Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingava Sei Neshamwari Dzakanaka?

Ndingava Sei Neshamwari Dzakanaka?

CHITSAUKO 8

Ndingava Sei Neshamwari Dzakanaka?

“Kana ndakatsamwa, ndinoda munhu wokuudza manzwiro andinenge ndichiita. Kana ndakasurukirwa, ndinoda mumwe munhu anondinyaradza. Kana ndichifara, ndinoda mumwe munhu wokufara naye. Shamwari dzinokosha chaizvo kwandiri.”—Brittany.

ZVINONZI vana vadiki vanoda vokutamba navo, asi vanenge vachiyaruka vanoda shamwari. Musiyano uri papi?

Munhu wokutamba naye munhu waunopedza nguva uinaye.

Shamwari munhu anokoshesawo zvaunokoshesa.

Uyezve, Bhaibheri rinoti, “shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzose, uye ihama inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.” (Zvirevo 17:17) Tsananguro iyi ingangoreva ushamwari hwakasimba kupfuura huya hwamaiita pamaitamba muchiri vana vaduku!

Chokwadi ndeichi: Sezvaunenge uchikura, unoda shamwari

1. Dzine unhu hunoyemurika

2. Dzine tsika dzinorumbidzwa

3. Dzinokuvaka

Mubvunzo: Ungawana sei shamwari dzakadaro? Ngationgororei chimwe nechimwe cheizvi.

Chinoumba Ushamwari #1—Unhu Hunoyemurika

Zvaunofanira kuziva. Haasi munhu wose anozviti shamwari angava shamwari chaiyo. Bhaibheri rinototi “kune shamwari dzinongoda zvokuputsana.” (Zvirevo 18:24) Zvingaita sokuti kuwedzeredza. Asi chimbofunga izvi: Wakamboita here “shamwari” yaingoda kukushandisa chete? Kana kuti yaikuseura gotsi kana kuti kuparadzira mashoko enhema nezvako? Zvinhu zvakadai zvinoita kuti usavimba neshamwari yacho. * Usambofa wakakanganwa kuti zviri nani kuva neshamwari dzakanaka dziri shoma pane kuva neshamwari dzakawanda asi dzakaipa!

Zvaungaita. Tsvaka shamwari dzine unhu hwakakodzera kutevedzera.

“Vanhu vose vanoyemura shamwari yangu Fiona. Ndinoda kuti vataurewo zvakanaka nezvangu. Ndinoda kuita saiye. Ndizvo zvandinoyemura.”—Yvette, ane makore 17.

Edza kuita izvi.

1. Verenga VaGaratiya 5:22, 23.

2. Zvibvunze kuti, ‘Shamwari dzangu dzine unhu hunoumba “chibereko chomudzimu” here?’

3. Nyora pasi apa mazita eshamwari dzako dzepedyo. Pamberi pezita rimwe nerimwe, nyora unhu hunonyatsotsanangura munhu wacho.

Zita Unhu

․․․․․ ․․․․․

Kukuruma nzeve: Kana unhu hwakashata huri ihwo hunouya mupfungwa, ingava nguva yokuti utsvake shamwari dziri nani!

Chinoumba Ushamwari #2—Tsika Dzinorumbidzwa

Zvaunofanira kuziva. Paunonyanya kunzwa sokuti haukwanisi kugara usina shamwari ndipo paunowanzowana shamwari dzakaipa. Bhaibheri rinoti: “Iye anofambidzana nemapenzi zvichamuipira.” (Zvirevo 13:20) Shoko rokuti “mapenzi” harirevi vanhu vasingagoni muchikoro kana kuti vasina njere. Asi rinoreva vaya vanopira makotsi kumazano anobatsira vorarama upenyu hwokushaya tsika. Ndidzo shamwari dzausingafaniri kuva nadzo!

Zvaungaita. Pane kungoshamwaridzana nomunhu wose wose, unofanira kusarudza. (Pisarema 26:4) Izvi hazvirevi kuti unofanira kuva norusaruro. Papfungwa iyi, kusarudza kwaunofanira kuita kunoreva kuti unogona ‘kuona kusiyana kwomunhu akarurama nomunhu akaipa, kwouya anoshumira Mwari nouya asina kumushumira.’—Maraki 3:18.

“Ndinotenda vabereki vangu nokuti vakandibatsira kuti ndiwane shamwari dzezera rangu dzinoita zvakanaka pakunamata.”Christopher, ane makore 13.

Pindura mibvunzo inotevera:

Pandinenge ndiine shamwari dzangu, ndinogara ndichityira here kuti dzichandifurira kuita zvinhu zvandinoziva kuti zvakaipa?

□ Hungu

□ Kwete

Ndinongotsika-tsika kusuma shamwari dzangu kuvabereki vangu here, ndichityira kuti vangasadzifarira?

□ Hungu

□ Kwete

Kukuruma nzeve: Kana wapindura kuti hungu kumibvunzo iri pamusoro apa, tsvaka shamwari dzine tsika dzakanaka, dziya dzine muenzaniso wakanaka pakurarama kwechiKristu.

