Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEUPENYU

Jehovha Akandikomborera Kupfuura Zvandaitarisira

Jehovha Akandikomborera Kupfuura Zvandaitarisira

NDAIDA kupayona. Asi ndainetseka kuti kupayona kwaizondinakidza here. Basa rangu randaiita muGermany ndairida. Ndaiona nezvekutumirwa kwezvekudya munzvimbo dzemuAfrica, dzakadai seDar es Salaam, Elisabethville, neAsmara. Handina kumbofunga kuti rimwe zuva ndaizoshumira Jehovha mubasa renguva yakazara munzvimbo idzodzo nedzimwewo dzakawanda dzemuAfrica!

Pandakazotanga kupayona, upenyu hwangu hwakachinja zvandaisatarisira. (VaEf. 3:20) Asi mungashamisika kuti izvozvo zvakaitika sei. Regai ndikuudzei kubvira kwekutanga.

Ndakaberekwa muna 1939 muBerlin, kuGermany, mwedzi mishomanana Hondo Yenyika II yatanga. Hondo payakanga yava kupera muna 1945, Berlin yaigara ichibhombwa nendege. Rimwe bhomba rakadonhera mumugwagwa wataigara, uye takatiza tikapinda muchiimba chekuhwanda mabhomba. Takazobva munzvimbo iyoyo nekuti makanga musina kunyatsochengeteka, tikanogara kuErfurt, kwakaberekerwa amai vangu.

Ndiine vabereki vangu nehanzvadzi yangu kuGermany, munenge muna 1950

Amai vaitsvaga chokwadi nemwoyo wese, saka vaiongorora zvitendero zvakasiyana-siyana uye vaiverenga mabhuku akanyorwa navanamazvikokota vedzidzo, asi havana kugutsikana. Munenge muna 1948, Zvapupu zvaJehovha zviviri zvakasvika pamba pedu. Amai vakavati vapinde mumba uye vakavabvunza mibvunzo yakawanda. Pasati patombopera awa imwe chete, amai vakabva vaudza ini nehanzvadzi yangu kuti, “Ndawana chokwadi!” Kubvira ipapo, amai vakatanga kupinda misangano kuErfurt neni nehanzvadzi yangu.

Muna 1950, takadzokera kuBerlin, kwatakanopinda neungano yeBerlin-Kreuzberg. Takatamazve tichienda kune imwe nzvimbo muBerlin imomo, tikanopinda neungano yeBerlin-Tempelhof. Nekufamba kwenguva, amai vakabhabhatidzwa asi ini ndaizeza. Chii chaiita kuti ndizeze?

ZVANDAKAITA KUTI NDISARAMBA NDICHINYARA

Zvaindiomera kuti ndifambire mberi pakunamata nekuti ndainyara chaizvo. Ndakaita makore maviri ndichibuda muushumiri nevamwe, asi handina munhu wandakamboparidzira. Zvinhu zvakazochinja pandakatanga kuzivana nehama nehanzvadzi dzakanga dzaratidza ushingi uye kuzvipira kuna Jehovha. Vamwe vavo vaimbova mumisasa yevasungwa yeNazi kana kuti mumajeri kuEast Germany. Vamwe vaipinza mabhuku muEast Germany zvepachivande kunyange zvazvo zvaigona kuvasungisa. Zvaiitwa nehama nehanzvadzi idzi zvakandibaya mwoyo. Ndakatanga kufunga kuti kana vakaisa upenyu hwavo pangozi uye vakazvipira kugara mujeri nekuti vaida Jehovha nehama dzavo, iniwo ndinofanira kuedza zvandinogona kuti ndisanyanya kunyara.

