CHITSAUKO 15
Jesu Achaita “Kuti Panyika Pave Nekururama”
1, 2. Jesu akashatirwa aenda kunzvimbo ipi, uye nei akashatirwa zvakadaro?
JESU aisazotadza kushatirwa nezvaakanga achiona. Pamwe zvinogona kukuomera kufungidzira Jesu achiratidza kuti akashatirwa, nekuti Jesu aiva munhu munyoro. (Mateu 21:5) Hazvirevi hazvo kuti akashatirwa zvekutadza kuzvidzora, nekuti hasha dzake dzakanga dzakarurama. a Asi zvakanga zvambofamba sei kuti munhu anoda rugare zvakadaro atsamwe? Vanhu vakanga vachibatwa zvisina kunaka.
2 Temberi yaiva muJerusarema yakanga ichikosha kuna Jesu. Ndiyo chete nzvimbo pasi rese yakanga yakatsaurirwa pakunamatwa kwaBaba vake vekudenga. VaJudha vaibva kunyika dzakawanda vaifamba mitunhu yakareba kuti vazonamatira ipapo. Kunyange vanhu vemamwe marudzi vainamata Mwari vaiuya vachipinda muchivanze chetemberi chainzi ndicho chavaifanira kushandisa. Asi zvakaonekwa naJesu paakapinda mutemberi mazuva aakatanga ushumiri hwake zvaivhundutsa. Waitofunga kuti wasvika pamusika kwete panzvimbo yekunamatira! Vanhu vaitengesa zvinhu nevaichinja mari vakanga vasingazivani. Saka chii chakanga chisina kururama ipapo? Varume ava vaitotora temberi yaMwari senzvimbo yekutsotsa vanhu, kunyange kutovabira mari dzavo. Nei tichidaro?—Johani 2:14.
3, 4. Vanhu vaibiridzirwa sei paimba yaJehovha, uye Jesu akazvigadzirisa sei?
3 Vatungamiriri vechitendero vakanga vaisa mutemo wekuti pangoshandiswa rudzi rumwe chete rwemari pakubhadhara mutero wetemberi. Vaibva kune dzimwe nyika vaitofanira kuchinja mari dzavo kuti vawane mari iyoyo. Saka vanhu vaichinja mari vakanga vakaisa matafura avo mutemberi chaimo, vachiita kuti wese wavanenge vachinjira abhadhare kamwe kamari. Bhizinesi rekutengesa zvipfuwo raibhadharawo chaizvo. Vaiuya vachida kuzopa zvibayiro vaigona kutenga chero kunaani zvake muguta, asi vakuru vakuru vepatemberi vaigona kuramba zvibayiro zvacho vachiti hazvina kukodzera. Asi zvinenge zvatengwa patemberi ipapo zvakanga zvisingatomborambwi. Vanhu vacho vaitengesa vaizodhurisa zvinhu zvacho vachiziva kuti vanhu havana kumwe kwekuenda. b Uku kwakanga kusiri kungobatirana panyaya dzekutengeserana. Kwaitova kuba chaiko!
4 Jesu aisagona kungotarisa zvinhu zvakadaro zvichiitwa akanyarara. Iyi yaiva imba yaBaba vake! Akagadzira tyava ndokutinha mombe dzacho dzese nemakwai achizvibudisa mutemberi. Akabva aenda kuvanhu vaichinja mari akapidigura tafura dzavo. Imbofungidzira mari yese yati mwarara pasi! Akabva ati kuvanhu vaitengesa njiva: “Bvisai zvinhu izvi muno!” (Johani 2:15, 16) Kunenge kuti hapana akamboita ushingi hwekumirisana nemurume uyu akanga akashinga.
“Bvisai zvinhu izvi muno!”
Aitevedzera Baba Vake
5-7. (a) Upenyu hwaJesu asati auya panyika hwakamubatsira sei kunzwisisa kuti Jehovha anoona sei nyaya yekubata vanhu zvakarurama, uye tingadzidzei pamuenzaniso wake? (b) Ndezvipi zvakatoitwa naJesu pakupindura zvakapomerwa naSatani uye achazviita sei mune ramangwana?
