mukuona zvinhu semaonero anoita Mwari, mukurukuri akabvunza kuti: “Pakudzidza Bhaibheri nevanhu vari munyika dzamuri kuenda, muchavabatsira kuona zvinhu semaonero anoita Mwari here?” Uye nezvokupa vamwe zano, akanyevera vadzidzi vacho kuti: “Musati, ‘Semaonero angu, Ndinofunga kuti . . .’ Pane kudaro, vabatsirei kunzwisisa maonero aMwari. Mukatevera izvi, muchava chikomborero chaicho kune vaya vamunosonganirana navo munyika dzamuri kuenda.”

Akatevera papurogiramu yacho aiva Gerrit Lösch, nhengo yeDare Rinodzora. Achitaura musoro waiti “Ndinewe,” akataura nezvenguva yakawanda apo Jehovha akati kuvashumiri vake vakatendeka, “Ndinewe.” (Genesi 26:23, 24; 28:15; Joshua 1:5; Jeremia 1:7, 8) Muzuva redu, tinogona kuva nechivimbo chakadaro muna Jehovha kana tikaramba takatendeka. Hama Lösch vakataura kuti: “Unoshushikana kuti uchazowana vanhu vokudzidza navo Bhaibheri here? Yeuka, Jehovha akati, ‘Ndinewe.’ Unoshushikana here kuti uchava nezvinhu zvokunyama zvakakwana? Jehovha akati: ‘Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.’” (VaHebheru 13:5) Hama Lösch vakagumisa nokuyeuchidza vadzidzi kuti Jesu akavimbisa kuva nevateveri vake vakatendeka mubasa rokuita vadzidzi.—Mateu 28:20.

“Uchawana Chengeteko Mumoto Here?” ndiwo waiva musoro wehurukuro yomurayiridzi weGiriyedhi Lawrence Bowen. Akaratidza kuti nemhaka yenhau dzakamutswa muEdheni, avo vose vakada kupa Jehovha kuzvipira kwakazara vakasangana nezvinetso uye, pane dzimwe nguva, miedzo yakaita somoto. Akakurudzira vadzidzi vakanga vachipedza kudzidza kuti vatevere muenzaniso waJesu, uyo akawana kuchengeteka kwechokwadi nokuvimba zvakazara naJehovha nokugamuchira miedzo yakaita somoto yakanga yabvumirwa naJehovha kuti kuteerera kwoMwanakomana wake kuve kwakakwana. (VaHebheru 5:8, 9) Jehovha angaenzaniswa nomunatsi wendarama uyo anongoshandisa kudziya kwakakodzera kuti abvise tsvina. Chokwadi, kutenda kwakaedzwa nomoto kunopa chengeteko yakakura zvikuru kudarika ndarama yakanatswa. Nei? “Nokuti kutenda kwakanatswa kunogona kutsungirira chero miedzo ipi,” vakadaro Hama Bowen, “uye kunotishongedzera kutsungirira kusvikira ‘kumugumo.’”—Mateu 24:13.

Mumwe murayiridzi weGiriyedhi, Mark Noumair, akabvunza kuti: “Uchadiwa Here?” Musoro wehurukuro yake waisimbisa mashoko a1 Samueri 2:26, anorondedzera Samueri se“akadikanwa naJehovha uye navanhuwo.” Vapedza kukurukura muenzaniso waSamueri, Hama Noumair, avo vakapedzera makore anodarika gumi vari mubasa roumishinari muAfrica, vakati: “Imiwo munogona kudiwa zvikuru mumaziso aMwari nokuramba makavimbika kubasa ramakapiwa naMwari kuti muite. Akakupai basa rinokosha roumishinari.” Hama Noumair vakabva vakurudzira kirasi yaipedza kudzidza kuti vaone kwavaienda kunoshanda sebasa dzvene rinobva kuna Mwari uye kuti vave nemafungiro aMwari pakuita mabasa avo.

Pavaiva pachikoro, vadzidzi vakanga vaine mikana yakawanda pakupera kwevhiki yokuudza vanhu vomunharaunda yacho “zvinhu zvikuru zvaMwari” zviri muBhaibheri. (Mabasa 2:11) Kutaura zvazviri, vaikwanisa kutaura zvinhu izvi mumitauro gumi yakasiyana-siyana. Wallace Liverance, mumwe murayiridzi weGiriyedhi, akabvunzurudza boka revadzidzi avo vakarondedzera zvavakasangana nazvo pasi pomusoro waiti “‘Zvinhu Zvikuru zvaMwari’ Zvinokurudzira Vanhu Kuita Chimwe Chinhu.” Akati: “Mudzimu wakaita kuti vaya vaiva mukamuri repamusoro paPendekosti vataure nezve‘zvinhu zvikuru zvaMwari.’ Mudzimu iwoyo nhasi unoshanda muvashumiri vaMwari vose.” Vamwe vakatokurudzirwa kudzidza mitauro mitsva nechinangwa chokupupurira vamwezve vanhu vakawanda.

