ZVAUNGAITA PAKUDZIDZA
Nyatsobatsirwa Nemifananidzo
Mabhuku edu akazara nemifananidzo inotidzidzisa zvidzidzo zvinokosha. Zvii zvaungaita kuti unyatsobatsirwa nemifananidzo iyi?
-
Usati waverenga nyaya, tanga nekutarisa mifananidzo. Mifananidzo iyi inogona kuita kuti uve nechido chekuverenga nyaya yacho. Kana ukaona zvekudya zvinonaka unobva wanzwa kuda kuzvidya. Saizvozvowo, kana ukatanga watarisa mifananidzo iri munyaya yacho unogona kubva wanzwa kuda kuiverenga. Saka usati waverenga imwe nyaya zvibvunze kuti, ‘Zvii zvandiri kuona pamifananidzo?’—Amo. 7:7, 8.
-
Paunenge wava kuverenga nyaya yacho, ramba uchifunga kuti nei mifananidzo yacho yakaiswa. Verenga mashoko anotsanangura mufananidzo wacho kana aripo. Funga kuti mufananidzo wacho unobatana sei nenyaya iri kukurukurwa uye kuti ungashandisa sei zvawadzidza pamufananidzo wacho muupenyu hwako.
-
Kana wapedza kuverenga, shandisa mifananidzo kuti udzokorore pfungwa huru dzawadzidza. Edza kuyeuka mifananidzo yacho nemusoro uye kuti mufananidzo mumwe nemumwe wakudzidzisei.
-
Wadii wamboedza kutarisa mifananidzo iri mumagazini ino woona kana uchikwanisa kuyeuka zvawadzidza?