Kunyara kwangu kwakatanga kupera patakaita mushandirapamwe wekuparidza muna 1955. Mutsamba yakabudiswa muInformant, * Hama Nathan Knorr vakazivisa kuti mushandirapamwe wacho waiva pakati pemimwe mikuru yakamboitwa nesangano. Vakataura kuti kana vaparidzi vese vakaita basa iri, “mwedzi uyu ndiwo uchashandwa kupfuura mimwe yese pabasa rekuparidza.” Izvi ndizvo chaizvo zvakaitika! Pasina nguva ndakazvitsaurira kuna Jehovha, uye muna 1956, ndakabhabhatidzwa pamwe chete nababa vangu nehanzvadzi yangu. Asi ndakabva ndaona kuti ndaifanira kuita chimwe chisarudzo chinokosha.

Kwemakore, ndaiziva kuti kupayona ndiro basa rakanaka randaifanira kuita, asi ndairamba ndichingoverengera. Ndakatanga kudzidzira basa rekutenga nekutengesa zvinhu kune dzimwe nyika. Pandakapedza kosi yacho, ndaida kumboshanda kuti ndiwedzere unyanzvi hwebasa rangu ndisati ndatanga kupayona. Saka muna 1961, ndakatanga kushanda muHamburg, guta guru kupfuura mamwe ese ane zviteshi zvengarava muGermany. Kunakidzwa kwandaiitwa nebasa iri kwakaita kuti ndirambe ndichiverengera kupinda mubasa renguva yakazara. Ndaizoita sei?

Ndinotenda chaizvo kuti Jehovha akandibatsira achishandisa hama dzine rudo kuti ndione kuti kumushumira ndiko kunonyanya kukosha. Shamwari dzangu dzakawanda dzainge dzava kutopayona uye izvozvo zvakandikurudzira. Uyewo Hama Erich Mundt, avo vaimbova mumusasa wevasungwa vakandikurudzira kuti ndivimbe naJehovha. Vakati pavaiva mumusasa wevasungwa, hama dzaizvivimba dzakapedzisira dzaneta. Asi vaya vainyatsovimba naJehovha vakaramba vakatendeka uye vakazova mbiru muungano.

Pandakatanga kupayona, muna 1963

Hama Martin Poetzinger, avo vakazoshumira muDare Rinotungamirira vakarambawo vachikurudzira hama vachiti, “Ushingi ndiyo pfuma inonyanya kukosha yaungava nayo!” Pandakafungisisa mashoko aya, ndakasiya basa rangu ndikatanga kupayona muna June 1963. Ichi chaiva chisarudzo chakanakisisa chandakaita! Pashure pemwedzi miviri, ndisati ndatombotanga kutsvaga rimwe basa, ndakanzi ndinoshumira sapiyona chaiye. Papera makore mashoma, Jehovha akaita zvandaisambotarisira. Ndakakokwa kuChikoro cheGiriyedhi mukirasi yechi44.

CHIDZIDZO CHINOKOSHA CHANDAKAWANA KUGIRIYEDHI

Chidzidzo chinonyanya kukosha chandakadzidza kuna Hama Nathan Knorr naHama Lyman Swingle chaiva chekuti, “Usakurumidza kukanda mapfumo pasi pabasa rako reumishinari.” Vakatikurudzira kuramba tichiita mabasa edu kunyange zvikaoma sei. Hama Knorr vakati: “Uchaisa pfungwa dzako pachii? Paguruva, patupukanana, paurombo here? Kana kuti uchacherechedza miti, maruva uye vanhu vari kufara here? Dzidza kuda vanhu vacho!” Rimwe zuva Hama Swingle pavaitaura kuti nei dzimwe hama dzaikurumidza kusiya mabasa adzo, vakarwadziwa zvekuti misodzi yakatanga kuyangarara mumaziso avo. Vakatombomira kutaura kusvikira vava kunzwa zviri nani. Zvakandibaya mwoyo zvekuti ndakati handimbodi kurwadzisa Kristu kana hama dzake dzakatendeka.—Mat. 25:40.

