Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI

Mharidzo Dzekuenzanisira

Mharidzo Dzekuenzanisira

Mushandirapamwe Wekukoka Vanhu kuChirangaridzo (March 19–April 15)

“Tiri kukukokaiwo kuchiitiko chinokosha chichapindwa nemamiriyoni evanhu pasi rese. Tinenge tichiyeuka kufa kwaJesu.” Mupe kana kuti mutumire pepa rekumukoka. “Pepa iri rinoratidza nguva nenzvimbo zvichaitirwa musangano wacho [kana kuti mungaupinda sei paIndaneti]. Tinokukokaiwo kuzonzwa hurukuro inokosha.”

Kana Munhu Wacho Aratidza Kufarira: Muratidze [kana kuti mutumire] vhidhiyo inonzi Kuyeuka Rufu rwaJesu.

Pekuzotangira: Nei Jesu akafa?

Paunoona Munhu Kekutanga * (March 1-18, April 16-30)

Mubvunzo: Jesu ndiani?

Rugwaro: Mt 16:16

Pekuzotangira: Nei Jesu akafa?

Paunodzokera *

Mubvunzo: Nei Jesu akafa?

Rugwaro: Mt 20:28

Pekuzotangira: Tingaratidza sei kuti tinoonga chibayiro cherudzikinuro chaJesu?

^ ndima 7 ^ ndima 11 Unogona kuchinja mibvunzo iyi kuti ienderane nendima yenyu.