Batsirwa Nezvawajaira Kuita
Batsirwa Nezvawajaira Kuita
MURUME wacho akanga agara mumusha womuAthens kwemakore 12. Mazuva ose, aishandisa nzira imwe chete kuenda kumba achibva kubasa. Zvino akabva aenda kunogara kune mumwe musha kurimwe divi reguta. Rimwe zuva apedza basa, akatanga kuenda kumba. Akatozoziva kuti akanga aenda kudivi risiri iro paakanga ava pedyo nepaaigara kare. Nemhaka yezvaakanga ajaira, akanga aenda kumusha wake wekare!
Ndosaka zvisingashamisi kuti zvawajaira dzimwe nguva zvinonzi zvinoita sewakazvarwa uchizviita, zvinhu zvinodzora upenyu hwedu munzira dzakasimba. Mupfungwa iyi, miitiro inogona kufananidzwa nomoto. Moto unogona kuva chiedza chakanaka murima, uye unogona kudziyisa muviri wedu uye kudziyisa zvokudya zvedu. Asi, moto unogonawo kuva muvengi anotyisa anoparadza upenyu nezvinhu. Izvozvo ndozvakaita miitiro. Kana ikavandudzwa zvakanaka, inogona kubatsira zvikuru. Asi inogonawo kuparadza.
Nezvomurume adudzwa kwokutanga, zvaakanga ajaira kuita zvakapedza nguva yake chete ari mukati memotokari dzomuguta dzakawandisa. Kana toreva nezvezvinhu zvinokosha zvikuru, zvatajaira zvinogona kutiita kuti tibudirire kana kutitungamirira kungwavaira. Chimbofunga mienzaniso chaiyo inowanikwa muBhaibheri inoratidza kubatsira kana kupinganidza kungaitwa nemiitiro kubasa redu noukama hwedu naMwari.
Mienzaniso yomuBhaibheri yeMiitiro Yakanaka Neyakashata
Noa, Jobho, uye Dhanieri vose vakakomborerwa nokuva noushamwari hwepedyo naMwari. Bhaibheri rinovarumbidza “nokururama kwavo.” (Ezekieri 14:14) Zviri pachena kuti, upenyu hwevarume vacho vose vari vatatu hwakaratidza kuti vakanga vane miitiro yakanaka.
Noa akaudzwa kuti avake areka, ngarava yakareba kupfuura nhandare yebhora uye yakakwirira kupfuura chivako chenhurikidzwa shanu. Basa guru rakadaro ringadai rakashamisa muvaki wengarava upi noupi wenguva dzekare. Noa nevamwe vanomwe vomumhuri make vakavaka areka vasina zvishandiswa zvemazuva ano. Uyezve, Noa akaramba achiparidza kuvanhu vairarama munguva yake. Tinogona kuva nechokwadi chokuti iyewo aitarisira zvinodiwa zvokunamata nezvokurarama nazvo zvemhuri yake. (2 Petro 2:5) Kuti aite zvose izvi, Noa anofanira kunge aishanda zvakanaka. Uyezve, Noa akanyorwa munhoroondo yeBhaibheri somunhu “akafamba naMwari. . . . Akaita saizvozvo, sezvaakarayirwa naMwari.” (Genesi 6:9, 22; 7:5) Sezvo akanzi “asina mhosva” muBhaibheri, anofanira kunge akapfuurira kufamba naMwari pashure peBoporodzi uye kunyange pashure pokunge kupandukira Jehovha kwaitika paBhabheri. Chokwadi, Noa akaramba achifamba naMwari kusvikira afa pazera remakore 950.—Genesi 9:29.
Tsika dzaJobho dzakanaka dzakamubatsira kuti ave munhu “akakwana, akarurama.” (Jobho 1:1, 8; 2:3) Akanga ane tsika, kana kuti muitiro wokuita somupristi wemhuri pakubayira zvibayiro achimiririra vana vake pashure pomutambo wavo wokudya woga woga, kuti zvimwe vainge ‘vatadza, vashora Mwari pamwoyo yavo; Jobho waisidaro nguva dzose.’ (Jobho 1:5) Zviri pachena kuti mumhuri yaJobho, tsika dzaivakirwa pakunamata Jehovha dzakanga dzakakwirira.
Dhanieri akashumira Jehovha “nguva dzose” muupenyu hwake hwose hwakareba. (Dhanieri 6:16, 20) Dhanieri akanga ane miitiro yokunamata yakanaka ipi? Mumwe ndewokuti ainyengetera nguva dzose kuna Jehovha. Pasinei nomutemo wamambo wokurambidza muitiro uyu, ‘katatu nezuva, [Dhanieri] akanyengetera nokuonga pamberi paMwari wake, sezvaaisiita.’ (Dhanieri 6:10) Haana kurega muitiro wake wokunyengetera kuna Mwari, kunyange izvozvi pazvakaratidza kuva zvaizourayisa. Chokwadi muitiro uyu wakasimbisa Dhanieri muupenyu hwokutendeka kuna Mwari kwakanaka. Dhanieri akanga ane muitiro wakanaka wokudzidza uye kufungisisa zvakadzama zvipikirwa zvaMwari zvinofadza. (Jeremia 25:11, 12; Dhanieri 9:2) Chokwadi miitiro iyi yakanaka yakamubatsira kutsungirira kusvika kumugumo, achimhanya nhangemutange youpenyu akatendeka kusvika kumugumo wayo chaiwo.
