NYAYA YEKUDZIDZA 6
RWIYO 18 Kutenda Kudzikinurwa Kwatakaitwa
Tinotenda Chaizvo Kuregererwa Kwatinoitwa naJehovha
“Mwari akada nyika kwazvo zvekuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga.”—JOH. 3:16.
ZVATICHADZIDZA
Tinoda kuwedzera kukoshesa kuregererwa kwatinoitwa naJehovha. Saka tichadzidza zvakaitwa naJehovha kuti zvivi zvedu zviregererwe.
1-2. Ndepapi patakafanana nemukomana ataurwa nezvake mundima 1?
NGATITII pane mukomana akakurira mumhuri ine mari. Rimwe zuva anonzwa kuti vabereki vake vafa mutsaona. Anorwadziwa chaizvo. Asi anotowedzera kurwadziwa paanonzwa kuti vabereki vake vakadya pfuma yese yemhuri uye vakasiya zvikwereti zvakakura. Pane kuti asare neupfumi hwavo, anosara nezvikwereti zvavo, uye vanhu vezvikwereti vari kutoda kubhadharwa. Mukomana wacho anosara nechikwereti chakakura zvekuti haafi akakwanisa kuchibhadhara.
2 Tinogona kuti takafanana nemukomana uyu pakuti vabereki vedu vekutanga, Adhamu naEvha, vakanga vasina chivi uye vaigara muparadhiso yakanaka. (Gen. 1:27; 2:7-9) Vaiva nemukana wekurarama nekusingaperi vachifara. Asi vakatambisa mukana wacho. Izvi zvakaita kuti vadzingwe mumunda weEdheni uye vakanga vasingachakwanisi kurarama nekusingaperi. Saka chii chavakasiyira vana vavaizobereka? Bhaibheri rinoti: “Chivi chakapinda munyika nemunhu mumwe chete [Adhamu] uye rufu rwakapinda nechivi, rufu rukabva rwapararira kuvanhu vese nekuti vese vakanga vatadza.” (VaR. 5:12) Adhamu akatisiyira chivi icho chinoita kuti tife. Chivi ichocho chakaita sechikwereti chakakura chatisingambofi takakwanisa kubhadhara.—Pis. 49:8.
3. Nei zvivi zvedu zvichigona kufananidzwa ‘nezvikwereti’?
3 Jesu akafananidza zvivi ‘nezvikwereti.’ (Mat. 6:12; Ruka 11:4; mashoko emuzasi) Patinoita chivi, tinoita sekuti taita chikwereti kuna Jehovha. Kana tikasabatsirwa, hatikwanisi kubhadhara chikwereti chacho uye patinofa ndipo chete pachinodzimwa.—VaR. 6:7, 23.
4. (a) Chii chaizoitika kuvatadzi vese kudai pasina anovabatsira? (Pisarema 49:7-9) (b) Shoko rekuti “chivi” semashandisirwo arinoitwa muBhaibheri rinorevei? (Ona bhokisi rakanzi “ Chivi.”)
4 Zvinoita here kuti tiwane zvese zvakanga zviina Adhamu naEvha vasati vatadza? Hatizvikwanisi tiri tega. (Verenga Pisarema 49:7-9.) Kudai tisina anotibatsira, taisazova netariro yekurarama mune ramangwana kana kuti yekumutswa. Kufa kwedu kwaizongofanana nekufa kunoita mhuka.—Mup. 3:19; 2 Pet. 2:12.
5. Baba vedu vane rudo vakatibatsira sei pakubhadhara zvivi zvedu? (Ona mufananidzo .)
5 Funga nezvemukomana ambotaurwa nezvake patangira nyaya ino. Aizonzwa sei kudai mumwe munhu akapfuma aizoti aida kumubhadharira chikwereti chake chese? Zviri pachena kuti mukomana wacho aizotenda chaizvo, obvuma kubatsirwa. Izvi ndizvo zvakaitwa naBaba vedu vane rudo, Jehovha, pakubhadhara chivi chatakasiyirwa naAdhamu. Jesu akatsanangura nezvazvo achiti: “Mwari akada nyika kwazvo zvekuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wese anotenda maari arege kuparadzwa asi ave neupenyu husingaperi.” (Joh. 3:16) Uyewo chipo ichi chinoita kuti tikwanise kuva neushamwari naJehovha.
