Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Ndichifunga Kuti Ndinofanira Kuita Zvinhu Ndisingakanganisi?

Nei Ndichifunga Kuti Ndinofanira Kuita Zvinhu Ndisingakanganisi?

CHITSAUKO 27

Nei Ndichifunga Kuti Ndinofanira Kuita Zvinhu Ndisingakanganisi?

Unogumbuka here kana ukatadza kuwana mamakisi aunoda pabvunzo?

□ Hungu

□ Kwete

Unonzwa sokuti haubatsiri zvachose here pose paunotsoropodzwa?

□ Hungu

□ Kwete

Unoomerwa nokutanga ushamwari kana kuti kuhuchengetedza here nokuti hapana anoita seanokwanisa kuita zvaunoda?

Hungu

Kwete

KANA wapindura kuti hungu mubvunzo mumwe chete kana kuti kupfuura pane iri pamusoro apa, ungave uine dambudziko rokuda zvinhu zvakanyanya kururama. Ungabvunza kuti, ‘Asi chii chakaipa nokuedza kuita zvinhu sezvazvinofanira kuitwa chaizvo?’ Hapana chakamboipa. Bhaibheri rinorumbidza munhu “ane unyanzvi pabasa rake.” (Zvirevo 22:29) Zvisinei, munhu anofunga kuti haafaniri kukanganisa anoita zvakapfuura mwero.

Somuenzaniso, Jason ane makore 19 anobvuma kuti: “Mugore rangu rokupedzisira kuchikoro, ndainzwa sokuti kana ndaizotadza kuwana mamakisi andaida pabvunzo, ndainge ndisina zvandaita. Ndinoridzawo piyano, uye ndainzwa sokuti ndaifanira kuiridza senyanzvi inoridza kumakonzati.”

Kunyanya kuda kuita zvinhu usingakanganisi kungatokukanganisa pakunamata. Chimbofunga zvingaitika kune wechiduku anogara achitaurwa nezvake somuenzaniso wakanaka kune vamwe. Sezvo achigara achitaurwa nezvake, anganzwa sokunge kuti ari kufamba patambo yakakakwa, munhu wose achitarisa zvose zvaanoita. Chokwadi, vaKristu vaduku nevakuru vanobatsirwa nevanhu vane muenzaniso wakanaka muungano. Asi kana wechiduku akaedza kuti arambe ari munhu asingakanganisi, angarasikirwa nomufaro wake mubasa raMwari. Kana izvi zvikaitika, wechiduku wacho anofanira kubatsirwa. Asi angasakumbira kubatsirwa kwacho, achityira kuti angaodza mwoyo vaya vanomuyemura zvikuru. Angatoedzwa kuti arege zvachose kuita zvakanaka achifunga kuti, ‘Kana ndisingagoni kuramba ndichiita zvinhu ndisingakanganisi, ndingaedzerei zvangu?’

Kurwisa Kusada Kukanganisa

Vanhu vanonyanya kuda kuita zvinhu vasingakanganisi vanotambura nepfungwa isiri iyo yokuti munhu haatombofaniri kukanganisa. Zvisinei, mafungiro akadaro ndeokuzvinyengedza zvechokwadi. Bhaibheri rinotaura pachena kuti: “Vanhu vose vakatadza, vakakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari.” (VaRoma 3:23) Saka hazviiti kuti chero upi wedu ave akanyatsokwana. Kutaura zvazviri, kufunga kuti unogona kuita zvinhu usingakanganisi hakuna musoro sokufunga kuti unogona kungokwakuka wotobhururuka. Pasinei nokuti izvi unozvidavira zvakasimba sei, hazvisi kuzoitika!

Ungaita sei kuti mafungiro okusada kukanganisa asadzore upenyu hwako? Edza zvinotevera:

Ongororazve kwaunoti “kubudirira.” Unozviuraya uchiedza kuva nhamba hwani here? Bhaibheri rinoti kuedza kwakadaro kungaita soku“dzingirira mhepo.” (Muparidzi 4:4, Bhaibheri Rinoera) Chokwadi ndechokuti, vashoma vanombofa vakava “nhamba hwani.” Uye kunyange kana munhu akava nhamba hwani, kazhinji hazvitori nguva pasati pauya mumwe anoita zvinomupfuura. Kubudirira kunoreva kuita zvose zvaunogona—kwete kuita zvinopfuura kubudirira kwomumwe.VaGaratiya 6:4.

