Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingava Sei Nenguva Yokufara?

Ndingava Sei Nenguva Yokufara?

CHITSAUKO 32

Ndingava Sei Nenguva Yokufara?

Maka zvirevo zvinotevera kuti chokwadi kana kuti nhema.

Maererano neBhaibheri . . .

Nguva dzose zvakaipa kuita zvemitambo.

□ Chokwadi □ Nhema

Mafirimu ose uye zvinoratidzwa paTV zvakaipa.

□ Chokwadi □ Nhema

Kutamba kwose hakubvumirwi.

□ Chokwadi □ Nhema

WASHANDA zvakaoma vhiki yose. Wambozorora zvokuenda kuchikoro. Wapedza mabasa ako epamba. Uye uchiri nerimwe simba rokushandisa, chimwe chezvikomborero zvokuva muduku. (Zvirevo 20:29) Iye zvino zvawava kungoda kufara!

Vezera rako vangafunga kuti Bhaibheri rinorambidza kufara uye kuti rinokutadzisa kufara. Asi ichocho ichokwadi here? Ngationei zvirevo zviri papeji yapfuura zvinoda kupindurwa kuti chokwadi kana kuti nhema toona kuti Bhaibheri rinombotii nezvokufara.

Nguva dzose zvakaipa kuita zvemitambo.

Nhema. Bhaibheri rinoti “kurovedza muviri kunobatsira.” (1 Timoti 4:8) Mazuva ano kune mitambo yakasiyana-siyana—yakaita seskating, kuchovha bhasikoro, kumhanya, kutamba tenisi, basketball, nhabvu, nevolleyball, kungotaura mishomanana—inogona kuita zvose, kurovedza muviri uye inofadza.

Izvi zvinoreva here kuti hapana chikonzero chokungwaririra? Chimbofunga mashoko akapoteredza ndima yataurwa pamusoro apa. Paainyorera wechiduku Timoti, muapostora Pauro akati: “Kurovedza muviri kunobatsira zvishoma; asi kuzvipira kuna Mwari kunobatsira muzvinhu zvose, zvakuine chipikirwa choupenyu huno nohuya huchauya.” Mashoko aPauro anotiyeuchidza kuti nguva dzose kufadza Mwari kunofanira kuva panzvimbo yokutanga. Unogona kuva nechokwadi chokuti kuzvipira kuna Mwari kunofanira kuva pakutanga—kunyange paunenge uchisarudza mutambo—nokuzvibvunza mibvunzo mitatu inotevera:

1. Mutambo wacho une ngozi zvakadini? Usangovimba nezvinotaurwa nevamwe kana kuti nevamwe vechiduku vanofarira mutambo wacho. Ziva zvinobatanidzwa. Somuenzaniso, ziva zvinotevera: Vangani vanokuvara pavanenge vachiita mutambo uyu? Chii chinoitwa kuti vanhu vasakuvara? Kuti mutambo uyu uitwe zvisina ngozi, kurovedza kupi kunodiwa uye ndezvipi zvinoshandiswa? Kunyange zvazvo paine ngozi dzinoitika muzvinhu zvose zvinoitwa, chinangwa chikuru chomutambo uyu ndechokudzivisa kukuvara kana kuti rufu here?

Upenyu chipo chinobva kuna Mwari, uye Mutemo waMwari wakapiwa vaIsraeri waiita kuti munhu arangwe zvakasimba kana aiuraya mumwe munhu netsaona. (Eksodho 21:29; Numeri 35:22-25) Saka vanhu vaMwari vaikurudzirwa kuti vangwaririre ngozi. (Dheuteronomio 22:8) Saizvozvowo, mazuva ano vaKristu vanosungirwa kuti varemekedze upenyu.

