Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 16

RWIYO 87 Uyai Muzorodzwe!

Kuswedera Pedyo Nehama Nehanzvadzi Dzedu Kwakatinakira!

Kuswedera Pedyo Nehama Nehanzvadzi Dzedu Kwakatinakira!

“Tarisai kunaka kwazvakaita uye kufadza kwazvinoita kana hama dzichigara pamwe chete dzakabatana!”PIS. 133:1.

ZVATICHADZIDZA

Tichapiwa mazano ezvatingaita kuti tiwedzere kuswedera pedyo nehama nehanzvadzi dzedu uye tichadzidza nezvemakomborero akawanda atinowana patinova neushamwari hwepedyo navo.

1-2. Jehovha anokoshesei, uye anoda kuti tiitei?

 JEHOVHA anokoshesa chaizvo mabatiro atinoita vamwe vanhu. Jesu akadzidzisa kuti tinofanira kuda muvakidzani wedu sekuda kwatinozviita. (Mat. 22:​37-39) Izvozvo zvinosanganisira kubata zvakanaka kunyange vaya vatisinganamati navo. Patinoita izvozvo tinenge tichitevedzera Jehovha Mwari uyo ‘anoita kuti zuva rake ribudire vanhu vakaipa nevakanaka uye anoita kuti kunaye pavanhu vakarurama nevasina kururama.’—Mat. 5:45.

2 Kunyange zvazvo Jehovha achida vanhu vese, anotonyanya kuda vaya vanoita zvakanaka. (Joh. 14:21) Anoda kuti timutevedzere. Anotikurudzira kuti ‘tidanane kwazvo’ nehama nehanzvadzi dzedu. (1 Pet. 4:8; VaR. 12:10) Kudanana kuri kutaurwa apa kwakafanana nekuya kwatinoita hama yedu kana kuti shamwari yedu yepamwoyo.

3. Zvii zvatinofanira kuyeuka nezverudo?

3 Kuti ruva rikure zvakanaka tine zvakawanda zvatinofanira kuita. Saizvozvowo tine zvakawanda zvatinofanira kuita kuti kuda kwatinoita vamwe kuwedzere. Muapostora Pauro akaudza vaKristu kuti: “Rambai muchidanana sehama.” (VaH. 13:1) Jehovha anoda kuti tirambe tichiwedzera kuda vamwe. Nyaya ino ichakurukura kuti nei tichifanira kuwedzera kushamwaridzana nevanhu vatinonamata navo uye kuti tingaramba sei tichiita izvozvo.

NEI TICHIFANIRA KUWEDZERA KUSWEDERA PEDYO NEHAMA NEHANZVADZI DZEDU?

4. Tingaitei kuti tirambe tichikoshesa kubatana kwatakaita sesangano kunotaurwa pana Pisarema 133:1? (Onawo mufananidzo.)

4 Verenga Pisarema 133:1. Tinobvumirana nemunyori wepisarema uyo akanyora kuti kushamwaridzana nevanhu vanoda Jehovha ‘kwakanaka’ uye ‘kunofadza.’ Asi tinogona kupedzisira tisingachakoshesi ushamwari ihwohwo. Semuenzaniso, kana munhu achigara achiona chimwe chinhu chakanaka mazuva ese anogona kupedzisira asisachikoshesi. Saizvozvowo tinogara tichionana nehama nehanzvadzi dzedu kakawanda pavhiki. Kana tikasangwarira tinogona kupedzisira tisingachakoshesi kubatana kwatakaita sehama. Tingaitei kuti tirambe tichivakoshesa? Kuda kwatinoita hama nehanzvadzi dzedu kuchawedzera kana tikazvipa nguva yekufunga kuti mumwe nemumwe wavo anokosha zvakadii kwatiri uyewo kuungano.

