NYAYA YEUPENYU
“Iye Zvino Ndava Kuda Ushumiri!”
NDAKAKURIRA mutaundi reBalclutha, kuSouth Island, muNew Zealand. Pandaiva mwana, ndainzwa ndiri pedyo naJehovha, uye ndaifadzwa nekuva muchokwadi. Ndainakidzwa nekuenda kumisangano, uye ungano yaiita kuti ndinzwe ndakachengeteka uye ndichifara. Kunyange zvazvo ndaiva munhu anonyara, ndainakidzwa nekuita ushumiri vhiki rega-rega. Ndaisatya kuparidza kuchikoro uye kuparidzirawo vamwe vanhu. Ndaidada nekuva Chapupu chaJehovha, uye pandakanga ndava nemakore 11, ndakazvitsaurira kuna Mwari.
MUFARO WANGU UNOPERA
Pandakanga ndava nemakore anenge 13, ushamwari hwangu naJehovha hwakatanga kutonhora. Zvaiita sekuti vekuchikoro vaikwanisa kuita chero zvavaida, uye ndaiona sekuti ndiri kusaririra. Ndainzwa sekuti mitemo yandaipiwa nevabereki vangu uye mararamiro echiKristu zvaiomesa upenyu hwangu, uye rakanga rava basa chairo kunamata Jehovha. Ndaiziva kuti Jehovha ariko, asi ndaisanzwa ndiri pedyo naye.
Asi kuti ndisava muparidzi asingachaiti basa, ndaingoparidzawo zvechirango. Pandaienda kunoparidza, ndaisambogadzirira, saka zvaindiomera kuti nditange kukurukura nemunhu kana kuti ndirambe ndichitaura naye. Izvi zvakaita kuti ndisabudirira muushumiri uye ndisafara, zvikabva zvaita kuti ndiwedzere kusafarira ushumiri wacho. Ndaizvibvunza kuti, ‘Ndiani angakwanisa kuita zvinhu zvakadai vhiki nevhiki, mwedzi nemwedzi?’
Pandakazosvitsa makore 17, ndakanga ndava nechido chakasimba chekuzvimiririra. Saka ndakarongedza twangu, ndokubva ndatamira kuAustralia. Zvakarwadza vabereki vangu kuona ndichibva
pamba. Vakanetseka, asi vakafunga kuti ndaizoramba ndichishumira Jehovha.Ndava kuAustralia, ushamwari hwangu naJehovha hwakatowedzera kudzikira. Ndaipinda misangano pano neapo. Ndakatanga kushamwaridzana nevechidiki vainge vakaita seni, avo vaiti mumwe musi vanenge vari pamisangano asi mumwe wacho vanenge vari kumanight club vachinwa uye vachitamba mimhanzi. Pandinofunga nezvazvo, ndinoona kuti rimwe gumbo raiva muchokwadi uye rimwe raiva munyika, asi hapana kwandaiti uku ndiko kwangu chaiko.
KUWANA CHIDZIDZO CHINOKOSHA NDISINGATARISIRI
Papera anenge makore maviri, ndakasangana neimwe hanzvadzi yakandibatsira isingazivi, kuti ndifunge kuti upenyu hwangu hwainge hwakanangepi. Taigara pane imwe imba tiri vasikana 5 vainge vasina kuroorwa, uye takakoka mutariri wedunhu nemudzimai wake Tamara kuti vagare nesu kwevhiki. Murume wake paainge akabatikana nezvinhu zveungano, Tamara aiuya kuzotandara nesu tichiseka tese. Ndakazvifarira. Aiva munhu anonzwisisa uye anotaurika naye. Zvakandishamisa chaizvo kuti munhu akasimba kudaro pakunamata anganakidza kutandara naye.
Tamara aishingaira uye ainakidzwa nezvaaiita. Kuda kwaaiita chokwadi uye ushumiri kwaiita kuti vamwe vadewo zvinhu izvozvo. Aifara nekuti aishumira Jehovha nemwoyo wese, asi ini ndaisafara nekuti ndaingoshumira Jehovha zvechirango. Kufara kwaaiita uye unhu hwake zvakandibatsira chaizvo. Muenzaniso wake wakaita kuti ndifunge nezvechokwadi chinokosha chekuti: Jehovha anoda kuti tese timushumire ‘tichifara’ uye ‘tichishevedzera nemufaro.’—Pis. 100:2.
KUTANGAZVE KUDA USHUMIRI
Ndaidawo kufara sezvaiita Tamara, asi kuti ndidaro, ndine zvinhu zvakakura zvandaifanira kuchinja. Zvakatora nguva kuti ndichinje, asi kubvira ipapo, pane matanho madiki andakatanga kutora. Ndakatanga kugadzirira pandaida kubuda muushumiri, uye ndaipota ndichitora upiyona hwebetsero. Izvi zvakandibatsira kuti ndisanyanya kutya uye ndive nechivimbo. Pandairamba ndichishandisa Bhaibheri muushumiri,
ndaiwedzerawo kunakidzwa nahwo. Hazvina kuzonditorera nguva kuti ndiite upiyona hwebetsero mwedzi wega-wega.Ndakatanga kuva neshamwari dzemazera ese dzaiita zvakanaka muchokwadi uye dzainakidzwa nekushumira Jehovha. Muenzaniso wadzo wakandibatsira kuti ndiongorore zvandainyanya kukoshesa muupenyu hwangu, uye kuti nditange kuverenga Bhaibheri zuva rega-rega. Ushumiri hwakawedzera kundinakidza uye ndakazotora upiyona hwenguva dzese. Kekutanga pashure pemakore akawanda, ndakatanga kufara uye kunzwa ndakasununguka muungano.