2. Mutambo wacho uchaita kuti uwane shamwari dzakanaka here? Kana uchigona zvemitambo, vezera rako uye vadzidzisi vangakukurudzira kuti upinde mutimu yechikoro. Unganzwa uchida zvikuru kubvuma. Mumwe muKristu wechiduku anonzi Mark anoti, “Ndinonzwa sokuti ndiri kudzvinyirirwa kana vabereki vachindirambidza kuti ndive mutimu yechikoro.” Asi pane kuedza kunyengetedza vabereki vako kuti vabvume maonero ako, chimbofunga zvinotevera: Kudzidzira uye kutamba mutambo wacho zvinowanzoitwa mapedza chikoro. Kana uchiugona, uchakurudzirwa kuti upedzere nguva yakawanda pamutambo wacho. Kana usinganyanyi kuugona, uchanzwa uchida kupedza nguva yakawanda uchidzidzira. Uyezve, vanhu vomutimu yacho vanowanzova noushamwari hwepedyo sezvavanopemberera pavanokunda uye kusuruvara pamwe chete kana vadyiwa.

Iye zvino zvibvunze kuti: ‘Kupedza nguva yangu ndichiita zvinhu zvingaguma nokuva noushamwari hwepedyo nevechiduku vasingatendi zvandinotenda kuchandibatsira here?’ (1 VaKorinde 15:33) ‘Zvinhu zvipi zvandinoda kurasikirwa nazvo kuti ndive mutimu yakati?’

3. Mutambo wacho uchadya nguva uye mari yakawanda zvakadini? Bhaibheri rinotirayira kuti tive ‘nechokwadi nezvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe.’ (VaFiripi 1:10) Kukubatsira kuti ushandise zano iri, zvibvunze kuti: ‘Kutamba mutambo uyu kuchandidyira nguva yokuita homuweki kana kuti zvimwe zvinhu zvine chokuita nokunamata here? Mutambo wacho unodya marii? Ndinoikwanisa here?’ Kupindura mibvunzo iyi kuchakubatsira kuisa pakutanga zvinhu zvinonyanya kukosha.

Mafirimu ose uye zvinoratidzwa paTV zvakaipa.

Nhema. Bhaibheri rinorayira vaKristu kuti ‘vabatisise zvinhu zvakanaka kwazvo uye kuti varege zvakaipa zvose.’ (1 VaTesaronika 5:21, 22) Haasi mafirimu ose uye zvinoratidzwa paTV zvinopesana nomurayiro uyu. *

Zvechokwadi, kuenda kufirimu kungava nzira inofadza yokuti upedze nguva uine shamwari. Mumwe musikana wokuSouth Africa anonzi Leigh anoti, “Kana ndiri kuda kuona rimwe firimu, ndinofonera shamwari yangu, uye tinofambisa shoko kune dzimwe shamwari dzedu.” Kazhinji boka iri rinoona firimu rinokurumidza kutanga. Pashure pacho, vabereki vavo vanovatakura, uye vanoenda vose kunodya pamwe chete kuresitorendi.

Mafirimu uye TV zvingava zvinhu zvemazuva ano, asi kunongova kuratidzwa kutsva kwokutaura ngano kwaiitwa kare. Jesu aiva nyanzvi pakusvika mwoyo yevanhu nokutaura nyaya. Somuenzaniso, mufananidzo wake womuSamariya akanaka unoita kuti unzwe tsitsi uye unodzidzisa zvidzidzo zvakadzama zvine chokuita netsika.—Ruka 10:29-37.

Mazuva ano vagadziri vemafirimu vanodzidzisawo zvidzidzo zvinochinja maonero anoita vanhu tsika. Vanoedza kuita kuti vanhu vanoaona vafarire vatambi vanoratidzwa—kunyange kana gamba racho riri tsotsi kana kuti munhu ane utsinye, anoda kuva nesimba pamusoro pevamwe. Kana usina kungwarira, ungazviona wava kushuva kuti tsotsi riri mufirimu ribudirire, uchipembedza zviito zvaro zvisina kunaka kana kuti zvoutsinye! Unganzvenga sei musungo uyu?

Paunenge uchisarudza firimu kana kuti purogiramu yeTV, zvibvunze kuti: ‘Purogiramu iyi ichandikurudzira kuti ndinzwire vamwe tsitsi here?’ (VaEfeso 4:32) ‘Kana kuti ichaita kuti ndifarire njodzi yomumwe here?’ (Zvirevo 17:5) ‘Ichaita kuti zvindiomere ‘kuvenga zvakaipa’ here?’ (Pisarema 97:10) ‘Chaizvoizvo, ndichanzwira tsitsi vanhu “vanoita zvakaipa” here?’—Pisarema 26:4, 5.