Ini, Claude, naHeinrich tiri mamishinari muLubumbashi, Congo, muna 1967

Patakaudzwa kwataienda kunoshumira tiri, dzimwe hama dzepaBheteri dzakatibvunza kuti taienda kupi. Vakataura zvakanaka nezvenyika imwe neimwe kusvikira pandakazoti: “Congo (Kinshasa).” Vakamboti zii, vachibva vazongoti: “Hoo, kuCongo! Jehovha ngaave newe!” Panguva iyoyo, nhau ndaiwanzotaura kuti kuCongo (Kinshasa) kwaiva nehondo uye vanhu vaiurayana. Asi ndakaramba ndichifunga zvandakanga ndadzidza. Tichangogirajuweta muna September 1967, ini naHeinrich Dehnbostel, naClaude Lindsay, takabva taenda kuKinshasa, guta guru reCongo.

KUDZIDZA ZVAKAWANDA MUBASA REUMISHINARI

Patakasvika muKinshasa, takaita mwedzi mitatu tichidzidza chiFrench. Takabva taenda nendege kuLubumbashi, yaimbonzi Elisabethville, pedyo nemuganhu weZambia kumaodzanyemba kweCongo. Takanogara muimba yemamishinari yaiva pakati peguta racho.

Sezvo nzvimbo zhinji dzemuLubumbashi dzainge dzisati dzamboparidzirwa, zvakatifadza kuti taiva vekutanga kuparidzira vanhu vakawanda vemo. Pasina nguva vadzidzi vedu veBhaibheri vainge vawandisa zvekuti tainge tisisakwanisi kuvadzidzisa vese. Taiparidzirawo vakuru vakuru vehurumende kana kuti vemapurisa. Vakawanda vairemekedza chaizvo Shoko raMwari uye basa redu rekuparidza. Vanhu vacho vainyanya kutaura chiSwahili, saka ini naClaude Lindsay takabva tadzidza mutauro iwowo. Pasina nguva takanzi tipinde neungano yeSwahili.

Kunyange zvazvo tainakidzwa neushumiri hwedu, taisanganawo nematambudziko. Kazhinji kacho tainetswa nemasoja ainge akadhakwa kana mapurisa, achitipomera zvinhu zvatinenge tisina kuita. Mumwe musi mapurisa aiva nepfuti akapinda mataiitira musangano paimba yemamishinari achibva atiendesa kukamba yavo huru kwatakanogariswa pasi kusvika na10 dzemanheru patakazobudiswa.

Muna 1969, ndakanzi ndiite basa remudunhu. Pandaiva mudunhu iroro, ndaiitawo zvinoitwa nevakawanda muAfrica zvakadai sekufamba nzendo dzakareba netsoka, mutunzira twune matope twunopinda nemuuswa hwakareba. Mune mumwe musha wandakagara, pasi pemubhedha wangu pakarara huku nevana vayo. Handifi ndakakanganwa ruzha rwayakaita ndichibva ndamuka kuchiine rima. Ndinogara ndichifunga nguva dzataitandara nehama manheru tichitaura nyaya dzemuBhaibheri tichidziya moto.

Rimwe rematambudziko makuru atakasangana nawo raiva revanhu vainyepera kuva hama, avo vaiva vechikwata chainzi Kitawala. * Vamwe vavo vakatobhabhatidzwa vakagadzwa sevakuru muungano. Vazhinji vevanhu ava, avo vainge vakaita ‘sematombo akahwanda’ havana kukwanisa kunyengedza hama nehanzvadzi dzakatendeka. (Jud. 12) Jehovha akazochenesa ungano dzake, uye vakawanda vakatanga kuuya muchokwadi.

Muna 1971, ndakanzi ndishande pahofisi yebazi muKinshasa, pandakaita mabasa akasiyana-siyana akadai sekunyora matsamba, kuodha mabhuku, uye kushanda mudhipatimendi rebasa. PaBheteri ndakadzidza kuronga basa munyika yakakura yainge isina kubudirira mune zveupfumi. Tsamba dzedu dzaiwanzotora mwedzi yakawanda kuti dzisvike kuungano. Dzaizobviswa mundege dzichiiswa muzvikepe izvo zvaizoita mavhiki zvichitadza kufamba zvabatwa nemasora emumvura. Kunyange zvakadaro, basa racho raiitwa pasinei nematambudziko aya nemamwewo.