5 Zviri pachena kuti vatengesi vaya vakazongodzoka. Pashure pemakore angasvika matatu, Jesu akagadzirisazve dambudziko iri, panguva ino achishandisa mashoko aJehovha pachake ekushora vanhu vaiita imba yake “bako remakororo.” (Jeremiya 7:11; Mateu 21:13) Jesu paakaona kubirwa kwaiitwa vanhu, nekusvibiswa kwaiitwa temberi yaMwari, akaita zvinoratidza kuti Baba vake vanonzwa sei. Izvozvo hazvingambotishamisi! Jesu akanga adzidziswa naBaba vake vekudenga kwemakore asingaverengeki. Saka maonero aaiita nyaya yekubatwa kwevanhu zvakarurama akanga akangofanana neaJehovha. Izvi zvinoreva kuti kana tichida kunyatsoona kuti Jehovha anonzwa sei nezvekubatwa kwevanhu zvisina kururama, hapana imwe nzira inopfuura yekufungisisa zvakaitwa naJesu Kristu.—Johani 14:9, 10.
6 Mwanakomana akaberekwa ari mumwe oga akanga aripo pakataurwa naSatani kuti Jehovha murevi wenhema uye kuti matongero ake haana kururama. Kusvibisa zita raMwari kwakadini! Jesu akanzwawo Satani achiti hapana munhu anoshumira Jehovha zvichibva parudo, asina zvaari kuwana. Mwanakomana uyu akarurama anofanira kunge akarwadziwa zvikuru nemashoko aya enhema. Saka zvinofanira kunge zvakamufadza zvikuru paakaziva kuti aizoita basa guru pakupindura mashoko aya aipomerwa Mwari! (2 VaKorinde 1:20) Aizozviita sei izvozvo?
7 Sezvatakadzidza muChitsauko 14, Jesu Kristu akapa mhinduro inogutsa, yaipedza nyaya pazvinhu zvaipomerwa vashumiri vaJehovha naSatani. Saka zvakaitwa naJesu zvakatova danho rekutanga pakupindura nhema dzese dzakataurwa nezvaJehovha dzichisvibisa zita rake, kusanganisira dziya dzekuti utongi hwake hauna kururama. Sezvo ari iye Mumiririri Mukuru waJehovha, Jesu achaita kuti kururama kwaMwari kuvepo pasi nekudenga. (Mabasa 5:31) Izvi zvinoratidzwa nemararamiro aakaita paakanga ari pasi pano. Jehovha akati nezvake: “Ndichaisa mweya wangu paari, uye achabudisa pachena kumarudzi kuti kutonga zvakarurama kuita sei.” (Mateu 12:18) Jesu akazadzisa sei mashoko iwayo?
Jesu Anoita “Kuti Kutonga Zvakarurama” Kunzwisiswe Zvakajeka
8-10. (a) Mitemo yakanga yagadzwa nevatungamiriri vechitendero vechiJudha yaishora sei vanhu vemamwe marudzi uye vakadzi? (b) Mitemo yavo yavakanga vagadza yakaita sei kuti mutemo waJehovha weSabata ureme?
8 Jesu aida Mutemo waJehovha uye aiutevedzera muupenyu hwake. Asi vatungamiriri vechitendero vaiumonyanisa nekuushandisa zvisiri izvo. Jesu akati kwavari: “Mune nhamo imi vanyori nevaFarisi, vanyengeri! . . . Makasiya nyaya dzinokosha dzeMutemo, dzinoti, kutonga zvakarurama nengoni nekutendeka.” (Mateu 23:23) Zviri pachena kuti vadzidzisi ivavo veMutemo waMwari vakanga vasiri kuita kuti vanhu vazive kuti chii chinonzi “kutonga zvakarurama.” Vakanga vachitodzikatidza Mutemo waMwari. Vaizviita sei? Imbofunga zvimwe zvishomanana.
