Bhaibheri Rinotii?
Chii chinonzi Amagedhoni?
Vamwe vanoti . . .
kuparadzwa kuchaitwa nyika nezvombo zvenyukiriya kana kuti nenjodzi dzinongoitikawo. Unofungei?
Zvinotaurwa neBhaibheri
Amagedhoni ‘ihondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose,’ yekuparadza vanhu vakaipa.—Zvakazarurwa 16:14, 16.
Ndezvipi zvimwe zvatinodzidza muBhaibheri?
Pahondo iyi yeAmagedhoni, vamwe vanhu vachaparadzwa ndevaya vari kuparadza nyika.—Zvakazarurwa 11:18.
Hondo yeAmagedhoni ichagumisa hondo dzese.—Pisarema 46:8, 9.
Pane vachapona here paAmagedhoni?
Ungati kudii?
Ehe
Aiwa
Pamwe
Zvinotaurwa neBhaibheri
“Boka guru revanhu” vanobva kumarudzi ese richapona ‘pakutambudzika kukuru,’ uko kuchazoguma nehondo yeAmagedhoni.—Zvakazarurwa 7:9, 14.
Ndezvipi zvimwe zvatinodzidza muBhaibheri?
Mwari anoda kuti vanhu vakawanda vapone paAmagedhoni. Anoparadza vakaipa kana varamba kupfidza.—Ezekieri 18:32.
Bhaibheri rinotiudza zvatingaita kuti tipone paAmagedhoni.—Zefaniya 2:3.