Mukupesana, Dhina akazoipirwa nezvinhu nemhaka yomuitiro wakaipa. Iye wai‘buda kundoona vakunda venyika iyo,’ vakanga vasinganamati Jehovha. (Genesi 34:1) Uyu muitiro waiita sousingakuvadzi wakatungamirira kunjodzi. Kutanga, akachinywa naShekemi, jaya rai“kudzwa kupfuura vose veimba yose yababa vake.” Ipapo, kutsiva kwehanzvadzi dzake mbiri kwakaita kuti dziuraye varume vose muguta rose. Zvechokwadi waiva mugumisiro wakaipa!—Genesi 34:19, 25-29.
Tingava sei nechokwadi chokuti miitiro yedu ichatibatsira uye kuti haizotikuvadzi?
Kushandisa Miitiro
“Miitiro ndiyo inotara zvinofanira kuitika,” akanyora kudaro mumwe muzivi. Asi haifaniri kudaro. Bhaibheri rinoratidza zvakajeka kuti tinogona kusarudza kuchinja miitiro yedu yakaipa ndokukudziridza yakanaka.
Kana tichiita miitiro yakanaka, nzira yechiKristu yokurarama nayo inoshanda zvakanaka kwazvo uye inova nyore kutevedzera. Alex, muKristu anobva kuGreece anoti: “Muitiro wokuenderana nepurogiramu kuti ndipedze mabasa akasiyana-siyana unoita kuti ndichengetedze nguva inokosha zvikuru.” Theophilus, mukuru wechiKristu, anotaura nezvokuronga somuitiro unomubatsira kuva munhu anonyatsogona kuita zvinhu. Anoti: “Ndinonyatsobvuma kuti ndaizotadza kuita mabasa angu echiKristu zvinobudirira pasina muitiro wokuronga.”
Zvatiri vaKristu, tinokurudzirwa kuti “[tirambe] tichifamba zvakanaka nomuitiro iwoyu.” (VaFiripi 3:16) Muitiro “itsika inogaroitwa yemafambisirwo ezvinhu.” Miitiro yakanaka yakadaro inotibatsira nemhaka yokuti hatizopedzi nguva tichinonozeka padanho rimwe nerimwe—tinenge tatotanga tsika yakanaka yatinotevedzera nemhaka yokuti tinenge tajaira kuita kudaro. Miitiro yakasimba inopedzisira yave kungoerekana yaitika. Sezvingangoitawo tsika dzokutyaira dzakanaka kutungamirira mutyairi kuita zvisarudzo zvokukurumidza zvokuponesa upenyu kana anangana nengozi mumugwagwa, miitiro yakanaka inogonawo kutibatsira kuti tiite zvisarudzo zvakakodzera nokukurumidza sezvatinofamba munzira yedu yechiKristu.
Semanyorerwo azvakaitwa nomunyori wokuEngland Jeremy Taylor: “Miitiro zvibereko zvechiito.” Kana miitiro yedu yakanaka, tinogona kuita zvinhu zvakanaka tisinganetseki. Somuenzaniso, kana isu sevashumiri vechiKristu tine muitiro wokubuda nevamwe nguva dzose mubasa rokuparidza, zviri nyore uye zvinonakidza kuenda mubasa rokuparidza. Nezvevaapostora, tinoverenga kuti “mazuva ose vakaramba vachidzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka pamusoro paiye Kristu Jesu, mutemberi uye paimba neimba vasingaregi.” (Mabasa 5:42; 17:2) Kune rimwewo divi, kana tisingapindi muushumiri nguva dzose, tinganzwa kunetseka, zvotitorera nguva kuti tinakidzwe uye tive nechivimbo mubasa iri rechiKristu rinokosha.
Izvozvo ndezvechokwadi nezvezvimwe zvinhu zvinoitwa mumuitiro wedu wechiKristu. Miitiro yakanaka inogona kutibatsira kuva venguva dzose ‘mukuverenga Shoko raMwari masikati nousiku.’ (Joshua 1:8; Pisarema 1:2) Mumwe muKristu ane tsika yokuverenga Bhaibheri kwemaminitsi anobva pa20 kusvika pa30 asati arara. Kunyange paanenge aneta zvikuru, anoona kuti akaenda kunorara asati averenga, haagoni kurara zvakanaka. Anofanira kumuka oita chinodiwa chomudzimu ichocho. Muitiro wakanaka uyu wakamubatsirawo kuti averenge Bhaibheri rose kamwe pagore kwemakore akawanda.
