Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 41

Tinoshumira Mwari “Ane Ngoni Huru”

Tinoshumira Mwari “Ane Ngoni Huru”

“Jehovha akanaka kuzvisikwa zvese, uye ngoni dzake dzinooneka pamabasa ake ese.”—PIS. 145:9.

RWIYO 44 Munyengetero Wemunhu Akasuruvara

ZVICHADZIDZWA *

1. Chii chingauya mupfungwa dzedu patinofunga nezvemunhu ane ngoni?

PATINOFUNGA nezvemunhu ane ngoni, tinoona munhu ane mutsa, ane ushamwari, ane tsitsi uye ane rupo. Tinogonawo kufunga nezvenyaya yakataurwa naJesu yemuSamariya akanaka. Murume iyeye werumwe rudzi ‘akanzwira tsitsi’ muJudha akanga arohwa nematsotsi. MuSamariya uyu “akasiririswa” paakaona muJudha akanga akuvadzwa, uye akaronga kuti achengetwe. (Ruka 10:29-37) Mufananidzo uyu unoratidza kuti Mwari wedu ane ngoni. Ngoni dzinobva parudo rwaMwari, uye zuva rimwe nerimwe anotiratidza ngoni munzira dzakawanda.

2. Ndeipi imwe nzira iyo munhu anogona kuratidza nayo ngoni?

2 Pane imwezve nzira iyo munhu anogona kuratidza nayo ngoni. Munhu ane ngoni anogona kusarudza kusaranga munhu ipo paine chikonzero chekuti arangwe. Jehovha anotinzwira ngoni saizvozvo. Munyori wemapisarema akati, “Haana kutiitira zvinoenderana nezvivi zvedu.” (Pis. 103:10) Asi dzimwe nguva Jehovha anogona kuranga zvakasimba munhu anenge atadza.

3. Mibvunzo ipi yatichapindura?

3 Munyaya ino tichapindura mibvunzo mitatu inoti: Nei Jehovha achiratidza ngoni? Zvinoita here kuti munhu arangwe zvakasimba asi panguva imwe chete achinzwirwa ngoni? Uye chii chingatibatsira kuti tiratidze ngoni? Ngationei kuti Shoko raMwari rinopindura sei mibvunzo iyi.

NEI JEHOVHA ACHIRATIDZA NGONI?

4. Nei Jehovha achiratidza ngoni?

4 Jehovha anoda chaizvo kuratidza ngoni. Muapostora Pauro akafemerwa kunyora kuti Mwari ane ‘ngoni huru.’ Paakanyora mashoko aya, Pauro aitaura nezvengoni dzakaratidzwa naMwari pakupa vashumiri vake vakazodzwa vane chivi tariro yekugara kudenga. (VaEf. 2:4-7) Asi Jehovha haangoratidzi ngoni kune vakazodzwa chete. Munyori wemapisarema Dhavhidhi akati: “Jehovha akanaka kuzvisikwa zvese, uye ngoni dzake dzinooneka pamabasa ake ese.” (Pis. 145:9) Sezvo Jehovha achida vanhu, anoratidza ngoni pese panenge paine chikonzero chekuti adaro.

5. Jesu akasvika sei pakuziva nezvengoni dzaJehovha?

5 Hapana anopfuura Jesu pakuziva kuti Jehovha anoda sei kuratidza ngoni. Jehovha naJesu vaiva pamwe chete kwenguva yakareba Jesu asati auya panyika. (Zvir. 8:30, 31) Kakawanda, Jesu aiona Baba vake vachiratidza ngoni kuvanhu vane chivi. (Pis. 78:37-42) Paaidzidzisa, Jesu aiwanzotaura nezvengoni dzaBaba vake.