9 Jehovha akapa vanhu vake mutemo wekuti vazviparadzanise nemarudzi akavapoteredza akanga asingamunamati. (1 Madzimambo 11:1, 2) Asi vamwe vatungamiriri vechitendero vaizodarikidza nekuita kuti vanhu vese vemamwe marudzi vaonekwe sevanosemesa. Rimwe bhuku ravo remutemo rinonzi Mishnah raitova nemutemo wekuti: “Haufaniri kusiya mombe iri mudanga revanhu vemamwe marudzi nekuti vanofungirwa kuti vanorara nemhuka.” Mutemo wakadaro unosarura vanhu vese vemamwe marudzi wakanga usina kururama uye waipesana nemutemo waMozisi. (Revhitiko 19:34) Mimwe mitemo yavakanga vakazvitangira vega yaishora vakadzi. Mutemo wacho waiti mukadzi anofanira kufamba ari kumashure kwemurume wake kwete parutivi. Murume aisafanira kutaura nemukadzi pane vanhu, kunyange mudzimai wake chaiye. Vakadzi vaitorwa sevaranda zvekuti vakanga vasingabvumirwi kupa uchapupu mudare. Kwaitova nemunyengetero waiitwa nevarume vachitenda Mwari kuti vakanga vasiri vakadzi.
10 Vatungamiriri vechitendero vakapedzisira vafutsira Mutemo waMwari netumirayiro twavakanga vagadza vega. Mumwe wetumitemo itwotwo waiva nechekuita neSabata. Mutemo weSabata waingorambidza kuti vanhu vasaita basa pazuva iroro kuti vawane nguva yekunamata, uye yekuzorora. Asi vaFarisi vakaita kuti mutemo iwoyo ureme. Vakazvigadza kuti vave ndivo vanosarudza kuti chinonzi basa chii. Vane zvinhu 39 zvakasiyana-siyana zvavaitora sebasa rekukohwa kana kuti rekuvhima. Izvi zvakapedzisira zvamutsa mibvunzo yakawanda. Kana munhu akatswanya inda musi weSabata, anenge avhima here? Kana akangopurura zviyo zvishomanana zvinokwana muruoko kuti adye achifamba, anenge atokohwa here? Ko kana akaporesa munhu anenge achirwara, ashanda here? Mibvunzo iyoyo yaipindurwa nemitemo isingachinji yaiva netumwe tumitemo twaidonongodza twunhu twakawandisa.
11, 12. Jesu akaratidza sei kuti akanga asingawirirani netsika dzevaFarisi dzakanga dzisingabvi muMagwaro?
11 Pakadaro, Jesu aizobatsira sei vanhu kunzwisisa chinonzi kutonga zvakarurama? Akanyatsoratidza pachena kuti vatungamiriri vechitendero ivavo vakanga vakarasika nezvaaidzidzisa uye mararamiro ake. Ngatimboonai zvimwe zvaaidzidzisa. Akanyatsoshora tumitemo twavo twakawandisa twavakanga vagadza achiti: “Munoita kuti shoko raMwari rishaye simba netsika dzenyu dzamakapfuudza kune vamwe.”—Mako 7:13.
12 Jesu akadzidzisa zvine simba kuti panyaya yeSabata vaFarisi vakanga vakarasika, vasingatombonzwisisi chinangwa chemutemo wacho. Akatsanangura kuti Mesiya ndiye “Ishe weSabata,” saka aiva nekodzero yekurapa vanhu musi weSabata. (Mateu 12:8) Kuti asimbise pfungwa iyoyo akatoita zvishamiso zvekuporesa vanhu paSabata munhu wese achiona. (Ruka 6:7-10) Kuporesa ikoko kwaitofananidzira zvaachaita munyika yese paachatonga kwemakore ane chiuru. Makore iwayo ane chiuru ndiwo achange ari Sabata rekupedzisira, apo vanhu vese vakatendeka vachazorora pakuremerwa kwavanga vakaitwa nechivi nerufu.
13. Mutemo upi wakavapo pashure pekunge Jesu apedza ushumiri hwake hwepasi pano, uye wakanga wakasiyana papi newaimbovapo?
