CHIDZIDZO 56
Ita Kuti Ungano Irambe Yakabatana
Kana tiine vamwe vatinonamata navo, tinonzwa sezvaiita Mambo Dhavhidhi paakati: “Tarisai kunaka kwazvakaita uye kufadza kwazvinoita kana hama dzichigara pamwe chete dzakabatana.” (Pisarema 133:1) Hazvingoitiki zvega kuti tive vanhu vakabatana. Mumwe nemumwe wedu ane zvaanofanira kuita kuti tirambe takabatana.
1. Chii chinoyemurika pavanhu vaMwari?
Kana ukashanya kune imwe nyika woenda kumusangano weungano, unogona kusanzwa hako mutauro weko, asi unonzwa kuti uri pakati pevamwe vako. Chii chinoita kuti unzwe saizvozvo? Chikonzero ndechekuti tinodzidza Bhaibheri tichishandisa mabhuku akafanana munyika yese. Uye tinoedza kuratidzana rudo. ‘Tinodana zita raJehovha, uye tinomushumira takabatana,’ pasinei nekwatinogara.—Zefaniya 3:9.
2. Ungaita sei kuti uchengetedze kubatana kwatakaita?
“Dananai kwazvo zvichibva pamwoyo.” (1 Petro 1:22) Ungashandisa sei zano iri? Panzvimbo pekungotarisa zvinokanganiswa nevamwe, tsvagawo zvakanaka zvavanoita. Usangoshamwaridzana nevanofarira zvaunofarirawo chete. Edza kuzivanawo nevamwe vanobva kwakasiyana-siyana. Tinofanirawo kurwisa pfungwa yekuvenga vanhu vemamwe marudzi yatingava nayo.—Verengai 1 Petro 2:17. a
3. Ungaita sei kana ukatadza kuwirirana nemumwe muKristu?
Kunyange zvazvo tiri vanhu vakabatana, tinombotadziranawo. Tinogona kuitira vamwe vedu zvavanga vasingatarisire kuti tingavaita, kana kutovarwadzisa. Ndosaka Shoko raMwari richitiudza kuti “rambai . . . muchiregererana.” Rinoenderera mberi richiti: “Sezvo Jehovha akakuregererai nemwoyo wese, imiwo itai saizvozvo.” (Verengai VaKorose 3:13.) Takatadzira Jehovha kakawandisa, asi anongotiregerera. Saka anotarisira kuti isuwo tikanganwire hama dzedu. Kana ukaziva kuti pane munhu wawakatadzira, tanga iwe kutora danho rekugadzirisa nyaya yacho.—Verengai Mateu 5:23, 24. b
WEDZERA KUONGORORA
Tsvaga nzira dzaungabatsira nadzo kuti ungano irambe yakabatana uye iine rugare.
4. Kurira dambudziko rekusarura vanhu vemamwe marudzi
Tinofanira kuda hama dzedu dzese. Asi tinogona kuona zvichitiomera kuda mumwe munhu akasiyana nesu. Chii chingatibatsira? Verengai Mabasa 10:34, 35, mobva makurukura mibvunzo iyi:
-
Jehovha anogamuchira vanhu vemarudzi ese kuti vave Zvapupu zvake. Kuziva izvozvo kunofanira kuita kuti tione sei vamwe vanobva kwakasiyana nekwatinobva?
-
Kwaunogara vanhu vanowanzosarura vanhu vakaita sei?
Verengai 2 VaKorinde 6:11-13, mobva makurukura mubvunzo uyu:
-
Unofunga kuti ungaita sei kuti uve pedyo nehama nehanzvadzi dzisiri dzerudzi rwako?
5. Regerera nemwoyo wese uye gadzirisa nyaya kana paine kusawirirana
Jehovha anotiregerera nemwoyo wese, asi hapana paachazomboda kuti isuwo timuregerere. Verengai Pisarema 86:5, mobva makurukura mibvunzo iyi:
-
Kuregerera kwaJehovha kwakakura zvakadii?
-
Chii chinoita kuti uonge kukanganwira kwake?
-
Ndepapi patinogona kuomerwa nekuchengeta rugare muungano?
Tingatevedzera sei Jehovha toramba takabatana nehama dzedu nehanzvadzi? Verengai Zvirevo 19:11, mobva makurukura mubvunzo uyu:
-
Kana mumwe munhu akakugumbura kana kuti akakudenha, ungaite sei kuti nyaya isabva yawedzera kuipa?
Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.
Dzimwe nguva tinogumbura vamwe. Kana izvozvo zvikaitika, tinofanira kuita sei?-
Muvhidhiyo iyi, hanzvadzi yakaita sei kuti igadzirise kusawirirana kwayaive nako neimwe hanzvadzi?
6. Tsvaga zvakanaka muhama dzako nehanzvadzi
Kana tikava pedyo nehama dzedu nehanzvadzi, tinosvika pakuziva zvakanaka zvavanoita uye zvavanokanganisawo. Tingaita sei kuti pfungwa dzedu dzigare dziri pane zvakanaka zvavanoita? Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.
-
Chii chingakubatsira kutarisa zvakanaka pane zvinoitwa nehama dzako nehanzvadzi?
Jehovha anotsvaga zvakanaka matiri. Verengai 2 Makoronike 16:9a, mobva makurukura mubvunzo uyu:
-
Kuziva kuti Jehovha anonyanya kutarisa zvakanaka pane zvaunoita kunoita kuti unzwe sei?
VAMWE VANOTI: “Kuti ndizoregerera munhu, pane basa.”
-
Nei tichifanira kuva vakagadzirira kukanganwira?
PFUPISO
Unogona kubatsira kuti ungano igare yakabatana kana uchikanganwira uye uchiratidza kuti unoda hama nehanzvadzi dzako dzese.
Kudzokorora
-
Ungakurira sei dambudziko rekusarura vanhu vemamwe marudzi?
-
Uchaita sei kana ukapesana nemumwe muKristu?
-
Nei uchida kutevedzera Jehovha panyaya yekuregerera vamwe?
WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
Dzidza kuti mumwe mufananidzo wakambopiwa naJesu unotibatsira sei kuti tisatonge vamwe.
Tingakumbira ruregerero pasina chatatadza here?
“Kukumbira Ruregerero—Kunokosha Kuti Pave Norugare” (Nharireyomurindi, November 1, 2002)
Ona kuti vamwe vakadzidza sei kubata vanhu vese zvakanaka vasingavasaruri.
Ongorora dzimwe nzira dzaungagadzirisa nadzo kusawirirana kusati kwakanganisa rugare rweungano.
“Ratidza Rudo Paunenge Uchiedza Kuyanana Nevamwe” (Nharireyomurindi, May 2016)
a Mamwe Mashoko 6 anotaura kuti rudo runoita sei kuti muKristu asatapurira vamwe zvirwere zvinotapukira.
b Mamwe Mashoko 7 anotaura nezvekugadzirisa kusawirirana panyaya dzemabhizimisi nedziya dzinobatanidza matare edzimhosva.