KUWANA PIYONA WEKUSHANDA NAYE KWEUPENYU HWESE
Papera gore, ndakaonana naAlex, hama yakatendeka, iyo yaida Jehovha uye ushumiri. Aiva mushumiri weungano uye akanga ava nemakore 6 achipayona. Alex akanga amboshumirawo kuMalawi kwekanguva, uko kwaidiwa vaparidzi vakawanda. Ari ikoko aiita nguva yakawanda aine mamishinari, uye akadzidza zvakawanda kwaari. Mamishinari aya akamukurudzira kuti arambe achiisa Umambo pekutanga.
Muna 2003, ini naAlex takachata, uye kubva ipapo tichiri mubasa renguva yakazara. Tine zvinhu zvakawanda zvatakadzidza, uye Jehovha akatipa makomborero akawanda.
MAMWE MAKOMBORERO AKAWANDA
Muna 2009, takanzi tishumire semamishinari muTimor-Leste, kanyika kadiki kari kuzvitsuwa zvekuIndonesia. Zvakatishamisa, zvakatifadza, uye panguva imwe chete zvakatityisa. Papera mwedzi 5, takasvika muguta guru renyika yacho rinonzi Dili.
Upenyu hwatakanga tava kurarama hwakanga hwakasiyana nehwekwatakabva. Taifanira kudzidza tsika itsva, mutauro, zvekudya, uye mararamiro acho. Muushumiri taiwanzoona vanhu vaiva varombo chaizvo, vainge vasina kudzidza, uye vaidzvinyirirwa. Taionawo vanhu vakawanda vaiva *
nemavanga ehondo uye vakashungurudzwa nehondo nemhirizhonga.Ushumiri hwacho hwainakidza zvisingaiti! Semuenzaniso, ndakambosangana nemumwe musikana aiva nemakore 13 ainge akasuwa ainzi Maria. * Ainge afirwa naamai vake makore mashoma akanga apfuura uye kaiva kashoma kuona baba vake. Kufanana nevamwe vana vakawanda vezera rake, Maria akanga asingazivi kuti oitei muupenyu hwake. Ndinoyeuka rimwe zuva paakatanga kuchema achindiudza zvaiva pamwoyo pake. Asi ndaisambonzwa kuti aiti chii nekuti ndakanga ndisati ndava kugona mutauro wake. Ndakanyengetera kuna Jehovha ndichikumbira kuti andibatsire kuti ndimukurudzire, uye ndakabva ndatanga kumuverengera mavhesi anonyaradza. Mumakore mashoma akazotevera, ndakaona chokwadi chichichinja unhu hwaMaria, kutaridzika kwake, uye upenyu hwake hwese. Akazobhabhatidzwa, uye ava kuitisawo zvidzidzo zvake zveBhaibheri. Iye zvino, Maria ava mumhuri yakakura yevanhu vaJehovha uye ava kunzwawo kuti anodiwa.
Jehovha ari kukomborera basa rekuparidza muTimor-Leste. Kunyange zvazvo vaparidzi vakawanda vakabhabhatidzwa mumakore anenge 10 adarika, vakawanda vari kushumira semapiyona, sevashumiri veungano, kana kuti sevakuru. Vamwe vanoshanda mumahofisi ekushandura uye vanobatsira pakushandura mabhuku anotsanangura Bhaibheri mumitauro inoshandiswa munyika yacho. Zvaindifadza kuvanzwa vachiimba pamisangano, kuvaona vachinyemwerera, uye kuvaona vachiva shamwari dzaJehovha.
HANDINA KUMBOFUNGA KUTI PANE HUMWE UPENYU HUNONAKIDZA KUPFUURA IHWOHWU
Upenyu hwedu muTimor-Leste hwakanga hwakasiyana chaizvo nehwekuAustralia, asi hwainakidza chaizvo. Dzimwe nguva taikwira kombi inenge yakazara vanhu, muinewo hove dzakaomeswa nemirwi yemiriwo. Mamwe mazuva taidzidza nevanhu Bhaibheri mutuimba tudiki twaipisa twainge twakadzururwa nevhu pasi uye huku dzaimhanya-mhanyawo imomo. Asi pasinei nematambudziko ataisangana nawo, ndaiwanzoti, ‘Upenyu uhwu hunonakidza!’
Kana ndikafunga zvakaitika kare, ndinotenda vabereki vangu kuti vakaita zvese zvavaigona kuti vandidzidzise nezvaJehovha uye kuti vakanditsigira, kunyange panguva yandaiita zvishoma pakushumira Jehovha. Zvirevo 22:6 yakashanda muupenyu hwangu. Amai vangu nababa vangu vanodada neni uye naAlex, uye vanofara kutiona tichishumira Jehovha. Kubva muna 2016 tiri kushumira mubasa redunhu mundima yebazi reAustralasia.
Zvakaoma kubvuma kuti pane imwe nguva ndaisanakidzwa nebasa rekuparidza. Iye zvino ndava kuda ushumiri! Ndava kunzwisisa kuti pasinei nezvingaitika muupenyu, mufaro wechokwadi unongobva chete pakushumira Mwari nemwoyo wese. Makore 18 andashumira Jehovha pamwe chete naAlex, ndiwo andanyatsofara chaizvo muupenyu hwangu. Iye zvino ndava kunyatsonzwisisa chokwadi chezvakataurwa nemunyori wepisarema Dhavhidhi kuna Jehovha chekuti: “Vese vanopotera kwamuri vachafara; vachagara vachipembera nemufaro. . . . Uye vaya vanoda zita renyu vachakufarirai.”—Pis. 5:11.
^ ndima 21 Kubva muna 1975, muTimor-Leste maiva nehondo kwemakore anopfuura 20, nekuti vanhu vacho vairwira rusununguko.
^ ndima 22 Mamwe mazita akachinjwa.