13 Jesu akajekesawo chinonzi kutonga zvakarurama paakaita kuti pave nemutemo mutsva, “mutemo waKristu,” paakanga apedza kuita ushumiri hwake hwepasi pano. (VaGaratiya 6:2) Mutemo uyu waida kuti munhu afunge ega achitungamirirwa neMagwaro, kusiyana neMutemo waMozisi uyo wakanga wakazara nemirayiro yaiti zvimwe zvinhu zviitwe kana kuti zvisaitwa. Asi mutemo mutsva unewo mimwe mirayiro yezvinonzi zviitwe kana kuti zvisaitwa. Mumwe wemirayiro iyoyo akaudana kuti “murayiro mutsva.” Jesu akadzidzisa vateveri vake vese kuti vadanane sekuvada kwaaiita. (Johani 13:34, 35) Izvi zvinoreva kuti kuva nerudo rwekuzvipira ndiko chinhu chikuru chinoratidza kuti munhu ari kurarama achitevedzera “mutemo waKristu.”
Mararamiro Ake Akaratidza Chinonzi Kutonga Zvakarurama
14, 15. Jesu akaratidza sei kuti aiziva paigumira masimba ake, uye nei izvozvo zvichitikurudzira?
14 Jesu haana kungogumira pakudzidzisa nezverudo. Akaratidza chinonzi “mutemo waKristu” nemararamiro ake. Zvese zvaaiita zvairatidza kuti aitungamirirwa nemutemo uyu. Ngationei nzira nhatu dzaakanyatsoratidza nadzo chinonzi kutonga zvakarurama.
15 Yekutanga, Jesu ainyatsongwarira kuti asatombobata chero munhu upi zvake zvisina kururama. Pamwe wakacherechedza kuti kazhinji chinoita kuti vamwe vanhu vabate vamwe zvisina kunaka ndechekuti sevanhu vane chivi, tinowanzoita zvinhu tichipfuura masimba atakapiwa. Jesu akanga asingaiti izvozvo. Mumwe musi akanzi nemumwe murume: “Mudzidzisi, udzai mukoma wangu agovane neni nhaka.” Jesu akamupindura achitii? Akati: “Nhai iwe, ndakagadzwa naani kuti ndikutonganisei kana kuti ndikugovanisei zvinhu zvenyu?” (Ruka 12:13, 14) Zvinoshamisa, handizvo here? Neuchenjeri hwese hwaiva naJesu, neunyanzvi hwese hwekuongorora nyaya hwaaiva nahwo, uye nemasimba ese aakapiwa naMwari aipfuura emunhu chero upi zvake pasi pano, Jesu akaramba kupindira munyaya iyi, nekuti akanga asina kupiwa masimba ekuita zvinhu zvakadaro. Jesu akagara achiziva panogumira masimba ake kunyange paakanga asati auya pasi pano. (Judha 9) Kubvuma kunoita Jesu kuti Jehovha ndiye anogona kunyatsotonga zvakarurama kunotidzidzisa zvakawanda nezvaJesu.
16, 17. (a) Jesu akaratidza sei chinonzi kutonga zvakarurama panzira yaaiparidza nayo mashoko akanaka eUmambo hwaMwari? (b) Jesu akaratidza sei kuti kutonga zvakarurama kunosanganisira kuva netsitsi?
16 Nzira yechipiri yaakaratidza nayo chinonzi kutonga zvakarurama kuparidza kwaaiita mashoko akanaka eUmambo hwaMwari asingasaruri. Aiedza kusvitsa mashoko iwayo kumunhu wese pasinei nekuti munhu wacho murombo here kana kuti mupfumi. Asi vaFarisi vaitora varombo sekunge vasiri vanhu vachivati ʽam-ha·ʼaʹrets, shoko rinoreva kuti “vanhu vepasi.” Jesu akaratidza ushingi nekugadzirisa maonero iwayo akanga asina kururama. Paaidzidzisa vanhu mashoko akanaka, kana kuti paaitandara navo achidya navo, paaivapa zvekudya, paaivaporesa, uye kunyange paakamutsa vamwe vavo, akaratidza kuti Mwari, uyo “anoda kuti vanhu vakasiyana-siyana vaponeswe,” anotonga zvakarurama. c—1 Timoti 2:4.