Baba havana kunyadzisa mwanakomana wavo akarasika, asi vakamugamuchira pamba pavo (Ona ndima 6) *

6. Jesu akatibatsira sei kunzwisisa ngoni dzaBaba vake?

6 Sezvakataurwa munyaya yakapfuura, Jesu akashandisa mufananidzo wemwana akarasika kuti aratidze kuti Jehovha anoda zvakadii kuratidza ngoni. Mwanakomana wacho akanga abva pamba uye “akanoparadza pfuma yake achirarama upenyu hwakaipa.” (Ruka 15:13) Akazopfidza mararamiro ake akaipa, akazvininipisa, ndokudzokera kumba. Baba vake vakaita sei? Jesu akati: “[Mwanakomana wacho] achiri kure, baba vake vakamuona vakasiririswa, ndokumhanya vakamumbundira, vakamutsvoda zvinyoronyoro.” Baba vacho havana kunyadzisa mwanakomana wavo. Asi vakamunzwira ngoni vakamuregerera, uye vakamugamuchirazve mumhuri yavo. Mwanakomana uyu akarasika akanga aita chivi chakakura, asi sezvo ainge apfidza, baba vake vakamuregerera. Baba vane ngoni vemumufananidzo wacho vanomiririra Jehovha. Achishandisa mufananidzo uyu, Jesu akatiratidza kuti Jehovha anoda kuregerera vatadzi vanopfidza zvechokwadi.—Ruka 15:17-24.

7. Uchenjeri hwaJehovha hunooneka sei pakunzwira tsitsi kwaanoita?

7 Jehovha anonzwira tsitsi zvichibva pauchenjeri hwake husina humwe hwahwakaenzana nahwo. Jehovha anogara achiita zvisarudzo zvakanakira zvisikwa zvake. Bhaibheri rinoti ‘uchenjeri hunobva kumusoro huzere netsitsi nemabasa akanaka.’ (Jak. 3:17) Semubereki ane rudo, Jehovha anoziva kuti tsitsi dzake dzinobatsira vana vake. (Pis. 103:13; Isa. 49:15) Tsitsi dzaMwari dzinovapa tariro pasinei nekuti vane chivi. Saka uchenjeri hwaJehovha hunoita kuti agare achinzwira tsitsi pese paanoona chikonzero chekuti adaro. Asi Jehovha anozivawo paasingafaniri kunzwira tsitsi. Sezvo akachenjera, haanzwiri tsitsi pazvinoita sekuti kuita izvozvo kupembedza zvakaipa.

8. Zvii zvinofanira kuitwa dzimwe nguva, uye nechikonzero chei?

8 Ngatitii mushumiri waMwari asarudza kurarama upenyu hwakaipa. Tinofanira kuitei? Pauro akafemerwa kunyora kuti, ‘Regai kufambidzana’ naye. (1 VaK. 5:11) Vatadzi vasingapfidzi vanodzingwa muungano. Kuita izvozvo kunodiwa kuti tidzivirire hama nehanzvadzi dzedu dzakatendeka uye kuti tiratidze utsvene hwaJehovha. Asi vamwe vanofunga kuti munhu paanodzingwa Mwari anenge asina kumunzwira tsitsi. Ichokwadi here ichocho? Ngationei.

KUDZINGA MUTADZI ASINGAPFIDZI KURATIDZA NGONI HERE?

Gwai rinogona kuiswa kwaro rega parinenge richirwara, asi mufudzi anoramba achirichengeta (Ona ndima 9-11)

9-10. Maererano naVaHebheru 12:5, 6, nei tingati kudzinga mutadzi asingapfidzi kuratidza ngoni? Taura muenzaniso.

9 Patinonzwa chiziviso chichipiwa pamusangano weungano chekuti mumwe munhu watinoziva uye watinoda “haasisiri mumwe weZvapupu zvaJehovha,” tinorwadziwa chaizvo. Tinganetseka kuti aifanira kudzingwa here. Ichokwadi here kuti kudzinga munhu kuratidza ngoni? Ehe. Kungosiya munhu anofanira kunge achirangwa hakusi kuchenjera, hakusi kuratidza ngoni kana rudo. (Zvir. 13:24) Kudzingwa kunogona kubatsira mutadzi asingapfidzi kuti achinje mararamiro ake here? Kunogona kumubatsira. Hama nehanzvadzi dzakawanda dzakaita zvivi zvakakura dzakati kudzingwa kwakadzibatsira kuti dzipengenuke, dzichinje maitiro adzo uye dzidzoke kuna Jehovha.—Verenga VaHebheru 12:5, 6.

