ZVAUNOGONA KUDZIDZA
Kunyatsodzidza Kuchakubatsira Kuti Urambe Wakamuka
Verenga Dhanieri 9:1-19 kuti uone kukosha kwekunyatsodzidza.
Ongorora zvaiitika. Ndezvipi zvainge zvichangobva kuitika, uye zvakaita kuti Dhanieri anzwe sei? (Dhan. 5:29–6:5) Ungadai wakanzwa sei kudai uri iwe Dhanieri?
Tsvakurudza. ‘Mabhuku api matsvene’ angangodaro akaverengwa naDhanieri? (Dhan. 9:2, mashoko emuzasi; w11 1/1 22 ¶2) Nei Dhanieri akareurura zvivi zvake uye zverudzi rwese rwaIsraeri? (Revh. 26:39-42;1 Madz. 8:46-50; dp 182-184) Munyengetero waDhanieri unoratidza sei kuti ainyatsodzidza Shoko raMwari?—Dhan. 9:11-13.
Tsvaga zvidzidzo zvacho. Zvibvunze kuti:
-
‘Ndingaitei kuti ndisatsauswe nezviri kuitika munyika?’ (Mika 7:7)
-
‘Ndinobatsirwa sei nekunyatsodzidza Shoko raMwari sezvaiita Dhanieri?’ (w04 8/1 12 ¶17)
-
‘Inyaya dzipi dzandinogona kudzidza ndiri ndega dzichandibatsira kuti ‘ndirambe ndakarinda’?’ (Mat. 24:42, 44; w12 8/15 5 ¶7-8)