Mazano Anoshanda Okuona Zvinhu Semaonero Anoita Mwari

Hurukuro dzokuzarura dzapera, Gary Breaux naWilliam Young, nhengo dzebazi reUnited States, vakabvunzurudza nhengo dzematare emapazi akasiyana-siyana munyika dzinotova nemamishinari anoshandamo iye zvino uyewo vamwe vaviri vakaroorana avo vakapedza makore 41 vachiita basa roumishinari. Chimwe chavakataura chaiva chokuti: “Vaya vanoda zvishoma vanogara kwenguva yakareba. Vanofungisisa chikonzero chavakauyira. Vanoziva kuti vakauya kuzoparidza mashoko akanaka uye kuzobatsira vanhu kuti vasvike pakuziva Jehovha.”

David Splane, imwe nhengo yeDare Rinodzora, akagumisa purogiramu yacho nehurukuro yaiva nomusoro unoti “Hamusi Kuenda Kure Kure!” Airevei nokudaro, tichifunga nezvokuti vadzidzi vaipedza kudzidza ava 46 zvino vakanga vava kutumwa kunyika dzepasi pose? Akatsanangura kuti: “Pasinei nokuti uri kupi pasi pano, nguva dzose uchange uri muimba yaMwari chero bedzi wakatendeka.” Chokwadi, vaKristu vose vakatendeka, pasinei nekwavangave vachigara, vari kushumira mune chimwe chikamu chetemberi huru yomudzimu yaMwari, kana kuti imba, iyo yakavapo panguva yakabhabhatidzwa Jesu muzana remakore rokutanga. (VaHebheru 9:9) Zvainyaradza zvikuru kune vaya vaivapo kuziva kuti Jehovha ari pedyo nevashumiri vake vose vakatendeka vari pasi pano! Sokungofarirwa kwaiitwa Jesu naJehovha paaiva pasi pano, naizvozvo Anotifarira tose uye basa redu ratinoita kwaAri, pasinei nekwatingava. Saka munhau dzokunamata, hatisi kure zvachose nomumwe nomumwe uye naJehovha naJesu.

Pashure pokugamuchira kwaziso dzakabva pasi pose, kuziviswa kwenyika dzaizoendwa, nokuverengwa kwetsamba yakanyorwa nekirasi yacho yairatidza kuonga kurovedzwa kwavakawana paGiriyedhi, sachigaro akagumisa purogiramu yacho nenzira inobudirira. Akakurudzira mamishinari matsva kuramba vachiita basa ravo rakanaka uye kuti vafare mubasa raJehovha.—VaFiripi 3:1.

[Bhokisi riri papeji 23]

ZVAKAITA KIRASI YACHO

Nyika dzinomiririrwa: 14

Nyika dzavakatumirwa: 19

Vadzidzi: 46

Avhareji yezera: 35.0

Avhareji yemakore vari muchokwadi: 17.2

Avhareji yemakore vari muushumiri hwenguva yakazara: 13.7

[Mufananidzo uri papeji 24]

Kirasi yechi113 Inopedza Kudzidza yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi

Pane zvakarongwa pasi apa, mitsetse yakarongwa ichitanga nokumberi zvichidzoka shure, uye mazita akarongwa kubva kuruboshwe zvichienda kurudyi mumutsetse woga woga.

(1) Ligthart, M.; Hosoi, S.; Berktold, A.; Liem, C.; Aoki, J. (2) Baglyas, J.; Bouqué, S.; Bossi, A.; Alton, J.; Escobar, I.; Escobar, F. (3) Stoica, A.; Stoica, D.; Freimuth, S.; Karlsson, M.; LeBlanc, R. (4) Bianchi, R.; Bianchi, S.; Kaminski, L.; Joseph, L.; Paris, S.; LeBlanc, L. (5) Paris, M.; Skidmore, B.; Horton, J.; Horton, L.; Skidmore, G. (6) Liem, B.; Alton, G.; Quirici, E.; Langlois, M.; Steininger, S.; Aoki, H. (7) Langlois, J.; Steininger, M.; Bossi, F.; Kaminski, J.; Bouqué, J.; Ligthart, E.; Hosoi, K. (8) Baglyas, J.; Quirici, M.; Karlsson, L.; Freimuth, C.; Berktold, W.; Joseph, R.