Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 23

RWIYO 2 Jehovha Ndiro Zita Renyu

Zita raJehovha​—⁠Kukosha Kwarinoita Kwatiri

Zita raJehovha​—⁠Kukosha Kwarinoita Kwatiri

“‘Imi muri zvapupu zvangu,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”ISA. 43:10.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza zvatingaita kuti titsvenese uye tireverere zita raJehovha.

1-2. Tinoziva sei kuti zita raJehovha rinokosha kuna Jesu?

 ZITA raJehovha rinokosha chaizvo kuna Jesu. Hapana mumwe munhu akaita zvakawanda pakuita kuti zita raJehovha rizivikanwe kupfuura Jesu. Sezvakaratidzwa munyaya yakapfuura, Jesu akazvipira kufira zita raJehovha uye kuratidza kuti Jehovha mutsvene uye kuti zvese zvaanoita zvakarurama. (Mako 14:36; VaH. 10:​7-9) Uye pashure peKutonga Kwemakore 1 000, Jesu achadzorera masimba ake ekutonga kuna Baba vake kuitira kuti atsvenese zita raJehovha. (1 VaK. 15:​26-28) Zvese zvakaitwa naJesu achiitira Jehovha zvinoratidza kuti anomuda kwazvo.

2 Jesu akauya panyika kuti audze vanhu mashoko aJehovha. (Joh. 5:43; 12:13) Akaita kuti vateveri vake vazive zita raBaba vake. (Joh. 17:​6, 26) Paaidzidzisa uye paaiita zvishamiso, aiita kuti zvinyatsobuda pachena kuti Jehovha ndiye aimupa uchenjeri uye simba rekuita zvinhu izvi. (Joh. 10:25) Paakakumbira Jehovha kuti achengetedze vadzidzi vake, Jesu akati vachengetedzei “nekuda kwezita renyu.” (Joh. 17:11) Saka kana Jesu aikoshesa zita raJehovha zvakadaro, munhu angataura sei kuti muteveri wechokwadi waKristu iye asingazivi zita raJehovha kana kurishandisa?

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Sezvo tiri vaKristu vanoedza kufamba tichitsika pakatsikwa naJesu, tinokoshesa chaizvo zita raBaba vake. (1 Pet. 2:21) Munyaya ino tichaona kuti nei Jehovha akapa zita rake kune vaya vanoparidza “mashoko akanaka eUmambo.” (Mat. 24:14) Tichakurukurawo zvingaitwa nemumwe nemumwe wedu kuti aratidze kuti anokoshesa zita raJehovha.

“VANHU VEZITA RAKE”

4. (a) Jesu akapa vadzidzi vake basa ripi asati adzokera kudenga? (b) Zvakataurwa naJesu zvinoita kuti pave nemubvunzo upi?

4 Nguva pfupi asati adzokera kudenga, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Muchagamuchira simba pachauya mweya mutsvene pamusoro penyu, uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema, muJudhiya mese nemuSamariya, uye kusvikira kunzvimbo dziri kure dzenyika.” (Mab. 1:8) Saka mashoko akanaka aisazongoparidzwa muIsraeri chete asi kune dzimwewo nzvimbo. Pakupedzisira, vanhu vemarudzi ese vaizowana mukana wekuva vateveri vaJesu. (Mat. 28:​19, 20) Asi Jesu akati: “Muchava zvapupu zvangu.” Izvi zvinoreva here kuti vadzidzi vatsva ava vaizongova zvapupu zvaJesu chete kana kuti vaifanirawo kuziva Jehovha, voudzawo vamwe nezvake? Zvinotaurwa muna Mabasa chitsauko 15 zvinotibatsira kupindura mubvunzo iwoyo.

5. Vaapostora nevarume vakuru muJerusarema vakaratidza sei kuti vanhu vese vanofanira kuziva zita raJehovha? (Onawo mufananidzo.)

5 Muna 49 C.E., vaapostora nevarume vakuru muJerusarema vakaungana kuti vakurukure zvaifanira kuitwa nevanhu vemamwe marudzi vakanga vasina kuchecheudzwa kuti vazogamuchirwa muungano yechiKristu. Pavakapedza kukurukura, Jakobho, munin’ina waJesu, akataura mashoko ekuti: “[Petro] anyatsorondedzera matangiro akaita Mwari kufunga mamwe marudzi kuti atore vanhu vezita rake pakati pawo.” Jakobho aitaura nezvezita raani? Akaenderera mberi achitaura mashoko akataurwa nemuprofita Amosi. Akati: “Kuti vanhu vanosara vatsvage Jehovha nemwoyo wese, pamwe chete nevanhu vemarudzi ese, vanhu vanoshevedzwa nezita rangu, ndizvo zvinotaurwa naJehovha.” (Mab. 15:​14-18) Saka vadzidzi vatsva ava vaizofanira kudzidza nezvaJehovha uye ‘kushevedzwa nezita rake.’ Izvi zvinoreva kuti vaizoita kuti vamwe vanhu vazive zita raMwari uye ivo pachavo vaizozivikanwa nezita iroro.