6. Chii chatichakurukura munyaya ino uye izvozvo zvichatibatsira sei?
6 Tingaitei kuti tibatsirwe nechipo ichi chinoshamisa icho chinoita kuti tiregererwe zvivi zvedu? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, tichakurukura mashoko eBhaibheri akasiyana-siyana uye zvaanoreva. Patinofungisisa zvakaitwa naJehovha kuti atiregerere, tichawedzera kumutenda.
JEHOVHA ANODA KUTI TIVE SHAMWARI DZAKE
7. (a) Chii chimwe chakaitika kuna Adhamu naEvha pavakatadza? (b) Sezvo tiri vana vaAdhamu naEvha, chii chatinoda chaizvo kuti chiitike kwatiri? (VaRoma 5:10, 11)
7 Kuwedzera pakurasikirwa nemukana wekurarama nekusingaperi, Adhamu naEvha vakarasikirwawo neushamwari hwavaiva nahwo naBaba vavo, Jehovha. Vasati vatadza, Adhamu naEvha vaiva mumhuri yaMwari. (Ruka 3:38) Asi pavakarega kuteerera Jehovha, vakadzingwa mumhuri yake vasati vava nevana. (Gen. 3:23, 24; 4:1) Sezvo tiri vana vavo, tinofanira kuyananiswa naJehovha. (Verenga VaRoma 5:10, 11.) Izvi zvinoreva kuti ushamwari hwedu naMwari hunofanira kugadziriswa. Maererano nerimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri, shoko rechiGiriki rakashandurwa pano kuti “kuyanana” rinogona kureva “kuva neushamwari nemunhu aimbova muvengi.” Zvinoshamisa kuti Jehovha ndiye akatanga kutora danho rekuita kuti izvi zviitike. Akazviita sei?
MWARI AKAITA KUTI TIKWANISE KUVA SHAMWARI DZAKE
8. Jehovha akaita kuti pave neurongwa hupi?
8 Jehovha akaita kuti pave neurongwa hwekuti vanhu vane chivi vakwanise kuva shamwari dzake. Akaita kuti pave nenzira yekuwanazve zvakaraswa naAdhamu kuburikidza nekupa chimwe chinhu chakakosha zvakaenzana nechainge charaswa. Magwaro echiGiriki anotaurawo zvakaitwa naJehovha kuti tikwanise ‘kuyanana naye.’—VaR. 3:25.
9. Jehovha akaita kuti pave neurongwa hupi kuitira kuti zvivi zvevaIsraeri zvikwanise kuregererwa?
9 Kuti vaIsraeri vakwanise kuva neushamwari naye, Jehovha akaita kuti pave neurongwa hwekuti zvivi zvavo zviregererwe. Gore negore, vaIsraeri vaipemberera Zuva Rekuyananisira. Pazuva iroro, mupristi mukuru aipa zvibayiro zvemhuka achimiririra vanhu. Asi zvibayiro zvemhuka zvaisakwanisa kubvisa zvachose zvivi zvemunhu chero upi zvake nekuti mhuka dzakaderera pane vanhu. Asi vaIsraeri pavaipfidza vopa zvibayiro zvaidiwa naJehovha, aivaregerera zvivi zvavo. (VaH. 10:1-4) Zvibayiro zvavaipa paZuva Rekuyananisira uye pane dzimwe nguva zvakabatsira vaIsraeri kuti vaone kuti vaiva vatadzi uye kuti vaida chimwe chinhu chinonyatsofukidza zvivi zvavo zvachose.
10. Jehovha akaitei kuitira kuti zvivi zvevanhu zvikwanise kuregererwa zvachose?
10 Jehovha akaita urongwa hupi kuitira kuti zvivi zvevanhu zvikwanise kuregererwa zvachose? Akaronga kuti Mwanakomana wake waanoda ‘abayirwe kamwe chete zvikabva zvakwana kuti atakure zvivi zvevakawanda.’ (VaH. 9:28) Jesu akapa “upenyu hwake kuti adzikinure vanhu vazhinji.” (Mat. 20:28) Chii chinonzi rudzikinuro?
