Mwari Anonzwa Minyengetero Yako Here?
Paunonyengetera, unofunga kuti Mwari anokunzwa here?
ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI
Mwari anotinzwa. Bhaibheri rinoti: “Jehovha ari pedyo nevanhu vese vanodana kwaari, vese vanodana kwaari muchokwadi. . . . Anonzwa kuchemera kwavo kubatsirwa.”—Pisarema 145:18, 19.
Mwari anoda kuti unyengetere kwaari. Bhaibheri rinoti: “Panyaya dzese zvikumbiro zvenyu ngazviziviswe Mwari muchinyengetera muchiteterera pamwe chete nekuonga.”—VaFiripi 4:6.
Mwari anokuda. Anonyatsoziva matambudziko edu nezvinotishungurudza, uye anoda kutibatsira. Bhaibheri rinoti: ‘Kandai zvese zvinokudyai mwoyo paari, nekuti iye ane hanya nemi.’—1 Petro 5:7.