CHIDZIDZO 02
Bhaibheri Rinotipa Tariro
Pasi rese vanhu vanosangana nematambudziko anoita kuti vasuruvare, vazvidye mwoyo uye varwadziwe. Pane zvawakambosangana nazvo zvakaita kuti unzwewo saizvozvo here? Pamwe uri kutambura nekurwara kana kuti uchangobva kufirwa. Saka ungava nemubvunzo wekuti, ‘Matambudziko achazombopera here?’ Bhaibheri rinotipa mhinduro inogutsa yemubvunzo iwoyo.
1. Itariro ipi yatinowana muBhaibheri?
Bhaibheri rinotsanangura kuti chii chiri kukonzera matambudziko azere munyika uye rine mashoko akanaka ekuti kwasara nguva pfupi kuti matambudziko aya apere. Bhaibheri rinotivimbisa “ramangwana rakanaka netariro.” (Verengai Jeremiya 29:11, 12.) Zvarinotivimbisa zvinotibatsira kuti tisaore mwoyo patinenge tiri mumatambudziko uye kuti tive nemufaro usingaperi.
2. Bhaibheri rinoti ramangwana richange rakadii?
Bhaibheri rinoti mune ramangwana “hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.” (Verengai Zvakazarurwa 21:4.) Panenge pasisina zvinhu zvinoita kuti vanhu vatambure zvakadai seurombo, kusabatwa zvakanaka, zvirwere, uye rufu. Bhaibheri rinovimbisa kuti vanhu vachararama nekusingaperi muParadhiso vachifara pano panyika.
3. Ungaita sei kuti uve nechokwadi chekuti zvinovimbiswa neBhaibheri zvichazadziswa?
Vanhu vakawanda vane tariro yekuti zvinhu zvichanaka, asi havana chokwadi kuti zvichazozadziswa here. Asi zvinovimbiswa neBhaibheri zvichatozadziswa. Tinogona kuwedzera kuvimba nezvarinotaura kana ‘tikanyatsoongorora Magwaro.’ (Mabasa 17:11) Kudzidza kwauchaita Bhaibheri kuchakubatsira kusarudza kana uchida kuvimba nezvarinotaura nezveramangwana.
WEDZERA KUONGORORA
Ongorora zvimwe zvinovimbiswa neBhaibheri nezveramangwana. Ona kubatsirwa kuri kuitwa vanhu netariro iri muBhaibheri.
4. Bhaibheri rinopa vanhu tariro yekurarama nekusingaperi vasina matambudziko
Ona zvinhu zvinotevera zvinovimbiswa neBhaibheri. Ndedzipi vimbiso dzawanyanya kufarira? Nei uchidaro?
Verengai mavhesi akaiswa pavimbiso idzodzo, mozokurukura mibvunzo inotevera:
-
Magwaro aya anogona kukubatsira kuti uve netariro here? Unofunga kuti anogona kuita kuti hama neshamwari dzako dzivewo netariro here?
Chimbofungidzira uchirarama munyika
ISINA . . . |
MUNHU WESE . . . |
---|---|
|
|
|
|
|
|
|
|
|
|
5. Zvinovimbiswa neBhaibheri zvinogona kuchinja upenyu hwako
Vanhu vanoodzwa mwoyo uye vanoshatiriswa nematambudziko ari panyika. Vamwe vanotoita zvekurwa kuti vachinje zvinhu. Ona muvhidhiyo inotevera kuti vimbiso yemuBhaibheri iri kubatsira sei vakawanda. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera:
-
Muvhidhiyo iyi, Rafika ainetseka nenyaya yei?
-
Kunyange zvazvo dambudziko racho risina kupera, Bhaibheri rakamubatsira sei?
Tariro iri muBhaibheri yeramangwana inogona kutibatsira kuti tisaora mwoyo uye tifare pasinei nematambudziko atinosangana nawo. Verengai Zvirevo 17:22 uye VaRoma 12:12, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:
-
Unofunga kuti mashoko etariro ari muBhaibheri anogona kukubatsira kuchinja upenyu hwako here? Nei uchidaro?
VAMWE VANOTI: “Zvinovimbiswa neBhaibheri nezveramangwana ndezvekunyepa.”
-
Nei uchifunga kuti zvinokosha kuti uzvionere wega zvarinotaura?
PFUPISO
Bhaibheri rinotipa tariro yeramangwana uye rinotibatsira kutsungirira matambudziko atiri kusangana nawo patinofunga nezveramangwana rine mufaro.
Kudzokorora
-
Nei vanhu vachida tariro?
-
Bhaibheri rinotii nezveramangwana?
-
Kuva netariro kunokubatsira sei iye zvino?
WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
Dzidza zvimwe nezvekubatsira kwazvinoita kuva netariro.
Ona kuti tariro yeramangwana inogona sei kubatsira vanhu vane chirwere chisingarapiki.
“Bhaibheri Rinogona Kukubatsira Here Kana Uine Dambudziko Reutano?” (Nyaya iri paIndaneti)
Paunenge uchiona vhidhiyo iyi yemumhanzi, fungidzira uine mhuri yako muchifara muri muParadhiso inovimbiswa neBhaibheri.
Verenga unzwe kuti mumwe murume airwira kodzero dzevanhu akachinja sei upenyu hwake paakadzidza nezvetariro iri muBhaibheri yeramangwana.
“Handichafungi Kuti Ndinofanira Kuchinja Nyika” (Nharireyomurindi, July 1, 2013)