10 Funga nezvemuenzaniso uyu. Mufudzi anoona kuti rimwe remakwai ake riri kurwara. Anoziva kuti kana achida kurapa chirwere ichi anofanira kuita kuti gwai racho rigare kwaro rega. Asi makwai anoda kugara pamwe chete. Gwai harigadzikani kana rikaparadzaniswa nemamwe. Saka zvinoreva here kuti mufudzi ari kuita utsinye paanoparadzanisa gwai racho nemamwe? Aiwa. Anoziva kuti kana akarega gwai racho richisangana nemamwe, chirwere chacho chinogona kupararira. Kana akaisa rinorwara kwaro rega, anodzivirira boka rese.—Enzanisa naRevhitiko 13:3, 4.

11. (a) Munhu akadzingwa angafananidzwa negwai riri kurwara pakuti kudii? (b) Vanhu vakadzingwa vangaitei uye vanogona kubatsirwa sei?

11 Tinogona kufananidza muKristu akadzingwa negwai iroro riri kurwara. Ari kurwara pakunamata. (Jak. 5:14) Kurwara pakunamata kunogona kutapukira kune vamwe, sezvinongoitawo zvimwe zvirwere. Saka dzimwe nguva munhu ari kurwara pakunamata anofanira kubviswa muungano. Chirango ichi chinoratidza rudo rwaJehovha kumakwai ake akatendeka, uye chinogona kubatsira mutadzi wacho kuti apfidze. Paanenge akadzingwa, anokwanisa kuenda kumisangano kwaanowana zvekudya zvekunamata izvo zvinomubatsira kuti avezve nekutenda kwakasimba. Anokwanisawo kuwana mabhuku ekuti averenge nekudzidza uye anogona kuona JW Broadcasting®. Uye vakuru pavanoona kuti ari kuchinja, vanogona kupota vachimupa mazano anomubatsira kuti asimbezve pakunamata kuitira kuti azodzorerwa semumwe weZvapupu zvaJehovha. *

12. Ndechipi chinhu chingaitwa nevakuru kumutadzi asingapfidzi chinoratidza rudo uye ngoni?

12 Zvinokosha kuyeuka kuti vatadzi vasingapfidzi ndivo chete vanodzingwa. Vakuru vanoziva kuti iyi inyaya yakakura, isiri yekurerutsa. Vanoziva kuti Jehovha anoranga “zvakafanira.” (Jer. 30:11) Vanoda hama dzavo, uye havadi kuita chimwe chinhu chingakanganisa ushamwari hwadzo naJehovha. Asi dzimwe nguva kunenge kuri kuratidza rudo uye ngoni kubvisa mutadzi muungano kwenguva yakati.

13. Nei mumwe muKristu wemuKorinde aifanira kudzingwa?

13 Ona kuti muapostora Pauro akabata sei nyaya yemutadzi asingapfidzi. Mumwe muKristu wemuKorinde aiita upombwe nemudzimai wababa vake. Izvozvo zvaisemesa chaizvo! Pauro aiziva kuti Jehovha akanga audza vaIsraeri kuti: “Murume anorara nemudzimai wababa vake anyadzisa baba vake. Vese vari vaviri vanotofanira kuurayiwa.” (Revh. 20:11) Pauro aisakwanisa hake kuudza ungano kuti murume iyeye aifanira kuurayiwa. Asi akaudza vaKorinde kuti vamudzinge muungano. Upombwe hwaiitwa nemurume iyeye hwaikanganisa vamwe muungano. Vamwe vavo vaitofunga kuti ichi chaisava chivi chakakura.—1 VaK. 5:1, 2, 13.

14. Pauro akaratidza sei kuti akanzwira tsitsi murume wekuKorinde ainge adzingwa, uye nei akadaro? (2 VaKorinde 2:5-8, 11)

14 Papera nguva, Pauro akazoziva kuti murume wacho akanga achinja. Akanga apfidza zvechokwadi! Kunyange zvazvo murume uyu akanga anyadzisa ungano, mashoko ayo Pauro akaudza vakuru airatidza kuti aisada kuomesera mutadzi wacho. Akavaudza kuti ‘vamunzwire tsitsi vomuregerera uye vomunyaradza.’ Chikonzero chakaita kuti Pauro avaudze kuti vaite izvozvo ndeichi: “Kuitira kuti asakurirwa nekunyanya kusuruvara.” Pauro akasiririswa nemurume wacho ainge apfidza. Aisada kuti murume uyu anyanye kusuruvariswa nezvaakanga aita, zvekuti aizorega kushandira kuti aregererwe.—Verenga 2 VaKorinde 2:5-8, 11.

