Mwoyo
Tinoziva sei kuti Bhaibheri parinotaura nezvemwoyo kakawanda kacho rinenge richireva mafungiro, zvinangwa, unhu uye manzwiro anoita munhu?
Pis 49:3; Zvi 16:9; Ru 5:22; Mab 2:26
-
Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:
-
Ru 9:46-48—Jesu akatsiura vadzidzi vake nekuti mwoyo yavo yairatidza kuti vaida zvinzvimbo
-
Nei tichifanira kuchengetedza mwoyo yedu?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Ge 6:5-7—Uipi hwaiva mumwoyo yevanhu hwakaita kuti vade zvekurwisana uye pakupedzisira Mwari akaunza Mafashamo
-
1Mad 11:1-10—Mambo Soromoni haana kuchengetedza mwoyo wake, akaroora vakadzi vekune dzimwe nyika avo vakazoita kuti mwoyo wake utsauke pana Jehovha
-
Mk 7:18-23—Jesu akati zvido zvese zvakaipa zvinoparadzanisa munhu naMwari zvinotangira mumwoyo
-
Tingadzivirira sei mwoyo yedu?
Pis 19:14; Zvi 3:3-6; Ru 21:34; VaF 4:8
Onawo Ezr 7:8-10; Pis 119:11
-
Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:
-
VaE 6:14-18; 1VaT 5:8—Muapostora Pauro akataura kuti kururama, kutenda uye rudo zvinochengetedza mwoyo wedu wekufananidzira sezvinoitwa nechinovharidzira chipfuva icho chinochengetedza mwoyo
-
Tingaziva sei kana paine zvava kuitika kumwoyo wedu wekufananidzira?
Onawo Zvi 6:12-14
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
2Mak 25:1, 2, 17-27—Mambo Amaziya akaita kanguva achiita zvakarurama pamberi paMwari, asi mwoyo wake wakanga usina kunyatsozvipira; pasina nguva akatanga kuzvikudza akaramba kuteerera Jehovha uye akazopedzisira afa
-
Mt 7:17-20—Jesu akaratidza kuti kana mwoyo wedu wakaipa zvatinoita zvinenge zvakaipawo kungofanana nemuti wakaipa unobereka michero yakaipa
-
Zvakanakirei kuti tirambe tichichengetedza mwoyo wedu, uye tingazviita sei?
Onawo Pis 119:97, 104; VaR 12:9-16; 1Ti 1:5
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
2Mad 20:1-6—Mambo Hezekiya paakarwara zvekufa akanyengetera achikumbira kuti Jehovha amunzwire ngoni nekuti akanga akatendeka uye akanga ashumira Jehovha nemwoyo wakaperera
-
Mt 21:28-32—Jesu akataura mufananidzo unoratidza kuti zvinotaurwa nemunhu handizvo zvinoratidza zviri mumwoyo make asi zvaanoita
-
Nei zvichitinyaradza kuziva kuti Jehovha anoongorora mwoyo yedu?
Onawo 1Sa 2:3
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
1Sa 16:1-13—Muprofita Samueri akadzidza kuti Jehovha haatarisi zvatakaita nechekunze asi anoona zviri mumwoyo medu
-
2Mak 6:28-31—Munyengetero wakapiwa naMambo Soromoni paitsaurirwa temberi yaJehovha unoratidza kuti Mwari anoziva zvinenge zvichitinetsa mumwoyo medu uye anoziva kuti otibatsira sei
-