Jehovha Anonunura Josefa
Josefa akatambura ari muranda uye musungwa kwemakore anoda kusvika 13 Jehovha asati amununura. Pane kuti agumbuke, Josefa akadzidza zvinhu zvakawanda zvakanaka kubva pane zvakaitika kwaari. (Ps 105:17-19) Aiziva kuti Jehovha akanga ainaye. Josefa akaita sei zvese zvaaigona mumamiriro ezvinhu aakanga ari?
-
Aishanda nesimba uye akanga akavimbika, izvi zvakaita kuti Jehovha amukomborere.—Ge 39:21, 22
-
Ainzwira vamwe tsitsi pane kuedza kutsiva vanhu vakanga vamuitira utsinye.—Ge 40:5-7
Zvakaitika kuna Josefa zvinondibatsira sei kutsungirira matambudziko angu?
Ndisati ndanunurwa naJehovha paAmagedhoni, ndingaita sei zvese zvandinogona mumamiriro ezvinhu andiri?