Usambofa wakarega kukoshesa kubatana kwatakaita (Ona ndima 4)


5. Kudanana kwatinoita kunogona kuita kuti vamwe vaite sei?

5 Vamwe pavanopinda misangano yedu kekutanga vanobayiwa mwoyo pavanoona kudanana kwatinoita. Izvozvo zvega zvinogona kutoita kuti vagutsikane kuti vawana chokwadi. Jesu akati: “Vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Joh. 13:35) Funga zvakaitika kune mumwe musikana anonzi Chaithra akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha ari kuyunivhesiti. Akakokwa kugungano remunharaunda uye akabvuma kuenda. Pashure pekunge apinda zuva rekutanga akaudza munhu waaidzidza naye Bhaibheri kuti: “Handisati ndambombundirwa nevabereki vangu. Asi kugungano renyu, ndambundirwa ka52 muzuva rimwe chete! Jehovha anyatsondiratidza kuti anondida achishandisa vanhu vake. Ndinodawo kuva mumhuri yake.” Chaithra akaramba achifambira mberi uye akabhabhatidzwa muna 2024. Vatsva pavanoona mabasa edu akanaka kusanganisira kudanana kwatinoita, kazhinji kacho zvinoita kuti vade kushumira Jehovha.—Mat. 5:16.

6. Kuswedera pedyo nehama nehanzvadzi dzedu kungatidzivirira sei?

6 Kuswedera pedyo nehama nehanzvadzi dzedu kunogonawo kutidzivirira. Pauro akarayira vaKristu vaainamata navo kuti: “Rambai muchikurudzirana zuva rega rega . . . kuti parege kuva nemumwe wenyu angaomeswa nesimba rinonyengera rechivi.” (VaH. 3:13) Kana tikaora mwoyo zvekuti tinoomerwa nekuita zvinhu zvakarurama, Jehovha anogona kuita kuti imwe hama inenge yazvicherechedza itibatsire. (Pis. 73:​2, 17, 23) Rubatsiro rwakadaro rwunotidzivirira.

7. Rudo runofambirana sei nekubatana? (VaKorose 3:​13, 14)

7 Tiri musangano rine vanhu vanoshanda nesimba kuti varatidzane rudo, saka tinowana makomborero akawanda. (1 Joh. 4:11) Semuenzaniso rudo runoita kuti ‘tirambe tichiregererana nemwoyo wese’ uye izvozvo zvinoita kuti tirambe takabatana. (Verenga VaKorose 3:​13, 14; VaEf. 4:​2-6) Saka mufaro watinowana patinenge takaungana pamwe chete hauwaniki chero mune ripi sangano pano panyika.

KUDZANAI

8. Jehovha anotibatsira sei kuti tibatane?

8 Kubatana kwatakaita sesangano repasi rese chishamiso chaicho. Jehovha ndiye anoita kuti tikwanise kubatana pasinei nekuti tiri vanhu vanokanganisa. (1 VaK. 12:25) Bhaibheri rinotaura kuti ‘tinodzidziswa naMwari kuti tidanane.’ (1 VaT. 4:9) Tingatoti achishandisa Magwaro, Jehovha anonyatsotiudza zvatinofanira kuita kuti tiwedzere kuwirirana nehama nehanzvadzi dzedu. Tinogona ‘kudzidziswa naMwari’ kuburikidza nekuongorora dzidziso dzake todzishandisa. (VaH. 4:12; Jak. 1:25) Izvozvo ndizvo zvinoedza kuitwa neZvapupu zvaJehovha.

9. VaRoma 12:​9-13 inotidzidzisei nezvekukudza vamwe?

9 Shoko raMwari rinotidzidzisei nezvekuswedera pedyo nehama nehanzvadzi dzedu? Funga zvakataurwa naPauro panyaya iyi zviri pana VaRoma 12:​9-13. (Verenga.) Waona here mashoko ekuti “pakukudzana, mumwe nemumwe wenyu ngaatange iye”? Mashoko iwayo anorevei? Anoreva kuti tinofanira kutanga isu kuratidza kuti tinoda hama dzedu nemwoyo wese kuburikidza nekudziregerera, kudzikokawo kudzimba dzedu, kudzipawo zvatiinazvo, nezvimwewo. (VaEf. 4:32) Hatifaniri kumirira kuti hama kana hanzvadzi dzedu dzitange idzo kutiratidza rudo. Unogona ‘kutanga iwe’ kuita izvozvo. Jesu akataura kuti: “Kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.”—Mab. 20:35.