KUBHADHARWA KWERUDZIKINURO
11. (a) Nei paidiwa rudzikinuro? (b) Kuti rudzikinuro rwubhadharwe paizodiwa munhu akaita sei?
11 Maererano nezvinotaurwa neBhaibheri, Jehovha akaita kuti rudzikinuro rubhadharwe kuitira kuti zvivi zvedu zviregererwe uye kuti tive shamwari dzake. a Saka rudzikinuro rwaizobhadharwa nechii kuitira kuti vanhu vawane zvakaraswa naAdhamu? Yeuka kuti Adhamu naEvha vakarasikirwa neupenyu hwavo hwakanga husina chivi pamwe chete nemukana wekurarama nekusingaperi. Saka rudzikinuro rwaifanira kuva mubhadharo unoenderana nezvavainge varasikirwa nazvo. (1 Tim. 2:6) Rwaizongobhadharwa chete nemurume (1) aisava nechivi; (2) aikwanisa kurarama nekusingaperi panyika; uye (3) aiva akazvipira kurasikirwa neupenyu hwake achiitira isu. Upenyu hwemunhu iyeye ndihwo hwaizokwanisa kutsiva zvatainge tarasikirwa nazvo.
12. Nei Jesu aikwanisa kubhadhara rudzikinuro?
12 Funga zvikonzero zvitatu zvakaita kuti Jesu akwanise kubhadhara rudzikinuro. (1) Akaberekwa asina chivi, uye “haana kuita chivi.” (1 Pet. 2:22) (2) Sezvo akanga asina chivi, aikwanisa kurarama nekusingaperi panyika. (3) Ainge akazvipira kufa orasikirwa neupenyu ihwohwo achiitira isu. (VaH. 10:9, 10) Sezvo akanga asina chivi, Jesu ainge akafanana nemunhu wekutanga Adhamu, asati atadza. (1 VaK. 15:45) Saka paakatifira, Jesu akakwanisa kudzikinura vanhu pachivi chaAdhamu. (VaR. 5:19) Izvozvo zvakaita kuti Jesu ave “Adhamu wekupedzisira.” Saka hapadiwizve mumwe munhu asina chivi kuti auye kuzobhadhara rudzikinuro zvakare. Jesu akafa “kamwe chete zvikabva zvakwana.”—VaH. 7:27; 10:12.
13. Chii chinoita kuti tikwanise kuva neushamwari hwakanaka naJehovha?
13 Chii chinoita kuti tikwanise kuva neushamwari hwakanaka naJehovha? Jehovha akaita kuti pave neurongwa hwekuti zvivi zvedu zvikwanise kuregererwa. Jesu akapa upenyu hwake husina chivi kuti abhadhare rudzikinuro kuti zvivi zvedu zviregererwe.—VaEf. 1:7; VaH. 9:14.
JEHOVHA ANOTISUNUNGURA PACHIVI NERUFU UYE ANOTITI TAKARURAMA
14. Tava kuda kukurukurei?
14 Tinobatsirwa sei nezvatakaitirwa naJehovha? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, tichakurukura zvinorehwa nemamwe mashoko anoshandiswa muBhaibheri anotibatsira kunzwisisa kuti tinobatsirwa sei nekuregererwa kwatinoitwa naJehovha.
15-16. (a) Nei Bhaibheri richiti ‘takasunungurwa’? (b) Izvi zvinoita kuti tinzwe sei?
15 Bhaibheri rinoti takasunungurwa nekuti rudzikinuro rwakabhadharwa. Muapostora Petro akazvitsanangura achiti: “Munoziva kuti hamuna kusunungurwa [kana kuti kudzikinurwa] nezvinhu zvinoora, nesirivha kana goridhe, pamararamiro enyu asingabatsiri akabva kumadzitateguru enyu. Asi neropa rinokosha raKristu, rakaita seregwayana rakanaka uye risina kana pakaipa.”—1 Pet. 1:18, 19; mashoko emuzasi.