17 Nzira yechitatu ndeyekuti airatidza kuti kutonga zvakarurama kunosanganisira kuva netsitsi. Aiedza kutobatsira vatadzi. (Mateu 9:11-13) Akanga asinganonoki kubatsira vanhu vasina simba uye vasingakwanisi kuzvidzivirira. Jesu haana kutevedzera vatungamiriri vechitendero pakuona vanhu vemamwe marudzi sevasiri vanhu. Netsitsi dzake, aibatsira vamwe vavo uye aivadzidzisa, kunyange zvazvo vanhu vaakanga anyanya kutumwa kwavari vaiva vaJudha. Akabvuma kuitira mukuru weuto weRoma chishamiso chekurapa muranda wake, achiti: “Handisati ndambowana munhu ane kutenda kwakakura kudai muIsraeri.”—Mateu 8:5-13.
18, 19. (a) Jesu akaratidza sei kuti airemekedza vanhukadzi? (b) Zvakaitwa naJesu zvinotibatsira sei kuona kubatana kwakaita ushingi nekutonga zvakarurama?
18 Jesu haanawo kuva nepfungwa yakanga yakazara muvanhu nezvevanhukadzi. Akatoratidza ushingi nekuvabata zvakarurama. Vakadzi vechiSamariya vaionekwa sevasina kuchena semaonerwo aingoitwa vanhu vemamwe marudzi. Asi Jesu haana kuzeza kuparidzira mukadzi wechiSamariya patsime reSikari. Mukadzi iyeye ndiye munhu waakatotanga kuudza kuti iye ndiye Mesiya. (Johani 4:6, 25, 26) VaFarisi vaiti vakadzi havafaniri kudzidziswa Mutemo waMwari, asi Jesu aishandisa nguva yake yakawanda nesimba rake kuvadzidzisa. (Ruka 10:38-42) Uyewo vakadzi vainzi vakanga vasingagoni kuvimbwa navo zvekuti vangape uchapupu hwakavimbika, asi Jesu akatoremekedza vakadzi vakati kuti nekuita kuti vatange ivo kuona kuti akanga amutswa. Akatovaudza kuti vaende kunotaurira vadzidzi vake vechirume pamusoro pechiitiko ichi chinokosha!—Mateu 28:1-10.
19 Zvese izvi zvinoratidza kuti Jesu akaita kuti nyika izive chinonzi kutonga zvakarurama. Kakawanda kacho akatozviita achiisa upenyu hwake mungozi. Zvakaitwa naJesu zvinotibatsira kuona kuti kutsigira zvakarurama kunoda ushingi. Ndokusaka akazonzi “Shumba yedzinza raJudha.” (Zvakazarurwa 5:5) Yeuka kuti shumba chiratidzo cheushingi hunodiwa pakutonga zvakarurama. Asi mune ramangwana Jesu achatoita zvinopfuura zvaakaita pakutonga zvakarurama. Achanyatsozadzisa zvakazara vimbiso yekuti achaita kuti “panyika pave nekururama.”—Isaya 42:4.
Mesiya Anotonga Achiita Kuti “Panyika Pave Nekururama”
20, 21. Iye zvino, Mesiya ari kuita sei kuti kururama kuve panyika uye muungano yechiKristu?
20 Kubvira paakava Mambo muna 1914, Jesu akatanga kuita zvinhu zvinoita kuti panyika pave nekururama. Akazviita sei? Akaita kuti uprofita huri pana Mateu 24:14 huzadziswe. Vateveri vaJesu vari kudzidzisa vanhu munyika yese chokwadi pamusoro peUmambo hwaJehovha. Vari kuitawo sezvakaitwa naJesu, kuparidza vasingasaruri, vachitsvaga munhu wese, vakuru nevadiki, varombo nevapfumi, varume nevakadzi, vachivapa mukana wekusvika pakuziva Jehovha, Mwari anotonga zvakarurama.