Zvakandishamisa kuona hama dzichironga magungano akakura kunyange zvazvo taisava nemari yakawanda. Vaigadzira churu chova chikuva, vaiita musasa weuswa, uye vaigara pauswa hwainge hwakasungwa mwanda. Vaishandisa mashenjere sematanda ekuvakisa uye vaishandisa maponde sematenga ezvivakwa zvacho kana kuti sematafura. Sezvo vaisava nezvipikiri, vaishandisa rwodzi kusunga misasa yavaigadzira. Ndaiyemura kushanda nesimba uye unyanzvi hwaiva nehama nehanzvadzi idzi. Izvi zvakaita kuti ndivade nemwoyo wese. Ndakavasuwa chaizvo pandakanzi ndinoshanda kune imwe nyika!

KUSHUMIRA KUKENYA

Muna 1974, ndakanzi ndinoshandira kuhofisi yebazi iri muNairobi, kuKenya. Taiva nezvakawanda zvekuita sezvo bazi reKenya raiona nezvebasa rekuparidza mune dzimwe nyika 10 dzaiva pedyo. Mune dzimwe dzenyika idzi, basa redu rainge rakabhanwa. Ndaiwanzotumwa kuti ndishanyire nyika idzi, kunyanya kuEthiopia uko kwaitambudzwa hama dzedu uye kwadzaisangana nemiedzo yakaoma. Vakawanda vavo vaiitirwa utsinye kana kuiswa mumajeri; vamwe vakatourayiwa. Asi vakatsungirira vakaramba vakatendeka nekuti vaida Jehovha uye vaidanana.

Muna 1980, upenyu hwangu hwakachinja zvinofadza pandakachata naGail Matheson, anobva kuCanada. Ini naGail taiva mukirasi imwe chete yeChikoro cheGiriyedhi. Taigara tichinyorerana tsamba. Gail aiva mumishinari kuBolivia. Papera makore 12, takaonana zvakare muNew York. Pasina nguva, takabva tachata muKenya. Ndinotenda chaizvo kuti Gail munhu anoedza kuona zvinhu semaonero anoita Jehovha uye anogutsikana nezvaainazvo. Nanhasi achiri kunditsigira uye anondida chaizvo.

Muna 1986, ini naGail takanzi tiite basa rekufambira, asi panguva imwe chete ndaiva zvakare muDare reBazi. Basa racho rekufambira raisanganisira kunoshumira ndiri munyika dzakawanda dzaiva pasi pebazi reKenya.

Ndichipa hurukuro pagungano muAsmara, muna 1992

Ndichiri kuyeuka tichigadzirira gungano muAsmara (iri muEritrea) muna 1992 basa redu parainge risati rabhanwa munyika iyoyo. Takawana zimba raichengeterwa zvinhu rainge rakashata kunze nemukati. Pazuva regungano, ndakashamiswa nekugadzirwa kwainge kwaitwa mukati macho nehama kuti muve nzvimbo yakakodzera kunamatirwa Jehovha. Mhuri dzakawanda dzakanga dzauya nemachira akanaka akashandiswa kunyatsovhara zvinhu zvese zvainge zvisingaratidziki zvakanaka. Takanakidzwa chaizvo pagungano iroro, uye rakapindwa nevanhu 1 279.

Basa redunhu rainge rakasiyana nemamwe ese atainge taita nekuti pekugara pacho paisiyana-siyana. Pane imwe nguva takagara muimba hombe yakanaka chaizvo yaiva pedyo nenyanza; pamwe pacho takagara muimba yemarata ega ega munzvimbo yaigara vashandi, uye zvimbudzi zvacho zvaiva kure nemamita anopfuura 100. Asi pasinei nekwataiva, tinonyanya kufara patinoyeuka mazuva ataiswera tichiparidza nemapiyona nevaparidzi vaishingaira. Pataipiwa rimwe basa, taisiya shamwari dzedu dzakawanda dzataizosuwa chaizvo.