10. Tingaitei kuti tishande nesimba ‘pakukudza vamwe?’ (Onawo mufananidzo.)

10 Pashure pekunge atiudza kuti titange isu kukudza vamwe, Pauro anotirayirawo kuti “shandai nesimba, musingaiti zveusimbe.” Kana munhu anoshanda nesimba akapiwa basa, anonyatsoriita nemazvo. Zvirevo 3:​27, 28 inotikurudzira kuti: “Usarega kuitira zvakanaka vaya vanoda kubatsirwa kana uchikwanisa kubatsira.” Saka patinoona kuti mumwe munhu ane dambudziko raasangana naro, tinoita zvese zvatinogona kuti timubatsire. Hatiite zvekuverengera kana kufunga kuti mumwe munhu achamubatsira.—1 Joh. 3:​17, 18.

Tinofanira kutanga isu kubatsira hama nehanzvadzi dzedu dzinenge dzichida kubatsirwa (Ona ndima 10)


11. Chii chichatibatsira kuti tiwedzere kuswedera pedyo nehama nehanzvadzi dzedu?

11 Imwe nzira yatinoratidza kuti tinokudza vamwe ndeyekukurumidza kuvaregerera pavanotigumbura. VaEfeso 4:26 inoti: “Musarega zuva richivira muchakatsamwa.” Nei tisingafaniri kudaro? Vhesi 27 inoti kana tikaita izvozvo tinenge ‘tichipa Dhiyabhorosi mukana.’ MuShoko rake, Jehovha anotiudza kakawanda kuti tiregererane. VaKorose 3:13 inotikurudzira kuti ‘tirambe tichiregererana nemwoyo wese.’ Kuregerera hama nehanzvadzi dzedu padzinotitadzira ndechimwe chezvinhu zvikuru zvichatibatsira kuti tiswedere pedyo nadzo. Patinoita izvozvo ‘tinochengeta kubatana kwemweya muchisungo cherugare.’ (VaEf. 4:3) Tingatoti kuregerera vamwe kunoita kuti tive nerugare nekubatana.

12. Jehovha anotibatsira sei kuti tiregerere vamwe?

12 Dzimwe nguva zvinogona kutiomera kuregerera vanhu vanenge vatitadzira. Asi tinogona kubudirira tichibatsirwa nemweya waMwari. Pashure pekutirayira kuti ‘tidanane nemwoyo wese’ uye kuti ‘tishande nesimba,’ Magwaro anotirayirawo kuti: “Pisai nemweya.” (VaR. 12:11) Munhu anenge ‘achipisa nemweya’ anenge achishingaira kuita zvese zvinodiwa naMwari kuti aite nekuti mweya mutsvene unenge uchishanda paari. Saka mweya waMwari unogona kutibatsira kuti tide hama dzedu uye tidziregerere nemwoyo wese. Ndosaka tichiteterera kuti Jehovha atibatsire.—Ruka 11:13.

“HAMUFANIRI KUPESANA PAKATI PENYU”

13. Zvii zvingaita kuti pave nekupesana pakati pedu?

13 Muungano mune “vanhu vakasiyana-siyana” vanobva kwakasiyana-siyana. (1 Tim. 2:​3, 4) Kana tikasangwarira, kusiyana kwatakaita kunogona kuita kuti tipesane panyaya dzekuti munhu anofanira kuzvisarudzira ega dzakadai semapfekero, kuratidzika kwedu, marapirwo kana kuti zvinhu zvatinozvivaraidza nazvo. (VaR. 14:4; 1 VaK. 1:10) Nemhaka yekuti tinodzidziswa naMwari kuti tidanane, hatifaniri kuona sekuti maonero edu ari nani pane evamwe panyaya dzekuti munhu anofanira kuzvisarudzira ega.—VaF. 2:3.