Pamusangano wakaitwa nedare rinotungamirira panguva yakatanga chiKristu, varume ivavo vakatendeka vakanyatsoona kuti vaKristu vanofanira kuva vanhu vezita raMwari (Ona ndima 5)


6-7. (a) Nei Jesu akauya panyika? (b) Ndechipi chimwe chikonzero chinotonyanya kukosha chakaita kuti auye panyika?

6 Zita raJesu rinoreva kuti “Jehovha Ruponeso,” uye ndiye akashandiswa naJehovha kuponesa vaya vanoratidza kutenda. Jesu akauya panyika kuti afire vanhu. (Mat. 20:28) Paakabhadhara rudzikinuro, akavhura mukana wekuti vanhu vakwanise kuponeswa vowana upenyu husingaperi.—Joh. 3:16.

7 Asi nei vanhu vaifanira kuponeswa? Vaifanira kuponeswa nemhaka yezvakaitika mumunda weEdheni. Sezvakakurukurwa munyaya yakapfuura, vabereki vedu vekutanga, Adhamu naEvha, vakapandukira Jehovha vachibva varasikirwa nemukana wekurarama nekusingaperi. (Gen. 3:​6, 24) Asi pane chimwe chinhu chaitonyanya kukosha kupfuura kununurwa kwevanhu vane chivi. Zita raJehovha rakasvibiswa. (Gen. 3:​4, 5) Saka kununurwa kwevana vaAdhamu naEvha kwakanga kwakabatana nenyaya inokosha chaizvo, nyaya yekutsveneswa kwezita raJehovha. Sezvo Jesu aimiririra Jehovha uye aiita zvese zvaidiwa naJehovha, ndiye ega aikwanisa kunyatsotsvenesa zita raJehovha.

Munhu angataura sei kuti muteveri wechokwadi waKristu iye asingazivi zita raJehovha kana kurishandisa?

8. Vese vaizotenda muna Jesu vaifanira kubvumei?

8 Vaya vese vaizoratidza kutenda muna Jesu, vangava vaJudha kana kuti vemamwe marudzi, vaifanira kubvuma kuti Baba vaJesu, Jehovha Mwari, ndivo muponesi wavo. (Joh. 17:3) Uyewo kungofanana naJesu, vaizozivikanwa nezita raJehovha. Vaifanirawo kubvuma kuti kutsveneswa kwezita iroro kunokosha chaizvo. Izvozvo ndizvo zvaizoita kuti vaponeswe. (Mab. 2:​21, 22) Saka vateveri vese vakatendeka vaJesu vaifanira kudzidza nezvaJehovha uyewo nezvaJesu. Ndosaka Jesu akapedzisa munyengetero wake wakanyorwa muchitsauko 17 chaJohani nemashoko ekuti: “Ndakavazivisa zita renyu uye ndicharizivisa, kuti rudo rwamakandida narwo ruve mavari uye ini ndive pamwe navo.”—Joh. 17:26.

“MURI ZVAPUPU ZVANGU”

9. Tingaratidza sei kuti tinokoshesa zita raJehovha?

9 Kubva pane zvatakurukura, zviri pachena kuti kana tichida kuva vateveri vaJesu tinofanira kutsvenesa zita raJehovha. (Mat. 6:​9, 10) Tinofanira kurikoshesa kupfuura mamwe mazita ese uye tinofanira kuratidza nezvatinoita kuti tinorikoshesa. Asi zvii zvatingaita kuti tibatsirewo pakutsveneswa kwezita raJehovha uyewo pakuratidza kuti zvese zvakataurwa naSatani nezvaJehovha hazvisi zvechokwadi?

10. Zvii zvatinoverenga muzvitsauko 42 kusvika ku44 zvebhuku raIsaya? (Isaya 43:9; 44:​7-9) (Onawo mufananidzo.)

10 Muzvitsauko 42 kusvika ku44 zvebhuku raIsaya tinodzidza zvatingaita kuti titsvenese zita raJehovha. Muzvitsauko izvozvo, zvinoita sekuti pane nyaya iri mudare. Nyaya yacho ndeyekuratidza kuti Mwari wechokwadi ndiani. Jehovha anokumbira vaya vanozviti vanamwari kuti vauye neuchapupu hunoratidza kuti ndivanamwari zvechokwadi. Anokumbirawo vaya vanonamata vanamwari ivavo kuti vauye neuchapupu hunoratidza kuti vanamwari vavo ndevechokwadi. Asi hapana anokwanisa kuita izvozvo!—Verenga Isaya 43:9; 44:​7-9.