21 Musoro weungano, Jesu, ari kuitawo kuti vanhu vabatwe zvakarurama muungano. “Akapa varume sezvipo,” achizadzisa uprofita hunotaura nezvevakuru vechiKristu vari kutungamirira muungano. (VaEfeso 4:8-12) Varume ivavo vanotevedzera Jesu Kristu pakutonga zvakarurama pavanenge vachifudza makwai aMwari anokosha. Vanogara vachiyeuka kuti Jesu anoda kuti makwai ake abatwe zvakaenzana, pasinei nekuti vanoita chii muungano, vakakurumbira zvakadini, varombo here kana kuti vapfumi.
22. Jehovha anonzwa sei nekuwanda kwakaita vanhu vari kubatwa zvisina kururama panyika, uye akagadza Mwanakomana wake kuti aite sei nazvo?
22 Asi munguva pfupi iri kutevera, Jesu achaita kuti pave nekururama kusina kumbobvira kwavapo panyika. Kusabatwa kwevanhu zvakarurama kwakazara panyika. Pese panofa mwana nenzara panenge pachitoratidzwa kusarurama kwakaipisisa, zvikurukuru tichifunga nezvekuwanda kwemari nenguva zviri kupedzerwa pakugadzira zvombo zvehondo uye pakutsvaga mafaro. Pari kufa zviuru nezviuru zvevanhu pamusana pematambudziko aisafanira kutombovapo, uye izvi zvinoshatirisa Jehovha, Mwari akarurama. Akagadza Mwanakomana wake kuti arwe hondo yakarurama nevakaipa vese vari panyika pano kuti agumise zvachose kubatwa kwevanhu zvisina kururama.—Zvakazarurwa 16:14, 16; 19:11-15.
23. Jesu achaita sei kuti panyika parambe pachibatwa vanhu zvakarurama nekusingaperi?
23 Asi kutonga kwaJehovha zvakarurama hakusi kuzongogumira pakuparadza vakaipa chete. Akagadzawo Mwanakomana wake kuti atonge ‘seMuchinda weRugare.’ Pashure pehondo yeAmagedhoni, Jesu achaita kuti panyika pese pave nerugare, uye achatonga ‘nekururama.’ (Isaya 9:6, 7) Jesu achafara kugadzirisa nhamo nematambudziko zviri kukonzerwa nekubatwa kwevanhu zvisina kunaka. Achaita kuti kutonga kwaJehovha zvakarurama kurambe kuripo nekusingaperi. Saka zvinokosha kuti tiedze kutevedzera Jehovha pakubata vamwe zvakarurama. Ngationei kuti tingazviita sei izvozvo.
a Paairatidza hasha, Jesu aitevedzera Jehovha, uyo “akagadzirira kuratidza hasha dzake” pavanhu vese vanoita zvakaipa. (Nahumi 1:2) Jehovha akamboratidza izvi paakaudza vanhu vake vakanga vatsauka kuti vakanga vaita imba yake “bako remakororo,” achiti: “Kutsamwa kwangu nehasha dzangu zvichadururirwa panzvimbo ino.”—Jeremiya 7:11, 20.
b Mishnah inoti pashure pemakore anoverengeka vanhu vakazoratidzira vachinyunyuta pamusoro pemutengo wenjiva dzaitengeswa patemberi. Mutengo wacho wakabva wadzikiswa pakarepo zvekuti mutengo waimbotenga njiva imwe chete wakanga wava kukwanisa kutotenga njiva dzingasvika zana! Ndiani ainyanya kuwana mari nebhizinesi iri raibhadhara zvakadaro? Vamwe vanyori vezvakaitika kare vanoti mabhizinesi aya epatemberi akanga ari eimba yeMupristi Mukuru Anasi, zvekuti mhuri iyoyo yevapristi yakanga yapfuma zvinotyisa.—Johani 18:13.
c VaFarisi vaiti vanhu vakaderera, vasingazivi Mutemo, vakanga “vakatukwa.” (Johani 7:49) Vaiti zvakanga zvisingabvumirwi kuti munhu adzidzise, aite zvebhizinesi, adye, kana kunyengetera nevanhu vakadaro. Kana munhu akabvumira kuti mwana wake aroorwe nemunhu akadaro, zvainzi hazvina kusiyana nekumupa kuchikara chemusango. Vaiti tariro yekumutswa kwevakafa haishandi pavanhu vakadaro.