June 22-28
EKSODHO 1-3
Rwiyo 7 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (1 min.)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Ndichava Zvandinenge Ndasarudza Kuva”: (10 min.)
[Ratidzai vateereri vhidhiyo inonzi Kusuma Bhuku raEksodho.]
Eks 3:13—Mozisi aida kuziva zvinorehwa nezita raJehovha uye kuti ainyatsova ani (w13 3/15 24 ¶4)
Eks 3:14—Jehovha anova chero chinenge chichidiwa kuti azadzise chinangwa chake (kr 43, bhokisi)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (10 min.)
Eks 2:10—Nei mwanasikana waFarao akakwanisa kurera Mozisi semwana wake? (g04 4/8 22 ¶1)
Eks 3:1—Jetro aiva mupristi pakudii? (w04 3/15 24 ¶4)
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino zvine chekuita naJehovha Mwari, ushumiri kana kuti zvimwewo?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min. zvichidzika) Eks 2:11-25 (th chidzidzo 11)
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Paunoona Munhu Kekutanga: (3 min. zvichidzika) Tanga nemharidzo yekuenzanisira. Paridzira munhu ambotanga asingadi kuparidzirwa. (th chidzidzo 16)
Paunodzokera: (4 min. zvichidzika) Tanga nemharidzo yekuenzanisira. Musiyire magazini ichangobva kubudiswa inotaura nezvenyaya yaafarira. (th chidzidzo 12)
Hurukuro: (5 min. zvichidzika) w02 6/15 11 ¶1-4—Musoro: Chimwe Chinhu Chikuru Kupfuura Upfumi hweIjipiti. (th chidzidzo 13)
KURARAMA KWECHIKRISTU
Iva Shamwari yaJehovha—Zita raJehovha: (6 min.) Kukurukurirana. Ratidzai vhidhiyo. Kana zvichiita, painopera kumbirai vana vamakatosarudza kuti vauye kuchikuva movabvunza kuti: Zita raJehovha rinorevei? Jehovha akasikei? Jehovha anogona kukubatsira sei?
Zita raMwari Rinokudzwa muScandinavia: (9 min.) Kukurukurirana. Ratidzai vhidhiyo. Kana yapera bvunzai vateereri kuti: Nei zita raMwari raingozivikanwa nevanhu vashoma gore ra1500 risati rasvika? Zita rekuti Jehovha rakatanga sei kushandiswa muScandinavia? Nei uchifarira Shanduro Yenyika Itsva?
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min.) jy chits. 120
Mashoko Ekugumisa (3 min. zvichidzika)
Rwiyo 104 Nemunyengetero