Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvokukurukura Semhuri

Zvokukurukura Semhuri

Zvokukurukura Semhuri

Chii Chakakanganisika Pamufananidzo Uyu?

Verenga Genesisi 4:1-8. Iye zvino chitarisa pamufananidzo wacho. Ndezvipi zvakakanganisika? Nyora mhinduro dzacho pazasi apa.

1. ․․․․․

2. ․․․․․

3. ․․․․․

ZVOKUKURUKURIRANA:

Kaini akaita sei Jehovha Mwari paakaratidza kufarira munun’una wake Abheri? Kana vabereki vako vakaratidza kufarira mumwe mwana womumba menyu, unofanira kudzivisa chii, uye nei?

UNOZIVEI NEZVOMUAPOSTORA NATANIERI?

4. Natanieri anofanira kunge aizivikanwa nerimwe zita ripi?

ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Ruka 6:14; Johani 1:44-46.

․․․․․

5. Jesu akafarira chii pana Natanieri?

ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Johani 1:47.

․․․․․

ZVOKUKURUKURIRANA:

Ungatevedzera sei Natanieri? Kana ukadaro zvingakubatsira sei?

ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Pisarema 24:3-5; 34:13-16.

ZVIRI MUMAGAZINI INO

Pindura mibvunzo iyi, wonyora ndima dzeBhaibheri dzisipo.

PEJI 5 Zvii zvinodiwa nemwoyo womunhu? Genesisi 8:․․․

PEJI 6 Tinofanira kuda kuva vanhu vakaita sei? VaHebheru 13:․․․

PEJI 11 Chii chichaitika kumuvengi wokupedzisira? 1 VaKorinde 15:․․․

PEJI 24 Chii chatinofanira kukoshesa? 1 VaKorinde 9:․․․

PEJI 26 Chii chichaitika kana tikamirira kuti mhepo uye mamiriro ekunze zvitange zvanaka? Muparidzi 11:․․․

Mhinduro

1. Vanakomana vaviri chete ndivo vakapa zvibayiro.

2. Kaini akapa zvibereko zvevhu.

3. Abheri akapa gwai kwete nzombe.

4. Bhatoromeyo.

5. Akanga asina unyengeri.