Chinoumba Ushamwari #3Dzinokuvaka

Zvaunofanira kuziva. Bhaibheri rinoti: “Kushamwaridzana nevanhu vakaipa kunoodza tsika dzakanaka dzomunhu.” (1 VaKorinde 15:33, Bhaibheri Rinoera) Wechiduku anonzi Lauren anoti: “Vandaidzidza navo vaibvuma kushamwaridzana neni chete pandaiita zvavaindiudza. Ndainzwa kusurukirwa, saka ndakasarudza kuita zvavaiita kuti vandifarire.” Lauren akaona kuti paunotevedzera zvinodiwa nevamwe kuti ungofanana navo, unoita sechidhori chepamutambo wechesi chavanongofambisa pavadira. Haufaniri kuitwa izvozvo!

Zvaungaita. Siyana nevaya vanokumanikidza kuti uchinje worarama uchiita zvavanoita. Kana ukadaro, ungava neshamwari shoma; asi mufaro wako uchawedzera uye uchava nemikana yakawanda yokuva neshamwari dzakanaka—dziya dzichakuvaka.—VaRoma 12:2.

“Shamwari yangu yepedyo Clint akadzikamira uye ane tsitsi, uye nemhaka yaizvozvo, ave achindikurudzira zvikuru.”Jason, ane makore 21.

Zvibvunze mibvunzo inotevera:

Ndinochinja here mapfekero andinoita, kutaura kana kuti kuita zvinhu zvakaipa kuitira kuti ndingofadza shamwari dzangu?

□ Hungu

□ Kwete

Ndinoenda here kunzvimbo dzinoita kuti vanhu vave nemibvunzo dzandaisazoenda dai kwaisava kuti ndinoitira shamwari dzangu?

□ Hungu

□ Kwete

Kukuruma nzeve: Kana wapindura kuti hungu kumibvunzo yapfuura, tsvaka mazano kuvabereki vako kana kune mumwe munhu wechikuru anokuvaka. Kana uri mumwe weZvapupu zvaJehovha, unogona kutaurawo nomukuru wechiKristu womuudza kuti unoda kubatsirwa pakusarudza shamwari dzinokuvaka.

VERENGA ZVIMWE NEZVENYAYA IYI MUBHUKU 2, CHITSAUKO 9

MUCHITSAUKO CHEDU CHINOTEVERA

Yaunoti shamwari yako—kana kuti zvimwe mwoyo wako—iri kukukurudzira kuita zvakaipa here? Ona kuti ungakunda sei!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 14 Ichokwadi kuti munhu wose anokanganisa. (VaRoma 3:23) Saka kana shamwari ikakurwadzisa asi yoratidza nomwoyo wose kuti iri kuzvidemba, yeuka kuti “rudo runofukidza zvivi zvizhinji.”—1 Petro 4:8.

RUGWARO RUNOKOSHA

“Kune shamwari inonamatira kupfuura mukoma.”—Zvirevo 18:24.

ZANO

Rarama maererano nemirayiro yakarurama, uye vamwe vanoedza kuita izvozvo vachashamwaridzana newe. Vanova shamwari dzakanaka zvikuru!

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Mwari haasaruri, asi haagamuchiri munhu wose wose kuti ave ‘mueni mutende rake.’—Pisarema 15:1-5.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kuti ndiwane shamwari dzakanaka, ndicha- ․․․․․

Vamwe vakuru kwandiri vandinoda kuziva zviri nani vanosanganisira ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Unhu hupi hwaunonyanya kukoshesa pashamwari, uye nei?

● Unhu hupi hwaunofanira kushandira kuti uve shamwari yakanaka?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 60]

Vabereki vangu pavakandikurudzira kuti ndisiyane nedzimwe shamwari, ndakafunga kuti idzi ndidzo chete dzandaida kushamwaridzana nadzo. Zvisinei, zano revabereki vangu rakanga rakanaka, uye pandakangofunga nezvaro, ndakabva ndaziva kuti paiva neshamwari dzakawanda dzakanaka.’’—Cole

[Bhokisi riri papeji 61]

Edza Kuita Izvi

Taura nevabereki vako nezveushamwari. Vabvunze kuti vaiva neshamwari dzakaita sei pavaiva pazera rako. Vanozvidemba here pakusarudza vanhu vavaitamba navo? Kana zvakadaro, nei vachizvidemba? Vakumbire kuti vakuudze zvaungaita kuti usazopinda mumatambudziko avakava nawo.

Ita kuti vabereki vako vazive shamwari dzako. Kana uchizeza kuita izvozvo, zvibvunze kuti, ‘Nei ndichidaro?’ Pane here zvinoitwa neshamwari dzako zvaunoziva kuti vabereki vako havazvibvumiri? Kana zvakadaro, ungafanira kunyatsongwarira pakusarudza shamwari dzako.

Iva muteereri akanaka. Ratidza kuti une hanya nokugara zvakanaka kweshamwari dzako uye zvinenge zvichidzinetsa.—VaFiripi 2:4.

Kanganwira. Usatarisira kuti shamwari yako haizombokanganisi. “Tose tinokanganisa kazhinji.”—Jakobho 3:2.

Ipewo nguva. Haufaniri kubva wangoramba wakati kwatikwati nayo. Shamwari chaidzo dzinenge dziripo panguva yaunenge uchidzida.—Muparidzi 4:9, 10.

[Mufananidzo uri papeji 63]

Paunotevedzera zvinodiwa nevamwe kuti ungofanana navo, unogona kuita sechidhori chepamutambo wechesi chavanongofambisa pavadira