Muenzaniso wedu, Jesu Kristu, akanga ane muitiro wokupinda misangano uko Bhaibheri raikurukurwa. “Maererano netsika yake pazuva resabata, akapinda musinagogi, akasimuka kuti arave.” (Ruka 4:16) Joe mumwe mukuru ane mhuri huru anoshanda kwenguva yakareba, akabatsirwa nomuitiro kuti ave nechido chokupinda misangano nguva dzose. Anoti: “Muitiro uyu unondiita kuti ndirambe ndichipfuurira, uchindipa simba romudzimu rinodiwa zvikuru kuitira kuti ndibudirire kutarisana nemabasa akaoma uye zvinonetsa.—VaHebheru 10:24, 25.
Miitiro yakadaro inokosha zvikuru munhangemutange youpenyu yechiKristu. Mushumo unobva kunyika iyo vanhu vaJehovha vakatambudzwa wakati: “Vaya vane miitiro yakanaka yokunamata uye vanokoshesa zvikuru chokwadi havana chinetso mukuramba vakasimba panouya miedzo, asi vaya vanorovha misangano ‘mumwaka wakafanira,’ vasingaendi nguva dzose mubasa romumunda uye vanobvumirana zvisina kufanira panyaya duku kakawanda vakundikana kana vari mumuedzo ‘unopisa.’”—Dzivisa Miitiro Yakaipa, Iva Neyakanaka
Zvakanzi ‘munhu anofanira kukudziridza chete miitiro iya yaanoda kuti imudzore.’ Miitiro yakaipa zvechokwadi nditenzi anodzvinyirira. Asi inogona kuregwa.
Pane imwe nguva Stella akanga akapindwa muropa nokuona TV. Anobvuma kuti: “Pamiitiro yose yakaipa yandakatanga kuita, nguva dzose pane chikonzero chaiita kuti ndiite kudaro ndisina chinangwa chakaipa.” Izvi ndozvazvakanga zvakaita nomuitiro wake wokunyanyotarira TV. Aizvitaurira kuti aizongotarira “kuti amboti zororei” kana kuti “azvivaraidze.” Asi akatadza kudzora muitiro wake, zvichimuita kuti arambe ari pamberi peterevhizheni kwemaawa akawanda. “Ndingati, muitiro uyu wakaipa wakanonotsa kufambira mberi kwangu mumudzimu,” anodaro. Nokuedza kwokutsunga, pakupedzisira akaderedza nguva yaaipedza achiona TV uye akatanga kusarudza zvokuona. “Ndinoedza nguva dzose kuyeuka kuti nei ndaida kurega muitiro uyu,” anodaro Stella, “uye ndinovimba naJehovha kuti ndirambe ndine chisarudzo changu chakasimba.”
MuKristu anonzi Charalambos anotaura nezvomuitiro wakaipa waimudzivisa kufambira mberi mumudzimu—kuverengera. “Pandakaona kuti muitiro wokuverengera unokuvadza, ndakatanga kushandira kuti ndichinje upenyu hwangu. Pandaironga vavariro dzangu, ndaironga kuti ndichatanga rini uye sei kushandira kuti ndidzisvitse. Kushandisa zvisarudzo zvangu nguva dzose ndochakanga chiri chigadzikiso chacho, uye uchiri muitiro wakanaka nanhasi.” Chokwadi, miitiro inobatsira ndiyo yakanakisisa pakutsiva yakaipa.
Shamwari dzedu dzinogonawo kutiita kuti tive nemiitiro yakanaka kana kuti yakaipa. Miitiro yakanaka inotapukira, kungofanana nezvinoita yakaipa. Kungofanana nokuti “songaniro dzakaipa dzinoshatisa miitiro inobetsera,” shamwari dzakanaka dzinogona kutipa mienzaniso yemiitiro yakanaka yokuti titevedzere. (1 VaKorinde 15:33) Chinokosha zvikuru, miitiro inogona kusimbisa kana kunetesa ushamwari hwedu naMwari. Stella anoti: “Kana miitiro yedu yakanaka, inoita kuti kutamburira kwedu kushumira Jehovha kuve nyore. Kana ichikuvadza, inopinganidza zvatinoedza kuita.”
Tanga miitiro yakanaka, uye ita kuti ikutungamirire. Ichava simba guru uye inobatsira muupenyu hwako.
[Mufananidzo uri papeji 19]
Kufanana nomoto, miitiro inogona kubatsira kana kuparadza
[Mufananidzo uri papeji 21]
Yakanga iri tsika yaJesu kuva musinagogi musi weSabata kuti averenge Shoko raMwari
[Mifananidzo iri papeji 22]
Miitiro yakanaka yokunamata inosimbisa ukama hwedu naMwari