Kukurukurwa kwefirimu muchidimbu uye kushambadzirwa kwaro kungaita kuti uzive zvishoma zviri mariri. Asi usa“ngotenda mashoko ose” usina kunyatsofunga. (Zvirevo 14:15) Nei? Kukurukurwa kwefirimu kunongoratidza mafungiro omumwe munhu. Uye vanoshambadza firimu racho vangarega nemaune kubudisa chokwadi chokuti firimu racho rine zvikamu zvakashata. Mumwe wechiduku anonzi Connie anoti, “Ndakaona kuti kuziva kuti vatambi vakuru vomufirimu racho ndivanaani kunowanzoita kuti uzive kuti firimu racho ringangoratidzei.”

VaKristu vezera rako vaunonamata navo vangaziva kana firimu rakati rakanaka. Asi yeuka kuti vanhu vanowanzokuudza zvavakanakidzwa nazvo mufirimu racho. Wadii kuvabvunza kuti zvii zvisina kunaka zviri mariri? Nanga pane zvaunoda kuziva. Somuenzaniso, bvunza kana muine zvikamu zvinoratidza chisimba, zvepabonde, kana kuti kusvikirwa nemadhimoni. Vabereki vako vangakupawo mazano akanaka. Wechiduku anonzi Vanessa anoti: “Ndinobvunza vabereki vangu. Kana vachifunga kuti zvakanaka kuti ndirione, ndinoenda kunoriona.”

Usarerutsa nyaya yokusarudza firimu kana kuti purogiramu yeTV. Nei? Nokuti varaidzo yaunosarudza inobudisa zviri mumwoyo mako, ichiratidza tsika dzaunokoshesa. (Ruka 6:45) Zvaunosarudza zvinobudisa pachena zvakawanda nezveshamwari dzaunofarira, mutauro waunogamuchira, tsika dzezvepabonde dzaunoshivirira. Saka sarudza!

Kutamba kwose hakubvumirwi.

Nhema. VaIsraeri pavakayambuka Gungwa Dzvuku ndokutiza uto revaIjipiti, Miriyemu akatungamirira vakadzi pakupemberera vachitamba. (Eksodho 15:20) Uyewo, mumufananidzo waJesu womwanakomana anopambadza, kupemberera kwakaitwa pakadzoka mwanakomana uyu kwaisanganisira “mimhanzi nokutamba.”—Ruka 15:25.

Ndizvo zvinoitika nhasi. Munyika dzakawanda vaduku nevakuru vanonakidzwa nokutamba pavanoungana pamwe chete semhuri neshamwari. Zvisinei, zvinoda kungwarira. Kunyange zvazvo Bhaibheri risingarambidzi kuungana kune mwero, rinonyevera nezve“mitambo yemafaro akanyanyisa” kana kuti “mapati oupengo.” (VaGaratiya 5:19-21; Byington) Muprofita Isaya akanyora kuti: “Vane nhamo vaya vanofumomuka kuti vatsvake doro rinodhaka chete, vanoswerera kusvikira manheru kwasviba zvokuti waini yacho inovapengesa! Pamitambo yavo pachava norudimbwa nechiridzwa chine tambo, gandira nenyere, uye waini; asi havatariri basa raJehovha.”—Isaya 5:11, 12.

Mitambo yakadaro yaisanganisira kushandiswa kwe“doro rinodhaka” uye mimhanzi youpengo. Yaikurumidza kutanga uye yaizopera ava manheru. Onawo mafungiro evanhu vaipinda mitambo yacho—vaiita sokuti Mwari haako! Saka hazvishamisi kuti Mwari akanga asingabvumiri mitambo yakadaro.

Kana ukakokwa kupati kuchange kuchitambwa, zvibvunze mibvunzo yakadai seyokuti: ‘Ndivanaani vachaendako? Vane mukurumbira worudzii? Ndiani achange achiona nezvepati yacho? Zvinhu zvichange zvichitarisirwa sei? Vabereki vangu vanobvuma kuti ndiende kupati iyi here? Kutamba kworudzii kuchange kuripo?’ Kutamba kwakawanda kunongoitirwa kumutsa zvishuwo zvepabonde. Kutamba kwakadaro kana kuti kungokuona kungakubatsira kuti ‘utize ufeve’ here?—1 VaKorinde 6:18.