Tinoratidza kuti hakuna mumwe Mwari kunze kwaJehovha kuburikidza nezvatinotaura uye nezvatinoita (Ona ndima 10-11)


11. Maererano naIsaya 43:​10-12, Jehovha akati kudii nezvevanhu vake?

11 Verenga Isaya 43:​10-12. Jehovha anotaura nezvevanhu vake achiti: “Imi muri zvapupu zvangu, . . . uye ini ndini Mwari.” Jehovha anovakumbira kuti vapindure mubvunzo uyu wekuti: “Kune mumwe Mwari kunze kwangu here?” (Isa. 44:8) Saka tine ropafadzo yekupindura mubvunzo iwoyo. Nezvatinoita uye zvatinotaura, tinogona kupupura kuti Jehovha ndiye ega Mwari wechokwadi. Zita rake rakakwirira kupfuura mamwe mazita ese. Tinoratidza nemararamiro atinoita kuti tinonyatsoda Jehovha uye kuti takavimbika kwaari, pasinei nezvingaedza kuitwa naSatani achida kutinetesa. Patinodaro, tinoratidza kuti tinoda kutsvenesa zita raJehovha.

12. Uprofita huri pana Isaya 40:​3, 5 hwakazadziswa sei?

12 Patinoreverera zita raJehovha kana kuti mukurumbira wake, tinenge tichitevedzera Jesu Kristu. Isaya akaprofitawo kuti paizova nemunhu ‘aizovhura [kana kuti ‘aizogadzira’] nzira yaJehovha.’ (Isa. 40:​3, mashoko emuzasi) Mashoko iwayo akazadziswa sei? Johani Mubhabhatidzi akagadzira nzira yaJesu, asi aitogadzira nzira yaJehovha nekuti Jesu akauya muzita raJehovha uye akataura muzita raJehovha. (Mat. 3:3; Mako 1:​2-4; Ruka 3:​3-6) Uprofita humwe chete ihwohwo hunoti: “Kukudzwa kwaJehovha kucharatidzwa.” (Isa. 40:5) Izvozvo zvakaitika sei? Jesu paakauya panyika, akanyatsomiririra Jehovha zvekuti zvaiita sekuti Jehovha pachake akanga auya panyika.—Joh. 12:45.

13. Tingatevedzera sei Jesu?

13 Kungofanana naJesu, tiri zvapupu zvaJehovha. Tinozivikanwa nezita raJehovha uye tinoudzawo vamwe nezvemabasa ake anoshamisa. Asi kuti tikwanise kunyatsoita izvi, tinofanira kuudzawo vamwe zvese zvakaitwa naJesu pakutsvenesa zita raJehovha. (Mab. 1:8) Jesu ndiye Chapupu chikuru chaJehovha, uye tinotevedzera muenzaniso wake. (Zvak. 1:5) Asi zvii zvimwe zvatingaita kuti tiratidze kuti zita raJehovha rinokosha chaizvo kwatiri?

ZVATINGAITA KUTI TIRATIDZE KUTI TINOKOSHESA ZITA RAJEHOVHA

14. Sezvinotaurwa pana Pisarema 105:​3, tinonzwa sei nezvezita raJehovha?

14 Tinodada nezita raJehovha. (Verenga Pisarema 105:3.) Jehovha anofara chaizvo patinozvirumbidza pamusoro pezita rake. (Jer. 9:​23, 24; 1 VaK. 1:31; 2 VaK. 10:17) ‘Kuzvirumbidza muna Jehovha’ kunoreva kuti tinodada naJehovha saMwari wedu. Tinoiona iri ropafadzo chaiyo kukudza zita rake uye kureverera mukurumbira wake. Hatifaniri kumbonyara kuudza vatinoshanda navo, vatinodzidza navo, vavakidzani vedu nevamwewo kuti tiri Zvapupu zvaJehovha! Dhiyabhorosi anoda kuti tirege kuudza vamwe nezvezita raJehovha. (Jer. 11:21; Zvak. 12:17) Satani nevaprofita vake venhema vanotoda kuti vanhu vakanganwe zita raJehovha. (Jer. 23:​26, 27) Asi kuda kwatinoita zita raJehovha kunoita kuti ‘tiswere’ tichipembera muzita rake.—Pis. 5:11; 89:16.

15. Zvinorevei kudana zita raJehovha?

15 Tinoramba tichidana zita raJehovha. (Joe. 2:32; VaR. 10:​13, 14) Kudana zita raJehovha hakungogumiri pakuriziva uye kurishandisa. Tinofanira kusvika pakuziva Mwari sezvaari, kudzidza kuvimba naye, uye tinotsvaga kubatsirwa uye kutungamirirwa naye muupenyu hwedu. (Pis. 20:7; 99:6; 116:4; 145:18) Tinozivisawo vamwe zita raMwari uye tinovaudza nezvekunaka kwake, tichivabatsira kuti vapfidze zvivi zvavo uye vatore matanho anoita kuti vafarirwe naJehovha.—Isa. 12:4; Mab. 2:​21, 38.