14. Zvii zvatinofanira kuedza kuita nguva dzese, uye nei tichifanira kudaro?

14 Tinogonawo kuita kuti muungano musava nekupesana kana tikaedza kuva vanhu vanokurudzira uye vanozorodza vamwe nguva dzese. (1 VaT. 5:11) Munguva ichangopfuura, vanhu vakawanda vakanga vasisaiti mabasa echiKristu kana kuti vakanga vabviswa muungano vakadzoswa musangano. Tinovagamuchira nemaoko maviri! (2 VaK. 2:8) Ona zvakaitika kune imwe hanzvadzi yakaenda kuImba yeUmambo pashure pekunge yaita makore 10 isingaiti mabasa echiKristu. Yakati: “Vanhu vakandikwazisa vachinyemwerera.” (Mab. 3:19) Izvozvo zvakaita kuti hanzvadzi iyi inzwe sei? Yakati: “Ndakanzwa sekuti Jehovha aindibatsira kuti ndivezve nemufaro muupenyu hwangu.” Kana tikaedza kukurudzira vanhu vese, tinogona kushandiswa naKristu kuti tizorodze vaya vari ‘kushanda zvakaoma uye vakaremerwa.’—Mat. 11:​28, 29.

15. Ndezvipi zvimwe zvatingaita kuti pave nekubatana pakati pedu? (Onawo mufananidzo.)

15 Zvinhu zvatinotaura zvinoitawo kuti pave nekubatana pakati pedu. Jobho 12:11 inoti: “Nzeve haiedzi mashoko sekuravira kunoita rurimi zvekudya here?” Kazhinji munhu anogona kubika anowanzoravira zvaanenge abika asati azvipakurira vamwe. Saizvozvowo, tinofanira kutanga tanyatsofunga tisati tataura. (Pis. 141:3) Nguva dzese, chinangwa chedu chinofanira kuva chekuti zvatinotaura zvikurudzire vamwe, zvivazorodze uye ‘zvivabatsire.’—VaEf. 4:29.

Tanga wafunga usati wataura (Ona ndima 15)


16. Ndivanaani vanofanira kunyanya kungwarira kuti zvavanotaura zvikurudzire vamwe?

16 Varume ndivo vanofanira kunyanya kungwarira kuti zvavanotaura zvikurudzire madzimai avo uye ndizvo zvinofanira kuitwawo nevabereki kuvana vavo. (VaK. 3:​19, 21; Tito 2:4) Vakuru vanofanirawo kutaura zvinhu zvinozorodza uye zvinonyaradza vamwe sezvo vari vafudzi vemakwai aJehovha. (Isa. 32:​1, 2; VaG. 6:1) Chimwe chirevo cheBhaibheri chinotiyeuchidza kuti: “Shoko rinotaurwa panguva yakakodzera rakazonaka!”—Zvir. 15:23.

DANANAI “NEZVIITO NECHOKWADI”

17. Tingaita sei kuti kuda kwatinoita hama nehanzvadzi dzedu kubve pamwoyo?

17 Muapostora Johani anotikurudzira kuti ‘tisangodanana neshoko kana nerurimi chete, asi nezviito nechokwadi.’ (1 Joh. 3:18) Tinofanira kuda hama nehanzvadzi dzedu zvichibva pamwoyo. Tingazviita sei izvozvo? Kana tikaita nguva yakawanda tiine hama nehanzvadzi dzedu tichawedzera kuswedera pedyo nadzo uyewo tichawedzera kudanana. Saka tsvaga mikana yekuti uve pamwe chete nehama nehanzvadzi dzako pamisangano uyewo muushumiri. Pota uchishanyirawo vamwe. Patichaita izvozvo, ticharatidza kuti tiri ‘kudzidziswa naMwari kuti tidanane.’ (1 VaT. 4:9) Uye ticharamba tichizvionera tega “kunaka kwazvakaita uye kufadza kwazvinoita kana hama dzichigara pamwe chete dzakabatana!”—Pis. 133:1.

RWIYO 90 Kurudziranai