Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KURARAMA KWECHIKRISTU

Jehovha Anoda Vanhu Vakachena

Jehovha Anoda Vanhu Vakachena

“Geza maoko. Rongedza mumba mako. Tsvaira. Rasa marara.” Vabereki vakawanda vanodzidzisa vana vavo kuti vagare vakachena. Asi nyaya yekuva neutsanana yakatangwa naMwari. (Eks 30:18-20; Dhe 23:14; 2VaK 7:1) Kana tiine utsanana tinokudza Jehovha. (1Pe 1:14-16) Tinochengeta misha yedu nenharaunda yatinogara yakachena here? Kusiyana nevanhu vanongorasa marara pese pese, sevaKristu tinoita zvese zvatinogona kuti tichengetedze nyika yese yakachena. (Pis 115:16; Zva 11:18) Kunyange zvinhu zvinoita sezvidiki, zvakaita sekurasa mapepa emasuwiti, zvigubhu zvemadhiringi kana mabhabhurigamu, zvinogona kutoratidza maonero atinoita nyaya yekuva vanhu vakachena. Pane zvese zvatinoita muupenyu, tinoda kuratidza “kuti tiri vashumiri vaMwari.”​—2VaK 6:3, 4.

ONA VHIDHIYO INONZI MWARI ANODA VANHU VAKACHENA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Zvikonzero zvipi zvingataurwa nevamwe zvavanoti zvinovatadzisa kuchengeta zvinhu zvavo zvakachena?

  • Mutemo waMozisi unoratidza sei maonero anoita Jehovha nyaya yekuva vanhu vakachena?

  • Tingarumbidza sei Jehovha kunyange pasina shoko ratataura?

Ndingaratidza sei maonero anoita Jehovha nyaya yekuva vanhu vakachena pane zvandinoita muupenyu hwangu?