Ona zvinhu sezvazviri. Zva- unotarisira zvinofanira kuenderana nezvaunogona uye zvausingakwanisi. Kutarisira zvinhu zvakanyanya kukwirira kungava chiratidzo chokusazvininipisa—kunyange chokutozvikudza. Muapostora Pauro anopa zano rakanaka rokuti: “Ndinoudza munhu wose ari pakati penyu kuti arege kufunga nezvake kupfuura zvaanofanira kufunga.” (VaRoma 12:3) Saka ona zvinhu sezvazviri. Gadzirisa zvaunotarisira. Edza kuita zvose zvaunogona kwete kuedza kuita zvinhu zvakakwana.

Sununguka! Edza kuita zvimwe zvinhu zvausingagoni, zvakadai sokuridza chiridzwa chomumhanzi. Chokwadi, unototi ukanganise kakawanda. Zvisinei, iye zvino chiedza kuona nerimwe ziso zvaunokanganisa. Bhaibheri rinoti pane “nguva yokuseka.” (Muparidzi 3:4) Saka wadii kuva munhu akasununguka anofara? Kuita izvozvo kuchakubatsira kuti uone kuti tinodzidza kubva pane zvatinokanganisa. Chokwadi, zvingasava nyore kuti ubvume kuti unokanganisa. Asi edza nesimba kubvisa pfungwa dzisina kunaka dzokuzvitsoropodza.

Nguva dzose yeuka kuti Jehovha haatarisiri kuti tive vakakwana; anongoda kuti tive vakatendeka kwaari. (1 VaKorinde 4:2) Kana uri kuedza kuva akatendeka, zvechokwadi ungafara nezvauri—kunyange zvazvo usina kukwana.

ZVIRI MUCHITSAUKO CHINOTEVERA

Ungochani huri kugamuchirwa chaizvo mazuva ano. Ungahudzivisa sei? Ko kana uine zvishuwo zvokuita ungochani?

RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU

Hapana munhu akarurama panyika anoramba achiita zvakanaka asingatadzi.Muparidzi 7:20.

ZANO

Funga nezverimwe basa rawakaverengera kuita nokungoti waitya kuti waisazoriita zvakanyatsonaka. Ibva waronga zuva rokuripedzisa.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Jehovha akakwana, asi paanobata nevanhu vasina kukwana, haatarisiri kuti vasakanganisa. Haasi munhu asinganzwisisi kana kuti anotarisira kuti tiite zvatisingakwanisi.

ZVANDINORONGA KUITA!

Pandinotanga kunyanya kuzvitsoropodza, ndicha- ․․․․․

Pandinotanga kunyanya kutsoropodza vamwe, ndicha- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezve- nyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Kana paripo, ndepapi muupenyu paunozvirongera zvinangwa zvakanyanya kukwirira?

● Indima dzipi dzeBhaibheri dzinonyatsokuratidza kuti Jehovha Mwari haatarisiri kuti vashumiri vake vave vakakwana?

● Nei vamwe vangatambira kure newe kana uri munhu anonyanya kuda kuita zvinhu asingakanganisi?

● Mune ramangwana, uchaita sei paunokanganisa?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 226]

“Kuita zvose zvaunogona uye kuva munhu anoda kunyanya kuita zvinhu asingakanganisi zvinhu zviviri zvakasiyana; chimwe chacho chinoratidza kunzwisisa uye chimwe hachiratidzi kunzwisisa.’’—Megan

[Bhokisi riri papeji 228]

Kuda Kuita Zvinhu Usingakanganisi Uye Ushamwari

Unoita kuti vanhu vasatambire pedyo newe nokuti havaiti zvinoenderana newe here? Kana kuti vanhu vakanaka vanotambira kure newe nokuti zvaunotarisira pashamwari zvinoita sezvakanyanya kukwirira here? Bhaibheri rinotipa zano rokuti: “Usanyanya kuva akarurama, kana kuratidza kuti wakanyanya kuchenjera. Nei uchifanira kuzviparadza?” (Muparidzi 7:16) Zvakare munhu anonyanya kuda kuita zvinhu asingakanganisi anozviparadza nokuzviparadzanisa nevaya vanganakidzwa nokushamwaridzana naye. Mumwe musikana anonzi Amber anoti, “Hapana munhu anoda kuva nevanhu vanomutarisira pasi, uye ndakaona kuti vanhu vanoda zvinhu zvakanyanya kururama vanorasikirwa neshamwari dzakanaka pamusana pezvinhu zvidukuduku.”

[Mufananidzo uri papeji 229]

Kuedza kuva akakwana hakuna musoro sokuedza kubhururuka