16. Tingaratidza sei kuti Satani murevi wenhema?

16 Takazvipira kutambura nekuda kwezita raJehovha. (Jak. 5:​10, 11) Patinoramba takavimbika kuna Jehovha pasinei nekutambudzwa, tinenge tichiratidza kuti Satani murevi wenhema. Mumazuva aJobho, Satani achitaura nezvevashumiri vaJehovha akati: “Munhu achapa zvese zvaainazvo achiitira upenyu hwake.” (Job. 2:4) Satani aireva kuti vanhu vanongoshumira Jehovha kana zvinhu zvakavanakira asi kana vakaomerwa nezvinhu, vanosiya Jehovha. Jobho akaratidza kuti zvaitaurwa naSatani zvaiva zvenhema. Nesuwo tine ropafadzo yekuratidza kuti pasinei nezvingaitwa naSatani kwatiri, hatizombofi takasiya Jehovha. Tine chivimbo chakazara chekuti Jehovha acharamba achitichengetedza nekuda kwezita rake.—Joh. 17:11.

17. Sezvinotaurwa pana 1 Petro 2:​12, ndezvipi zvimwe zvatinogona kuita kuti zita raJehovha rikudzwe?

17 Tinoratidza kuti tinoremekedza zita raJehovha. (Zvir. 30:9; Jer. 7:​8-11) Nemhaka yekuti tinomiririra Jehovha uye tinodanwa nezita rake, zvatinoita zvinogona kuita kuti zita rake rikudzwe kana kuti risakudzwe. (Verenga 1 Petro 2:12.) Saka tinoda kuita zvese zvatinogona kuti tirumbidze zita raJehovha nezvatinotaura uye nezvatinoita. Kana tikadaro, pasinei nekuti tine chivi, tinogona kuita kuti zita raJehovha rikudzwe.

18. Ndeipi imwe nzira yatinogona kuratidza nayo kuti tinokoshesa zita raJehovha? (Onawo mashoko emuzasi.)

18 Tinonyanya kukoshesa zita raJehovha kupfuura maonerwo atinoitwa nevanhu. (Pis. 138:2) Nei izvozvo zvichinyanya kukosha? Nekuti patinoita zvinhu zvinofadza Jehovha kazhinji vamwe vanhu vanogona kusazvifarira uye vanogona kutaura zvakaipa nezvedu. a Jesu paakafa vanhu vaimuona semunhu akapara mhosva uye vaitaura zvakaipa nezvake. Asi Jesu akanga akazvipira kufa rufu irworwo rwainyadzisa achiitira kuti zita raJehovha rikudzwe. Akanga ‘asina basa nekunyadziswa’ pakuti haana kunyanya kunetseka kana kunyanya kuzvidya mwoyo pamusoro pezvinhu zvaifungwa nevamwe nezvake. (VaH. 12:​2-4) Akanga akaisa pfungwa dzake pakuita kuda kwaMwari.—Mat. 26:39.

19. Unonzwa sei nezvezita raJehovha, uye nei uchinzwa saizvozvo?

19 Tinodada nezita raJehovha uye tinofara kushevedzwa kuti Zvapupu zvaJehovha. Nemhaka yekuti zita raJehovha rinokosha chaizvo kwatiri, tinoramba tichimurumbidza pasinei nekuti vamwe vangatitarisira pasi. Zita raJehovha rinokosha chaizvo kwatiri kupfuura maonerwo atinoitwa nevanhu. Saka ngatirambei tichirumbidza zita raJehovha pasinei nezvingaitwa naSatani kuti atitadzise kudaro. Kana tikadaro, tinoratidza kuti zita raJehovha rinokosha chaizvo kwatiri, sekungokosha kwaraiita kuna Jesu Kristu.

RWIYO 10 Rumbidzai Jehovha, Mwari Wedu!

a Kunyange zvazvo Jobho aiva murume akatendeka, shamwari dzake nhatu padzakatanga kutaura kuti ane zvinhu zvaakanga atadza, akatanga kunyanya kuisa pfungwa pamaonerwo aaiitwa nevamwe. Pakutanga, paakarasikirwa nevana vake uye zvinhu zvake, “Jobho haana kutadza kana kupa Mwari mhosva.” (Job. 1:22; 2:10) Asi Jobho paakazopomerwa kuti ane zvakaipa zvaakaita, akatanga kutaura mashoko “ekuvhurumuka.” Akanyanya kuisa pfungwa pakureverera zita rake kupfuura kutsveneswa kwezita raMwari kana kuti mukurumbira waMwari.—Job. 6:3; 13:​4, 5; 32:2; 34:5.