Ko kana ukakokwa kunotamba kunightclub? Chimbofunga zvakataurwa newechiduku anonzi Shawn, aiwanzopedza nguva yakawanda ari kumadhindindi asati ava muKristu. Anoti: “Kazhinji mimhanzi yacho yakaipa, kutamba kwacho kunowanzova kuri kwounzenza, uye vakawanda vanoenda ikoko vanenge vaine chinangwa.” Shawn anoti, chinangwa chacho ndechokubva ipapo wava nomumwe munhu wokuita naye zvepabonde. Pashure pokunge adzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, mwoyo waShawn wakachinja. Akanga ava nemaonero api? “Nzvimbo idzodzo hadzisi dzevaKristu.”

Nei Uchifanira Kugara Wakamuka?

Unofunga kuti musoja ari nyore kurwiswa rini—paanenge ari muhondo here kana kuti paanenge achizorora zvake neshamwari dzake? Chokwadi, paanenge achizorora zvake ndipo paanenge asingagoni kunyatsozvidzivirira uye ndipo paanenge ari pangozi zvikuru. Saizvozvowo, paunenge uri kuchikoro kana kuti kubasa, unenge wakangwaririra zvikuru kuzvidzivirira pakunamata. Unenge wakangwaririra ngozi dzingangovapo. Pave paya paunenge wazorora neshamwari dzako ndipo paungangokanganiswa tsika dzako.

Vamwe vezera rako vangakuseka kuti unoomerera kutsika dzakakwirira dzeBhaibheri kana totaura nezvokufara. Dambudziko ringatobva kune vechiduku vakarerwa nevabereki vechiKristu. Asi hana dzevechiduku vakadaro dzakatsva. (1 Timoti 4:2) Vangakupomera kuti uri kunyanyisa kana kuti uri kuzviita munhu akarurama. Zvisinei, pane kubvuma kufurirwa, ‘iva nehana yakanaka.’—1 Petro 3:16.

Vezera rako zvavanofunga nezvako hazvisizvo zvinonyanya kukosha asi zvinofungwa naJehovha nezvako! Uye kana shamwari dzako dzichikunetsa nokuti unotevedzera hana yako, unofanira kutsvaka dzimwe shamwari. (Zvirevo 13:20) Yeuka kuti ndiwe unofanira kuchengetedza tsika dzako—kunyange paunenge uchifara zvako.—Zvirevo 4:23.

VERENGA ZVAKAWANDA NEZVENYAYA IYI MUBHUKU 1, CHITSAUKO 37

ZVIRI MUCHITSAUKO CHINOTEVERA Zvinonyadzisira zvapararira uye zvava nyore zvikuru kuona kupfuura kare. Unganzvenga sei musungo uyu?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 22 Kuti uwane mamwe mashoko, ona Bhuku 1, chitsauko 36.

RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU

Fara hako, iwe jaya, uchiri muduku, . . . uye famba munzira dzomwoyo wako nomuzvinhu zvinoonekwa nemaziso ako. Asi ziva kuti Mwari wechokwadi achakutongera zvinhu zvose izvi.Muparidzi 11:9.

ZANO

Bvunza vabereki vako kana vangada kuronga nguva mwedzi woga woga yamungadzima TV mova nenguva yokufara pamwe chete semhuri.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Kutamba uye mimhanzi zvaikoshawo pakunamata kwechokwadi kwevaIsraeri.—Pisarema 150:4.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kana ndikakokwa kuti ndizopinda mutimu inotamba tapedza chikoro ndichati ․․․․․

Kana firimu randinenge ndichiona neshamwari dzangu risina kunaka, ndicha- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezve- nyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

Nei vaKristu vachifanira kudzivisa mitambo ine ngozi zvikuru?

Ungaziva sei kana firimu rakakodzera?

Ungarondedzera sei kutamba kunogamuchirika?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 269]

“Ndinofarira kutamba, asi ndakadzidza kuti kuteerera zano revabereki vangu kunokosha. Handibvumiri kuti kutamba kuve chinhu chikuru muupenyu hwangu.’’—Tina

[Mufananidzo uri papeji 268]

Musoja ari nyore kurwiswa paanenge achizorora zvake—uye paunenge wakazorora ndipo paungakanganiswa tsika dzako