KURARAMA KWECHIKRISTU
“Rambai Muchifungisisa Zvinhu Izvi”
Zvipi? VaFiripi 4:8 inoti tinofanira kufungisisa zvinhu zvese zvechokwadi, zvinokosha, zvakarurama, zvakachena, zvinodiwa, zvinotaurwa zvakanaka nezvazvo, zvakanaka, uye zvinorumbidzwa. Hazvirevi hazvo kuti tinofanira kugara tichingofunga zvinhu zvine chekuita neBhaibheri. Asi zvatinosarudza kuisa mupfungwa dzedu zvinofanira kunge zvichifadza Jehovha. Hazvifaniri kuva zvinhu zvinotitadzisa kuramba takavimbika kwaari.—Pis 19:14.
Tinofanira kutorwisa kuti tisava nepfungwa dzakashata. Tinofanira kurwisa zvido zvedu zvakaipa uye zvese zvinoedza kuitwa naSatani, “mwari wenyika ino.” (2VaK 4:4) Satani ndiye mutongi wenyika ino saka zvinhu zvakawanda zvinobuda paTV, paredhiyo, paIndaneti uye mumabhuku zvakaora. Kana tikasangwarira pane zvatinosarudza kuisa mupfungwa dzedu, tinogona kupedzisira taita zvinhu zvinogumbura Jehovha.—Jak 1:14, 15.
ONA VHIDHIYO INONZI DZIVISA ZVINHU ZVINOPARADZA KUVIMBIKA—VARAIDZO YAKAIPA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
-
Zvii zvaionekwa nehama iyi pafoni, uye zvakaikanganisa sei?
-
Yakabatsirwa sei naVaGaratiya 6:7, 8 uye Pisarema 119:37?