SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Mharidzo Dzekuenzanisira
Mushandirapamwe Wekukoka Vanhu kuChirangaridzo (February 27–March 27)
“Tauya kuzokukokai [kana kuti tafona kana kuti tanyora tsamba iyi kuti tikukokei] kumusangano unokosha uchapindwa nemamiriyoni evanhu. Musangano uyu ndewekuyeuka kufa kwaJesu.” Ipa [kana kuti tumira] munhu wacho pepa rekumukoka. “Pepa iri rinoratidza nguva nenzvimbo zvichaitirwa musangano wacho [kana kuti mungaupinda sei paIndaneti]. Tinokukokaiwo kuzonzwa hurukuro inokosha.”
Kana Munhu Wacho Aratidza Kufarira: Muratidze [kana kuti mutumire] vhidhiyo inonzi Kuyeuka Rufu rwaJesu.
Pekuzotangira: Nei Jesu akafa?