Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | GENESISI 42-43

Josefa Anozvidzora

Josefa Anozvidzora

42:5-7, 14-17, 21, 22

Edza kufungidzira manzwiro akaita Josefa paakangoerekana asangana nevakoma vake. Aigona kunge akaita kuti vamuzive obva avambundira kana kuti atsiva zvaakanga aitirwa. Asi haana kungomhanyira kuita zvinhu asina kufunga. Uchaitei kana ukasabatwa zvakanaka nevemumhuri kana kuti nevamwewo vanhu? Zvakaitwa naJosefa zvinotidzidzisa zvakanakira kuzvidzora uye kuramba takadzikama pane kutevedzera mwoyo wedu unonyengera, toita zvinhu tisina kufunga.

Ungatevedzera sei Josefa mumamiriro ezvinhu aunosangana nawo?