16 Chibayiro cherudzikinuro chinoita kuti tisunungurwe pachivi nerufu izvo zvinokonzera kutambura kwakanyanya. (VaR. 5:21) Tinotenda Jehovha naJesu chaizvo nekuti takadzikinurwa pachishandiswa ropa rinokosha raJesu, kana kuti upenyu hwake.—1 VaK. 15:22.
17-18. (a) Zvinorevei kunzi takarurama? (b) Izvi zvinotibatsira sei?
17 Bhaibheri rinoti vashumiri vaJehovha vanonzi vakarurama. Izvi zvinoreva kuti Jehovha haatarisiri kuti tibhadhare zvivi zvatinoita. Kunyange zvakadaro, matongero ake anoramba akarurama. Hapana chinhu chatakaita chinoita kuti tikodzere kunzi takarurama. Izvi hazvirevi kuti Jehovha anopembedza zvivi zvedu, asi anoda kutiregerera nekuti tine kutenda mune zvatakaitirwa naiye naJesu pakutipa rudzikinuro.—VaR. 3:24; VaG. 2:16.
18 Izvi zvinorevei kune mumwe nemumwe wedu? Vaya vakasarudzwa kuti vatonge naJesu kudenga vakatonzi vakarurama sevana vaMwari. (Tito 3:7; 1 Joh. 3:1) Zvivi zvavo zvakaregererwa. Zvinoita sekuti havana kumbobvira vatadza, uye vanokwanisa kuva muUmambo. (VaR. 8:1, 2, 30) Vaya vane tariro yekurarama panyika vakanzi vakarurama seshamwari dzaMwari, uye zvivi zvavo zvakaregererwawo. (Jak. 2:21-23) Boka guru iro richapona paAmagedhoni rine mukana wekusazombofa zvachose. (Joh. 11:26) “Vakarurama” uye “vasina kururama” avo vakafa, vachamutswa. (Mab. 24:15; Joh. 5:28, 29) Pakupedzisira vashumiri vese vaJehovha vanoteerera vari panyika, vachava “nerusununguko runobwinya rwevana vaMwari.” (VaR. 8:21) Tinotarisira nemufaro nguva iyi yatichava vana vasina chivi vaBaba vedu Jehovha!
19. Zvakaitwa naJehovha naJesu zvakachinja sei mamiriro edu ezvinhu? (Onawo bhokisi rakanzi “ Kuregererwa Kwatinoitwa naJehovha.”)
19 Kutaura chokwadi, mamiriro edu ezvinhu akanga akafanana neemukomana ambotaurwa nezvake uyo akarasikirwa nezvinhu zvese ndokusara aine chikwereti chaaisazombofa akakwanisa kubhadhara. Asi Jehovha akatibatsira. Iye zvino zvinhu zvachinja nekuti Jehovha akaita urongwa hwekuti zvivi zvedu zviregererwe uye Jesu akabhadhara rudzikinuro. Kutenda kwedu muna Jesu Kristu kunoita kuti tikwanise kudzikinurwa kana kuti kusunungurwa pachivi nerufu. Jehovha paanotiregerera zvivi zvedu, zvinoita sekuti hatina kumbobvira tatadza. Asi chinotokosha kupfuura zvese izvozvo ndechekuti tava kukwanisa kuva neushamwari hwakanaka naBaba vedu vekudenga vane rudo, Jehovha.
20. Chii chatichakurukura munyaya inotevera?
20 Tinotenda chaizvo Jehovha naJesu patinofungisisa zvavakatiitira. (2 VaK. 5:15) Kudai vasina kutibatsira tingadai tisina tariro zvachose! Asi kana zvichinzi Jehovha anotiregerera semunhu mumwe nemumwe, zvinenge zvichimbonyatsorevei? Izvozvo ndizvo zvatichakurukura munyaya inotevera.
RWIYO 10 Rumbidzai Jehovha, Mwari Wedu!
a Mune mimwe mitauro, shoko rekuti “rudzikinuro” rinoshandurwa pachishandiswa mashoko anoreva “mutengo weupenyu,” kana kuti “mubhadharo wakaitwa.”