MAKOMBORERO ATAKAWANA MUETHIOPIA

Kubva muna 1987 kusvika muna 1992, basa redu rakabvumirwa zviri pamutemo munyika dzakawanda dzaiva pasi pebazi reKenya. Izvi zvakaita kuti pave nemahofisi emapazi uye mune dzimwe nyika mahofisi anoona nezvebasa redu. Muna 1993, takanzi tinoshumira tiri kuhofisi yekuAddis Ababa, kuEthiopia, kwainge kwava kubvumirwa kuti basa redu riitwe zviri pamutemo pashure pemakumi emakore richiitwa pachivande.

Ndiri mubasa rekufambira kumaruwa muEthiopia, muna 1996

Jehovha akakomborera basa redu muEthiopia. Hama nehanzvadzi dzakawanda dzakatanga kupayona. Kubva muna 2012, gore rega rega vaparidzi vanopfuura 20 muzana vanenge vari mapiyona enguva dzese. Vamwewo vakadzidza muzvikoro zvesangano, uye Dzimba dzeUmambo dzinopfuura 120 dzakavakwa. Muna 2004, mhuri yeBheteri yakanogara pamahofisi matsva, uye chimwewo chikomborero ndecheImba Yemagungano yakavakwa panzvimbo imwe chete iyoyo.

Ini naGail takava neushamwari hwepedyo nehama nehanzvadzi dzedu dzakawanda dzemuEthiopia. Tinodzida chaizvo nekuti dzine rudo. Iye zvino utano hwedu hahusisina kumira zvakanaka, saka takanzi tinoshandira kubazi reCentral Europe. Tiri kuchengetwa hedu zvakanaka, asi tinosuwa chaizvo shamwari dzedu dzemuEthiopia.

JEHOVHA AKAITA KUTI ZVIKURE

Takaona kuti Jehovha akaita sei kuti basa rake riwedzere. (1 VaK. 3:6, 9) Semuenzaniso, pandakatanga kuparidzira vanhu vekuRwanda vaichera kopa muCongo, muRwanda makanga musina kana muparidzi mumwe chete. Iye zvino mava nehama nehanzvadzi dzinopfuura 30 000. Muna 1967, muCongo (Kinshasa) maiva nevaparidzi vanenge 6 000. Iye zvino mava nevaparidzi vanenge 230 000, uye vanhu vanopfuura miriyoni vakapinda Chirangaridzo muna 2018. Munyika dzese dzaiva pasi pebazi reKenya, vaparidzi vava kupfuura 100 000.

Makore anopfuura 50 adarika, Jehovha akashandisa hama dzakasiyana-siyana kuti dzindibatsire kupinda mubasa renguva yakazara. Kunyange zvazvo ndichiri munhu anonyara, ndakadzidza kunyatsovimba naJehovha. Kugara kwandakaita muAfrica kwakandidzidzisa kuva nemwoyo murefu uye kugutsikana. Ini naGail tinoyemura hama nehanzvadzi dzinoratidza chido chakakura chekugamuchira vaenzi, dzinotsungirira matambudziko akakura, uye dzinovimba naJehovha. Ndinotenda chaizvo nyasha dzake. Chokwadi, Jehovha akandikomborera kupfuura zvandaitarisira.—Pis. 37:4.

^ ndima 11 Yakazonzi Ushumiri Hwedu hwoUmambo, uhwo hwakatsiviwa neUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa.

^ ndima 23 Shoko rekuti “Kitawala” rinobva pashoko rechiSwahili rinoreva kuti “kuva nesimba pamusoro pevamwe, kutungamirira, kutonga.” Vanhu vechikwata ichi vaiita zvematongerwo enyika, uye chinangwa chavo chaiva chekusunungura nyika yavo pautongi hweBelgium. Vanhu veKitawala vaitora mabhuku eZvapupu zvaJehovha, voadzidza, voapa vanhu uye vaimonyorora dzidziso dzeBhaibheri kuti vatsigire maonero avaiita zvematongerwo enyika, kutenda mashura uye unzenza hwavaiita.