Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Muenzaniso Wokutevedzera​—VaHebheru Vatatu

Muenzaniso Wokutevedzera​—VaHebheru Vatatu

Muenzaniso Wokutevedzera​—VaHebheru Vatatu

Hananiya, Mishaeri, naAzariya vamire pabani reDhura, pedyo neBhabhironi. Vanhu vose vakavapoteredza vanopfugamira chifananidzo chihombe. Pasinei nokuona zviri kuitwa nevamwe vavo uye kutyisidzirwa namambo, majaya aya anoramba akatsunga. Vachiratidza ruremekedzo uye kuti vakashinga, vanoudza Nebhukadhinezari kuti chisarudzo chavo chokushumira Jehovha hachichinjiki.—Dhanieri 1:6; 3:17, 18.

Varume ava vaiva vaduku pavakaendeswa kuBhabhironi senhapwa. Kutendeka kwavo pavaiva vaduku—kuramba kudya zvokudya zvingava zvairambidzwa noMutemo waMwari—kwakavabatsira kuti vazotarisana nemiedzo yakaoma muupenyu gare gare. (Dhanieri 1:6-20) Kubva pane zvavakanga vambosangana nazvo vaiziva kuti kuteerera Jehovha ndiko kuchenjera. Unonyatsoomererawo pamitemo yaMwari pasinei nokuda kufanana nevezera rako here? Kana iye zvino uchiri muduku uchiziva kuteerera Jehovha muzvinhu zvingaita sezviduku, uchange wagadzirira kuramba wakatendeka paunozotarisana nematambudziko makuru muupenyu.—Zvirevo 3:5, 6; Ruka 16:10.