15. Vakuru vangaranga sei zvakasimba panguva imwe chete vachinzwira tsitsi?

15 Vachitevedzera Jehovha vakuru vanoda kuratidza kuti vanonzwira tsitsi. Vanoranga mutadzi zvakasimba pazvinenge zvakakodzera asi vanonzwirawo tsitsi pese pazvinoita kana paine chikonzero chekuti vadaro. Kana vakarega kumuranga zvachose, vanenge vasiri kunzwira tsitsi asi vanenge vachipembedza zvakaipa. Vakuru ndivo vega here vanofanira kunzwira tsitsi?

CHII CHINGABATSIRA TESE ZVEDU KUTI TINZWIRE VAMWE TSITSI?

16. Maererano naZvirevo 21:13, Jehovha anoita sei kune vaya vasinganzwiri vamwe tsitsi?

16 VaKristu vese vanoedza kutevedzera Jehovha pakunzwira vamwe tsitsi. Nei vachidaro? Chimwe chikonzero ndechekuti Jehovha haazoteereri vaya vanotadza kunzwira vamwe tsitsi. (Verenga Zvirevo 21:13.) Hapana anoda kuti Jehovha arambe kuteerera minyengetero yake, saka tinoedza zvese zvatinogona kuti tisava nemwoyo wakaoma. Pane kuti tirege kuteerera mumwe muKristu anenge achitambura, tinofanira kugara takagadzirira kunzwa “kuchema kweakaderera.” Tinoteererawo zano iri rakafemerwa rekuti: “Munhu asina tsitsi achatongwa pasina tsitsi.” (Jak. 2:13) Kana tikayeuka kuti tinoda kunzwirwa tsitsi, kakawanda kacho tichanzwirawo vamwe tsitsi. Tinoda kunyanya kunzwira tsitsi mutadzi anenge adzorerwa muungano.

17. Mambo Dhavhidhi akaratidza sei kuti aiva munhu anonzwira vamwe tsitsi?

17 Mienzaniso yevanhu vanotaurwa muBhaibheri inogona kutibatsira kuti tide kunzwira vamwe tsitsi uye kuti tisaoma mwoyo. Funga nezvaMambo Dhavhidhi. Aiwanzonzwira vamwe tsitsi. Kunyange zvazvo Sauro aida kumuuraya, Dhavhidhi akanzwira tsitsi mambo iyeye ainge akazodzwa naMwari. Haana kuedza kuda kutsiva zvaaiitirwa naSauro.—1 Sam. 24:9-12, 18, 19.

18-19. Dhavhidhi haana kunzwira tsitsi pazviitiko zvipi zviviri?

18 Hapasi pese apo Dhavhidhi ainzwira vamwe tsitsi. Semuenzaniso, Nabhari, uyo aiva murume akaoma mwoyo, paakataura asingaremekedzi uye paakaramba kupa Dhavhidhi nevarume vaaiva navo zvekudya, Dhavhidhi akagumbuka uye akati aida kuuraya murume iyeye nevarume vese veimba yake. Asi Abhigairi mudzimai waNabhari aiva nemutsa nemwoyo murefu uye akakurumidza kupa Dhavhidhi zvekudya. Saka Dhavhidhi haana kuzouraya Nabhari nevarume vese veimba yake.—1 Sam. 25:9-22, 32-35.

