Jehovha Akavakomborera
Jehovha akaita kuti moto upise zvibayiro zvinopiswa zvekutanga zvakapiwa nevapristi vakanga vachangobva kugadzwa. Izvi zvairatidza kuti aitsigira uye aifarira urongwa uhwu. Paakaita izvi, Jehovha aikurudzira vaIsraeri vese vakanga varipo kuti vatsigire vapristi nemwoyo wese. Mazuva ano, Jehovha akagadza Jesu Kristu kuti ave Mupristi Mukuru. (VaH 9:11, 12) Muna 1919, Jesu akagadza vamwe vevakazodzwa kuti vave “muranda akatendeka, akangwara.” (Mt 24:45) Chii chinoratidza kuti Jehovha anofarira muranda uyu akatendeka uye kuti ari kumukomborera nekumutsigira?
-
Pasinei nekupikiswa, muranda uyu ari kuramba achipa zvekudya zvekunamata
-
Sezvakagara zvataurwa, mashoko akanaka ari kuparidzwa “munyika yese.”—Mt 24:14
Zvii zvatingaita kuti titsigire muranda akatendeka, akangwara nemwoyo wese?