19 Pane imwe nguva, muprofita Natani akaudza Dhavhidhi nezvemumwe mupfumi akatorera murombo gwai rake raaida chaizvo. Dhavhidhi akagumbuka chaizvo akati: “NaJehovha mupenyu, munhu akaita zvakadaro anofanira kufa!” (2 Sam. 12:1-6) Dhavhidhi aiziva zvaitaurwa muMutemo waMozisi. Kana mbavha ikaba gwai, yaifanira kuriripa nemakwai mana. (Eks. 22:1) Hwaiva utsinye kutongera mbavha yacho rufu. Natani akashandisa nyaya iyi isina kuitika kubatsira Dhavhidhi kuti anzwisise kuti akanga atopara mhosva dzakakura kudarika iyoyo! Jehovha akanzwira Dhavhidhi tsitsi zvikuru kupfuura zvingadai zvakaitwa naDhavhidhi kumunhu wemumufananidzo waNatani akaba gwai!—2 Sam. 12:7-13.

Mambo Dhavhidhi haana kunzwira tsitsi murume wemunyaya yakataurwa naNatani (Ona ndima 19-20) *

20. Tinodzidzei pana Dhavhidhi?

20 Ona kuti Dhavhidhi paakagumbuka chaizvo akati Nabhari nevarume vake vese vaifanira kufa. Uye pava paya, Dhavhidhi akataura kuti murume wemumufananidzo waNatani aifanira kufa. Dhavhidhi aiva munhu akanaka, saka nei akaomesa mwoyo pamutongo waakapa murume akaba gwai. Funga zvakanga zvichangobva kuitika muupenyu hwaDhavhidhi. Hana yake yaimunetsa. Kana mumwe munhu akatonga vamwe asingavanzwiri tsitsi, zvinoratidza kuti haana ushamwari hwakanaka naJehovha. Jesu akayambira vateveri vake kuti: “Regai kutonga kuti murege kutongwawo; nekuti matongero amuri kuita vamwe, ndiwo matongerwo amuchaitwawo.” (Mat. 7:1, 2) Saka ngatishandei nesimba kuti tisava vanhu vakaoma mwoyo, tova ‘nengoni huru’ saMwari wedu.

21-22. Ndedzipi dzimwe nzira dzatingaratidza nadzo kuti tinonzwira vamwe tsitsi?

21 Kana tiri vanhu vane tsitsi hatingogumiri pakusiririswa. Vanhu vane tsitsi vanoita zvinhu zvinobatsira vamwe. Tese zvedu tinogona kutsvaga kuti ndiani watingabatsira, mungava mumhuri medu, muungano, kana munharaunda. Tine mikana yakawanda yekunzwira vamwe tsitsi! Pane munhu anoda kunyaradzwa here? Tinogona kubatsira vamwe here, zvichida nekuvapa zvekudya kana kuvaitirawo chimwe chinhu? Pane muKristu akadzorerwa muungano angada shamwari inomukurudzira here? Tinogona kuudzawo vamwe mashoko akanaka here? Iyi ndeimwe yenzira dzakanaka chaizvo dzatinogona kuratidza nadzo kuti tinonzwira vamwe tsitsi.—Job. 29:12, 13; VaR. 10:14, 15; Jak. 1:27.

22 Kana tikaziva kuti vamwe vanoda kubatsirwa nenzira idzi, tichaona kuti tine mikana yakawanda yekunzwira vamwe tsitsi. Kana tikanzwira vamwe tsitsi, tichafadza Baba vedu vekudenga, Mwari ‘wengoni huru!’

RWIYO 43 Munyengetero Wekuonga

^ ndima 5 Ngoni dzaJehovha dzinoita kuti timude, uye mumwe nemumwe wedu anofanira kuvawo nengoni. Munyaya ino tichaona kuti nei Jehovha achiratidza ngoni, nei tingati anoranga zvine ngoni, uye kuti tingaratidzawo sei ngoni.

^ ndima 11 Kuti udzidze kuti vanhu vakadzorerwa muungano vangagadzirisa sei ushamwari hwavo naMwari uye kuti vakuru vangavabatsira sei, ona nyaya inoti “Gadzirisa Ushamwari Hwako naJehovha,” iri mumagazini ino.

^ ndima 60 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Vari padenga reimba yavo, baba vanoona mwanakomana wavo akarasika achidzoka kumba uye vanomhanya kunomumbundira.

^ ndima 64 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Kunetseka kwaiita Mambo Dhavhidhi muhana yake kwakaita kuti agumbuke chaizvo paakanzwa mufananidzo waNatani uye akabva ati mupfumi wacho aifanira kufa.